Unogona Kuvandudza Simba Rako Rokuyeuka!
“Simba rokuyeuka rinoita kuti upenyu hwedu huve nani. Kudai tisina simba iri hataizogona kuramba tichiita zvimwe zvinhu uye mangwanani oga oga taizotadza kuziva kuti tiri vanaani. Zuva roga roga uye zvinhu zvinenge zvichiitika zvinenge zvisina zvazvinotiyeuchidza kana kuratidza remangwana.”—“MYSTERIES OF THE MIND.”
NEI dzimwe shiri dzichiyeuka nzvimbo yadzinenge dzakachengetera zvokudya zvomuchando papera mwedzi uye shindi dzichigona kuyeuka padzinenge dzakaviga nzungu asi isu tichikanganwa patinenge taisa makiyi pasina nguva? Chokwadi, vakawanda vedu tinonyunyuta pamusoro pehanganwa. Asi, kunyange zvazvo tichitadza, pfungwa dzedu dzinogona zvinoshamisa kudzidza uye kuyeuka. Chinongovapo ndechokunyatsodzishandisa.
Pfungwa Dzedu Dzine Zvakawanda Zvadzinokwanisa Kuchengeta
Uropi hwemunhu hunorema makirogiramu 1,4 uye hwakada kuenzana negirepifurutu, asi hune maneuron mabhiriyoni zana uye anoshanda zvinoshamisa. Uye rimwe chete rinenge rakabatana nemamwe 100 000. Kubatana kwakaita maneuron kunoita kuti pfungwa dzifunge uye dzichengete mashoko adzinenge dzawana. Chinhu chakaoma ndechokuti munhu ayeuke mashoko acho paanenge ava kudiwa. Vamwe vanokurumidza kuyeuka, uye izvi hazvinei nokuti vakaenda kuchikoro here kana kwete.
Somuenzaniso muWest Africa, kune vanhu vasina kudzidza vanonzi vagriot vanokwanisa kurondedzera mazita evanhu vakawanda vedzinza vakararama mumisha yavo. Vagriot ava vakabatsira munyori wokuAmerica Alex Haley, ane bhuku rinonzi Roots rakawana mubayiro wePulitzer, kuti atsvakurudze dzinza rake rokuGambia kusvika kuchizvarwa chechitanhatu. Haley akati: “Ndinofanira kuonga zvikuru vanhu ava vokuAfrica—kwavari vanoti kana mumwe chete wavo akafa zvinenge zvakafanana nokutsva kweraibhurari.”
Chimbofungawo nezvomuimbisi akakurumbira wokuItaly anonzi Arturo Toscanini, akaonekwa kuti aiva nechipo chokuimbisa paaiva nemakore 19 paakakumbirwa kuti azotsiva mumwe muimbisi. Kunyange zvazvo aisanyatsoona, akakwanisa kuimbisa pamutambo wainzi Aida zvose zvichibva mumusoro!
Zvinoitwa nepfungwa izvi zvingatishamisa. Asi, vanhu vakawanda vanokwanisa kuyeuka zvakawanda kupfuura zvavanofunga kuti vanogona. Ungada kuvandudza simba rako rokuyeuka here?
Kuvandudza Simba Rako Rokuyeuka
Kuyeuka kunosanganisira matanho matatu: kupinda kunoita mashoko mupfungwa, kuchengetwa kwawo, uye kushandisa mashoko acho. Uropi hwako hunotora mashoko pahunoanzwisisa nokuaziva. Mashoko iwayo anogona kuchengetwa kuti azoshandiswa munguva yemberi. Munhu anotadza kuyeuka kana rimwe rematanho matatu iwaya ratadza kushanda.
Simba rokuyeuka rakakamurwa kuva mhando dzakasiyana-siyana, dzinosanganisira simba rokuyeuka zvinhu zvakadai sezvatinonzwa, zvatinoona, nezvatinofema, simba rokuyeuka zvinhu zvichangoitika, uye simba rokuyeuka zvinhu zvakaitika kare. Simba rokuyeuka zvichangobva kuitika rinochengeta mashoko mashoma kwenguva duku. Saka, tinogona kuita masvomhu nomusoro, kuyeuka nhamba dzenhare zvokuti tinofona tisati tadzikanganwa, uye kuyeuka mashoko ari kwokutanga kwomutsetse patinenge tichiverenga kana kuteerera chikamu chokupedzisira chacho. Asi sezvatinongoziva tose, simba rokuyeuka zvichangobva kuitika rine parinogumira.
