RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g16 nha. 4 p. 3
  • Kuzvidzora Pakuita Zvawakajaira

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuzvidzora Pakuita Zvawakajaira
  • Mukai!—2016
  • Mashoko Akafanana
  • Batsirwa Nezvawajaira Kuita
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Sumo
    Mukai!—2016
  • Zvinoita Here Kukunda Tsika Dzakaipa?
    Mukai!—2004
  • 1 Usazviwanzira Zvokuita
    Mukai!—2016
Ona Zvimwe
Mukai!—2016
g16 nha. 4 p. 3
Mukadzi ari kuona TV achidya chikafu chisingavaki muviri

NYAYA IRI PAKAVHA

Kuzvidzora Pakuita Zvawakajaira

  • Wachi

    WACHI yaAustin inorira, asi iye achiri kunzwa hope. Kunyange zvakadaro anokurumidza kumuka, obva apfeka hembe dzake dzemaekisesaizi dzaakarara abudisa, oenda kunomhanya.Atova negore achiita maekisesaizi aya katatu pavhiki.

  • Machocolate

    Laurie nemurume wake vanga vachipopotedzana. Nehasha, Laurie anobva amhanyira kukicheni otora machocolate obva adya ese uye izvi ndizvo zvaanowanzoita paanenge atsamwa.

Austin naLaurie vakafanana pachii? Vangava vachizviziva kana kuti vasingazvizivi, vose vane zvavajaira kuita zvokuti vanongoerekana vazviita vasina kana kumbofunga.

Ko iwe une zvinhu zvakanaka zvaunoda kuramba uchiita here muupenyu hwako? Pamwe unoda kugara uchiita maekisesaizi, kukurumidza kurara, kana kuti kugara uchifonera hama dzako.

Asiwo zvimwe une katsika kauri kuda kurega kakadai sekusvuta fodya, kunyanya kudya chikafu chisingavaki muviri, kana kuti kupedza nguva yakawanda uri paIndaneti.

Hazvisi nyore kurega chimwe chinhu chawakajaira. Vamwe vakatoti tutsika twakaipa twakafanana nekudziya kunoita magumbezi kana kuchitonhora, zviri nyore kupinda asi kubuda hakusi nyore!

Saka ungaita sei kuti uzvidzore pazvinhu zvawanga uchiita, wojaira kuita zvinhu zvakanaka? Verenga nyaya dzinotevera unzwe mazano matatu anobva muBhaibheri.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe