RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g01 12/8 pp. 9-12
  • Tariro Kune Vane Hosha yeArthritis

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tariro Kune Vane Hosha yeArthritis
  • Mukai!—2001
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kurwadziwa Mupfungwa
  • Kuziva Paunogumira
  • Rutsigiro Rwemhuri—“Runopa Simba”
  • Rubatsiro Pakunamata
  • Kutambura Kuchaguma
  • Arthritis—Hosha Inoremadza
    Mukai!—2001
  • Zviri Mukati
    Mukai!—2001
  • Kunzwisisa Hosha yeArthritis
    Mukai!—2001
  • Usarega Kurwara Kuchikutadzisa Kufara
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
Ona Zvimwe
Mukai!—2001
g01 12/8 pp. 9-12

Tariro Kune Vane Hosha yeArthritis

“HOSHA yemajoini hainyanyi kukonzera kufa kwevanhu sezvinoita chirwere chomwoyo kana kuti kenza,” anodaro Dr. Fatima Mili, “asi inokanganisa upenyu zvikuru.” Hosha yemajoini inogona kukanganisa upenyu hwose hwomunhu. Ndezvipi zvimwe zvinetso zvinosangana nevanhu vane hosha yemajoini? Zvinobvira here kurarama nazvo?

Katia,a ane makore 28, wokuItaly anoti: “Kubvira pandakaonekwa kuti ndine hosha yemajoini pandaiva nemakore 20, upenyu hwangu hwose hwachinja. Ndaifanira kusiya basa rangu uye kusiyawo ushumiri hwenguva yakazara nemhaka yokurwadziwa.” Munhu wose ane hosha yemajoini anorwadziwa. Alan, ane makore 63, wokuEngland, anoti: “Unogara uchingonzwa kurwadziwa mumuviri wako, kunyange zvazvo pane imwe nguva zvichimbodzikira.” Kuneta ndiro rimwe dambudziko. “Kunyange zvazvo uchikwanisa kushingirira kurwadziwa uye kuzvimba,” anodaro Sarah, ane makore 21, “haugoni kushingirira kuneta.”

Kurwadziwa Mupfungwa

Maererano naSetsuko wokuJapan ane makore 61, kunetseka zuva nezuva nokurwadziwa kusingaperi kunogona “kukudya mupfungwa nomumwoyo.” Nokutika kungoedza kubata penzura kana kuti runhare kunogona kuva kwakaoma! Kazumi, ane makore 47, anochema-chema achiti: “Kunyange zvinhu zviri nyore zvinogona kuitwa nomwana muduku handichakwanisi kuzviita.” Janice ane makore makumi matanhatu, asingachakwanisi kupedza nguva akamira, anoti: “Zvinoodza mwoyo nokuti handichakwanisi kuita zvandaimboita.”

Kutadza kuita zvakawanda kwakadaro kunogona kukonzera kuvhiringidzika uye kuzvishora. Gaku, ane makore 27, mumwe weZvapupu zvaJehovha uye anoti: “Kusakwanisa kuita zvakawanda mubasa rokuparidza mashoko akanaka kana kuti kuita mamwe mabasa omuungano zvinoita kuti ndifunge kuti hapana chandinobatsira.” Francesca, akatanga kurwara nehosha yemajoini aine makore maviri, anotaura pamusoro “pokuramba achinyura mukuora mwoyo.” Kuora mwoyo kwakadaro kunogona kukanganisa pakunamata. Joyce, chimwe Chapupu chokuSouth Africa, anobvuma kuti akatanga kurega kupinda misangano yechiKristu. “Ndakanga ndisingakwanisi kuonana naani zvake,” anotsanangura kudaro.

Murwere wacho anganyanyawo kufunganya nezveremangwana—kutya kutadza kufamba uye kungoitirwa zvinhu nevamwe, kutya kusiyiwa asina anomutarisira, kutya kudonha uye kutyoka mapfupa, kutya kutadza kugovera zvinodiwa nemhuri. Yoko, ane makore 52, anobvuma kuti: “Pandinoona kuremara kuchiitika, ndinotanga kutya kuti zvichawedzera.”

Nhengo dzemhuri dzingatamburawo nokuremerwa mupfungwa, sezvo vanotarisana zuva nezuva nokurwadziwa kwomudiwa wavo. Vamwe vakaroorana vangatova nezvinetso zvomumba zvakakomba. Mumwe mukadzi muEngland, anonzi Denise, anoti: “Pashure pemakore 15 taroorana, murume wangu akati, ‘handichagoni kutsungirira chirwere chako!’ Akandisiya nomwanasikana wedu ane makore mashanu.”