Kana usingadi kukanganwa zvimwe zvinhu, zvinofanira kuenda muchikamu chinoita kuti uyeuke zvinhu zvakaitika kare. Zvingapinda sei muchikamu ichocho? Kuita zvinotevera kuchakubatsira.
◼ Kufarira nyaya yacho Edza kufarira nyaya yacho, uye zviyeuchidze kuti nei uchifanira kuidzidza. Kubva pamaziviro ako, kana uchibatanidza manzwiro ako panyaya yacho, zviri nyore kuzoiyeuka. Izvi zvinogona kubatsira vadzidzi veBhaibheri zvikuru. Simba ravo rokuyeuka rinogona kuvandudzwa pavanoverenga Bhaibheri vaine zvinangwa zviviri, kuswedera pedyo naMwari uye kudzidzisa vamwe nezvaMwari.—Zvirevo 7:3; 2 Timoti 3:16.
◼ Kuisa pfungwa panyaya yacho Bhuku rinonzi, Mysteries of the Mind rinoti, “Kazhinji ‘kukanganwa’ kunoitika kunobva pakusaisa pfungwa panyaya yacho.” Zvii zvingakubatsira kuti pfungwa dzako dzisadzungaira? Farira zvinenge zviri kuitika uye, pazvinenge zvichidiwa, nyora pfungwa dzinokosha. Kunyora mashoko anokosha hakungobatsiri kuita kuti pfungwa dzisadzungaira asi kunobatsira muteereri kuti azodzokorora pfungwa dzacho pave paya.
◼ Kunzwisisa Zvirevo 4:7 inoti, “Pamwe chete nezvose zvaunowana, wana kunzwisisa.” Kana usinganzwisisi zvinenge zvichidzidziswa kana kuti imwe pfungwa, ungasanyatsoiyeuka zvakanaka, kana kutoikanganwa. Kunzwisisa kunokubatsira kubatanidza pfungwa imwe neimwe kuti uone nyaya yacho yose. Somuenzaniso kana munhu ari kudzidzira kuita makanika akanzwisisa kuti injini inoshanda sei, achayeuka zvakaita injini yacho.
◼ Kuronga Pfungwa dzakafanana kana kuti dzinoenderana dzinofanira kuiswa mumapoka akafanana. Somuenzaniso, zviri nyore kuyeuka kutenga zvokudya kana ukazviisa mumapoka azvo—nyama, muriwo, michero nezvimwewo. Uye kamurawo mapoka acho uchiisa muzvikamu zviduku zvinenge zvine zvinhu zvishanu kana kuti zvinomwe. Nhamba dzefoni dzinokamuraniswa kuitira kuti dzikwanise kuyeukwa zviri nyore. Pakupedzisira, zvinogona kukubatsira kana ukazvironga, zvakadai sokuronga nearufabheti.
◼ Kudzokorora zvinonzwika Kudzokorora zvinonzwika zvaunoda kuyeuka (zvakadai seshoko kana kuti mashoko omumwe mutauro) kunoita kuti maneuron achengete mashoko acho. Sei? Chokutanga, kutaura zvinonzwika shoko racho kunoita kuti uise pfungwa dzako dzose pariri. Chechipiri, mudzidzisi wako anogona kukuudza ipapo kana wagona. Uye chechitatu, kunzwa inzwi rako richizvitaura kunoita kuti pfungwa dzako dzishande.
◼ Kuona nyaya yacho mupfungwa Pfungwa dzako ngadzione mifananidzo yezvaunoda kuzoyeuka. Unogona kuona kuti zvinobatsira chaizvo kuita zvekudhirowa papepa. Kuona mupfungwa kunoita kuti ushandise pfungwa dzako kungofanana nezvinoita kudzokorora zvinonzwika. Paunowedzera kushandisa pfungwa, zvinowedzerawo kuti mashoko acho adzike midzi.
◼ Kubatanidza Paunodzidza chimwe chinhu chitsva, ita kuti chibatane nezvimwe zvaunotoziva. Kubatanidza pfungwa itsva nezvawagara uchiziva kunoita kuti kupinda kunoita mashoko mupfungwa uye kuzoashandisa kuve nyore, kubatanidza kwacho kunozokubatsira kuyeuka. Somuenzaniso, kuti uyeuke zita romumwe munhu, ribatanidze nechimiro chake kana chimwe chinhu chinoita kuti uyeuke zita rake. Kana chinhu chacho chichisekesa zvichaitawo nyore kuyeuka. Muchidimbu, tinofanira kufunga nezvevanhu nezvinhu zvatinoda kuyeuka.
Bhuku rinonzi, Searching for Memory rinoti: “Kana tikararama tichingoita zvinhu tisina kufunga kana kuronga uye tisingafungi zvakatipoteredza nezvakamboitika kwatiri, tingazotadza kunyatsoyeuka zvinhu zvine musoro zvekwataiva uye zvatakaita.”
◼ Kudzeya Wana nguva yokudzeya. Imwe nzira yakanaka yokuita izvi ndeyokudzokorora zvawadzidza, zvimwe uchizviudza mumwe munhu. Kana wakasangana nechiitiko chakakunakidza kana kuti wakaverenga chimwe chinhu chinokurudzira muBhaibheri kana bhuku rinotsanangura Bhaibheri, udzawo mumwe munhu. Izvi zvichabatsira mose muri vaviri—zvichadzika midzi mupfungwa dzako ukuwo shamwari yako ichakurudzirwa. Saka, kudzokorora mashoko kunonzi kunobatsira zvikuru kuti munhu azoyeuka mashoko.
Mashoko anoyeuchidza—anobatsira zvikuru
Vadetembi vekare vokuRoma nokuGirisi vaikwanisa kutaura mashoko akawanda vasingatarisi pakanyorwa. Vaizviita sei? Vaishandisa mashoko akaumbwa kuti avabatsire kuyeuka. Iyi inzira yokuumba mashoko zvinotibatsira kuchengeta zvatinoda kuziva kwenguva yakareba tozozviyeuka patinenge tava kuda mashoko acho.
Nzira yokuumba mashoko anoyeuchidza yaishandiswa nevadetembi vekare vechiGiriki yaiva yokubatanidza zvinhu nenzvimbo kana nechimwe chinhu, yakatanga kutsanangurwa nomudetembi wechiGiriki ainzi Simonides wokuCeos muna 477 B.C.E. Nzira iyi inosanganisira kuronga, kuona zvinhu zvacho mupfungwa, uye kubatanidza zvinhu nechimwe chinhu chinonyatsozivikanwa, zvakadai sechimwe chinhu chiri mumugwagwa kana chinhu chiri mumba. Vanhu vanoshandisa nzira iyi vanoita sevari kufamba mupfungwa dzavo, vachibatanidza mashoko avasingadi kukanganwa nezvimwe zvinhu zvinooneka. Kana vave kuda kuyeuka mashoko acho, vanongoita sevari kufamba mupfungwa dzavo zvakare.—Ona bhokisi rinoti, “Ita Rwendo Rwomupfungwa.”
Tsvakurudzo dzakaitwa pashasha dzomutambo wokuyeuka unoitwa pagore weWorld Memory Championships dzakaratidza kuti unyanzvi hwadzo hwokuyeuka hwakanga husingabvi pakuva nenjere. Uyezve, vakawanda vevaikwikwidza vakanga vari pakati pemakore 40 ne50. Zvaibva pai? Vakawanda vanoti unyanzvi hwavo hunobva pakunyatsoshandisa mashoko anobatsira kuyeuka.