Nokudaro hosha yemajoini inokonzera zvinetso zvakakura kuvarwere nemhuri dzavo. Kunyange zvakadaro, vakawanda vari kurarama nayo zvinobudirira! Ngatione kuti vamwe vari kuita izvozvo sei.

Kuziva Paunogumira

Kuwana kuzorora kwakakodzera kwakakosha kana uine hosha yemajoini, kunogona kuderedza kuneta. Zvisinei, izvi hazvirevi kuti wobva watorega kuita basa. Timothy anotsanangura kuti: “Unofanira kugara uchiita chimwe chinhu kuitira kuti hosha yacho isakuvhiringidza mupfungwa, nokuti kana ikakuvhiringidza, unongogara uye wongonzwa kurwadziwa.” Nyanzvi inodzidza nezvehosha dzemajoini William Ginsburg paKiriniki yeMayo anoti: “Pane musiyano muduku-duku pakuita zvakawanda kwazvo uye zvishomanana. Dzimwe nguva vanhu vanofanira kuyeuchidzwa kuita zvishoma nezvishoma ndokuteerera hosha yavo.”

Izvi zvingareva kuchinja maonero aunoita paunofanira kugumira. Daphne, wokuSouth Africa, anoti: “Ndaifanira kuona zvinhu sezvazviri uye kuziva kuti kukwanisa kwangu kuita zvimwe zvinhu kwakanga kusina kupera; ndaingofanira kuzviita zvishoma nezvishoma. Pane kutanga kufunganya kana kuti kushatiriswa, ndaingoita zvishoma panguva.”

Zvakanakawo kuziva zvinhu zvinogona kubatsira zvingava zviripo, zvimwe kukurukura nezvazvo nachiremba wako. Keiko anoti: “Takaisa muchina unokwidza nokudzikisa vakaremara mumba medu. Kutenderedza zvibato zvemadhoo kwaikuvadza zviningoningo zvangu, saka takazvichinja. Zvino ndinogona kuvhura madhoo ose ndichiita zvokusunda nomusoro wangu. Takaisa zvibato zvinotenderedzeka zviri nyore papombi dzose dzemvura dziri mumba kuitira kuti ndikwanise kuitawo basa rakati kuti romumba.” Mumwe ane hosha yemajoini anonzi Gail anoti: “Makiyi angu emota uye emba akaiswa pazvibato zvirefu, zvinoita kuti zvindiitire nyore kuatenderedza. Kamu yangu nebhurasho zvakaiswa zvibato zvirefu uye zvinogona kuiswa panzvimbo yakakodzera kuti ndikame musoro kana kuti kushandisa bhurasho.”

Rutsigiro Rwemhuri—“Runopa Simba”

Carla, wokuBrazil, anoti: “Kutsigira kwomurume wangu kwave kuchikosha kwazvo. Kuenda kwaaiita neni pandaishanyira chiremba kwaindipa ushingi. Taiona pamwe chete kukanganiswa kwaiitwa muviri wangu nehosha yacho, kuti zviratidzo zvacho ndezvipi, uye kuti kurapwa kupi kwaizova kwakakodzera. Ndainzwa zviri nani nokuti aikwanisa kunzwisisa zvakanga zvichiitika kwandiri.” Hungu, varume kana madzimai vanoda kubvuma kusakwanisa kuita zvakawanda kwevamwe vavo uye vanoda kuziva zvakawanda maererano nemamiriro avo ezvinhu vanogona kupa simba uye rutsigiro.

Somuenzaniso, Bette, akatanga kuita mabasa okuchenesa apo hosha yemajoini yakakanganisa basa rokuvaka romurume wake. Murume waKazumi haana kumutarisira chete asi aiitawo basa romumba raakanga asingakwanisi kuita. Uyezve, akarovedza vana vavo kuitawo zvavaikwanisa kuti vabatsire. Kazumi anoti: “Murume wangu ave achindisimbisa. Kudai pasina kubatsira kwaanoita dai zvinhu zvakatondiipira kwazvo.”

Mumwe mukadzi anonzi Carol, wokuAustralia, anonyevera kuti: “Ngwarira kuzviwanzira basa. Zviri nyore kunzwa kusava nematuro pandinotadza kushandawo zvinenge zvichiita vamwe vomumhuri.” Parunopiwa nokunzwisisa kwechokwadi norudo, rutsigiro rwemhuri runogona kusimbisa vanorwara.