Unoda here kuyeuka ndandanda yemashoko? Nzira inobatsira kuita izvi ndeyokuumba shoko uchishandisa mabhii okutanga endandanda yacho yemashoko. Vakawanda vomuno muZimbabwe vanoyeuka mitauro miduku yeChishona inoti Chikaranga, Chindau, Chimanyika, Chizezuru uye Chikore-kore, vachishandisa shoko rokuti, “CHIKANDAMAZEKO.” Pane imwe nzira yakafanana neiyi yaishandiswa zvikuru muchiHebheru chekare. Somuenzaniso mumapisarema akawanda, shoko rokutanga rendima imwe neimwe kana kuti ndima dzinoverengeka rinenge richitanga nearufabheti yechiHebheru, uye ndima dzacho dzinenge dzichitevedzana semarongerwo akaita arufabheti yacho. (Ona Pisarema 25, 34, 37, 111, 112, uye 119.) Nzira iyi yaibatsira vaimbi kuyeuka ndima 176 dze Pisarema rechi 119!
Chokwadi unogona kurovedza uye kuvandudza mano ako okuyeuka. Sezvakaratidzwa netsvakurudzo, pfungwa dzedu dzakafanana netsandanyama. Tikaramba tichidzishandisa dzicharamba dzichiita zviri nani, kunyange patinokwegura.
[Bhokisi riri papeji 19]
MAMWE MAZANO
◼ Ita kuti simba rako rokuyeuka rishande nokudzidza kuita zvinhu nounyanzvi, kudzidzira mutauro mutsva, kana kuti kudzidza kuridza mumhanzi.
◼ Isa pfungwa dzako pazvinhu zvinonyanya kukosha.
◼ Dzidza mashoko anobatsira pakuyeuka.
◼ Inwa mvura yakawanda. Kushaya mvura mumuviri kunoita kuti munhu avhiringidzike mupfungwa.
◼ Iva nenguva yakawanda yokurara. Paunenge wakarara uropi hwako hunenge huchichengeta ndangariro.
◼ Sununguka paunenge uchidzidza. Kushungurudzika mupfungwa kunobudisa mahormone anokanganisa kushanda zvakanaka kwetsinga dzouropi.
◼ Usadhakwa uye usasvuta. Doro rinotadzisa munhu kuyeuka zvinhu zvinenge zvichangobva kuitika, kujairira doro kunogona kuita kuti vitamin B inonzi thiamine ive shoma iri chinhu chinokosha pakushanda zvakanaka kwesimba rokuyeuka. Kusvuta kunoita kuti kuuropi kuende okisijeni shoma.a
[Mashoko Omuzasi]
a Mashoko aya akabva magazini iri paindaneti inonzi Brain & Mind.
[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 20, 21]
ITA RWENDO RWOMUPFUNGWA
Chii chingakubatsira kuyeuka kutenga zvokudya zvinosanganisira zvinhu zvakadai sechingwa, mazai, mukaka, uye majarini. Uchishandisa nzira yokuzviona zviri pane imwe nzvimbo, unogona kufungidzira uchizviona sezvo unofamba rwendo rwemupfungwa uri mumba mako.
Fungidzira uchiona kusheni rechingwa riri pachigaro
mazai ari pasi perambi
hove ichishambira mumukaka
majarini akazorwa paTV
Kana zvichisekesa uye zvisina kujairika, ndizvo zvinotonyanya kubatsira! Paunosvika kuchitoro, edza kuona zvawanga uchiona.
[Bhokisi riri papeji 21]
FARA KUTI UNOGONA KUKANGANWA!
Fungidzira kuti upenyu hwako hwaizova hwakaita sei kudai waizoyeuka zvinhu zvose, zvingava zvinokosha kana zvisingakoshi. Mumusoro mako mungadai makazara zvinhu zvisingakoshi. Kutaura chokwadi, imwe magazini inonzi New Scientist yakati mumwe mukadzi aigona kuyeuka zvinhu zvose zvakaitika muupenyu hwake “akatsanangura kusakanganwa kwake achiti ‘zvinonetesa, hazvidzoreki uye zvinopedza simba’ uye akati ‘zvinoremedza pfungwa.’” Zvinofadza kuti hatina dambudziko racho nokuti vatsvakurudzi vanodavira kuti pfungwa dzedu dzinogona kurasa zvinhu zvisingachakoshi. New Scientist inoti, “Kukanganwa kwakanaka kunobatsira kuti pfungwa dzedu dziyeuke zvakanaka. Patinokanganwa zvinhu zvinokosha, . . . zvinongoreva kuti pfungwa dzedu dziri kunyanya kushanda.”