Rubatsiro Pakunamata

Katia anoti: “Munhu paanorwara nechirwere chakadai, anobva agutsikana kuti hapana anoziva zviri kuitika kwaari. Izvi zvinoita kuti kutendeukira kuna Jehovha Mwari kuve kunokosha, tichiziva kuti anonyatsonzwisisa zvatiri mumuviri uye mupfungwa. (Pisarema 31:7) Kuva noukama hwakanaka naye kwakandipa rugare rwepfungwa kurarama semazuva ose nechirwere changu.” Nenzira yakakodzera, Bhaibheri rinodana Jehovha kuti “Mwari wokunyaradza kwose, anotinyaradza pakutambudzika kwedu kwose.”—2 VaKorinde 1:3, 4.

Nokudaro munyengetero unogona kunyaradza zvikuru munhu ari kutambura nokurwadziwa kusingaperi. Kazumi anoti: “Munguva yousiku pandisingagoni kurara nemhaka yokurwadziwa, ndinodurura mwoyo wangu kuna Jehovha ndichiita zvokuchema, ndichimukumbira simba rokutsungirira kurwadziwa kwacho uye uchenjeri hwokutarisana nezvinetso zvangu zvose. Hapana mubvunzo kuti Jehovha akandipindura.” Francesca akaonawo kutsigira kworudo kwaMwari. Anoti: “Ndakaona kuzadzika kwemashoko ari pana VaFiripi 4:13 anoti: ‘Ndine simba rokuita zvinhu zvose nemhaka youyo anondipa simba.’”

Kakawanda kacho, Jehovha Mwari anotsigira achishandisa ungano yechiKristu. Somuenzaniso Gail, anotaura nezvorubatsiro rwaakawana kubva kuhama nehanzvadzi dzaanonamata nadzo muungano yeZvapupu zvaJehovha yomunzvimbo iyoyo. “Rudo rwavo rwakandibatsira kuti ndirege kuora mwoyo,” anodaro Gail. Saizvozvowo, Keiko paakabvunzwa kuti, “Pane chinhu chipi nechipi chaungafunga nezvacho chave chakanaka muupenyu hwako here?,” akapindura kuti: “Hungu, rudo rwose netsitsi zvandinowana kubva kumunhu wose ari muungano!”

Muungano dzeZvapupu zvaJehovha, vatariri vanotungamirira pakupa rutsigiro rwakadaro. Setsuko anoti: “Vakuru pavanoteerera uye kupa nyaradzo, handigoni kurondedzera zvazvinoita pamunhu ari kurwisana nechirwere.” Zvisinei, sezvatinoyeuchidzwa naDaniel anorwara nehosha yemajoini “hama dzedu dzatinonamata nadzo dzinokwanisa kubatsira kana tikadziita kuti dzidaro.” Naizvozvo zvakakosha kuti vanorwara varambe vachionana nevamwe vaKristu, vachiita zvose zvavanogona kupinda misangano yeungano. (VaHebheru 10:24, 25) Ikoko vachawana kurudziro yomudzimu yavanoda kuti vatsungirire.

Kutambura Kuchaguma

Vane hosha yemajoini vanoonga vezvokurapa nokufambira mberi kwaitwa kusvikira pari zvino. Zvisinei, kunyange kurapa kwakanakisisa hakuzombofi kwakapedza chirwere chacho. Pakupedzisira, vanorwara vanogona kuwana nyaradzo huru kwazvo nokubvuma zvipikirwa zvaMwari zvenyika itsva.b (Isaya 33:24; Zvakazarurwa 21:3, 4) Munyika iyoyo ‘akaremara achakwakuka sezvinoita nondo.’ (Isaya 35:6) Hosha yemajoini nedzimwe hosha dziri kutambudza vanhu dzichapera nokusingaperi! Peter, anorwara nehosha yemajoini, anoti: “Ndinoona kuti pane chikonzero chetariro netarisiro dzakanaka.” Saizvozvowo, mumwe mukadzi wechiKristu anonzi Giuliana anoti: “Ndinoona zuva rimwe nerimwe rinopfuura sehondo yakundwa, zuva rimwe ratobviswa rokutsungirira kusvikira mugumo wasvika!” Hungu, nguva yakuchange kusisina kwete chete hosha yemajoini asiwo kumwe kutambura kwose yava pedyo!

[Mashoko Omuzasi]

a Mamwe mazita akachinjwa.

b Kana uchida kuti Zvapupu zvaJehovha zvikushanyire kuti zvikutsanangurire zvipikirwa zveBhaibheri, onana neZvapupu zvaJehovha zvomuungano yomunzvimbo yaunogara kana kuti nyorera vabudisi vemagazini ino.

[Mifananidzo iri papeji 10]

Kune zvigadzirwa zvakawanda zvinobatsira vanorwara kurarama upenyu hunobereka zvibereko

[Mufananidzo uri papeji 12]

Tsigiro yorudo inogona kuwanikwa pamisangano yechiKristu

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe