RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g16 nha. 4 p. 5
  • 2 Ronga Zvinhu Zvako

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • 2 Ronga Zvinhu Zvako
  • Mukai!—2016
  • Mashoko Akafanana
  • 1 Usazviwanzira Zvokuita
    Mukai!—2016
  • Batsirwa Nezvawajaira Kuita
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Sumo
    Mukai!—2016
  • Zvinoita Here Kukunda Tsika Dzakaipa?
    Mukai!—2004
Ona Zvimwe
Mukai!—2016
g16 nha. 4 p. 5
Kurara warongedza hembe dzemaekisesaizi, bhutsu, chigubhu chemvura, neipod

NYAYA IRI PAKAVHA | KUZVIDZORA PAKUITA ZVAWAKAJAIRA

2 Ronga Zvinhu Zvako

  • Wasarudza kuti wava kuda kudya zvinhu zvinovaka muviri asi uri kutorwa mwoyo neice cream yawakachengeta.

  • Wasarudza kuti hauchadi kusvuta fodya, asi shamwari yako, iyo inoziva kuti uri kuda kusiya zvekusvuta inobva yakupa mudzanga.

  • Waronga kuti uchaekisesaiza nhasi, asi unonzwa usimbe hwekunotsvaka bhutsu dzaunoshandisa nokuti hauzivi kuti dziri pai.

Waona here kuti chii chakafanana pamienzaniso mitatu iyi? Kakawanda kacho zvakaonekwa kuti nzvimbo yatinenge tiri uye vanhu vatinotamba navo ndizvo zvinoita kuti tikwanise kana kuti titadze kusiya tutsika twakaipa.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Munhu ane njere anoona dambudziko ovanda, asi vasina zivo vanongopfuura havo vorangwa.”​—Zvirevo 22:3.

Bhaibheri rinotikurudzira kuti tione dambudziko risati rasvika. Kuita izvi kuchatibatsira kuti tinzvenge zvinhu zvinogona kutitadzisa kuramba tichiita zvakanaka. (2 Timoti 2:22) Saka hatifaniri kuita zvinhu zvinogona kutiisa pamuedzo.

Zviomesere kuti usaita zvauri kuda kusiya asi ita kuti zvikuitire nyore kuita zvinhu zvakanaka

ZVAUNGAITA

  • Zviomesere kuti usaita zvauri kuda kusiya. Somuenzaniso, kana uchida kurega kudya chikafu chisingavaki muviri, edza kusachengeta chikafu chacho mukicheni mako. Ukaita izvi, zvichakuitira nyore kukunda muedzo wacho.

  • Ita kuti zvive nyore kuita zvinhu zvakanaka. Somuenzaniso, kana ukaronga kuti mangwana uchamuka uchiita maekisesaizi, rara wabudisa hembe dzauchapfeka. Kugara waronga zvinhu zvako kunoita kuti zvikuitire nyore kuzozviita.

  • Sarudza shamwari nekuchenjera. Tinowanzotevedzera vanhu vatinotamba navo. (1 VaKorinde 15:33) Saka usaita nguva yakawanda nevanhu vanokukurudzira kuita zvauri kuedza kuregera, asi shamwaridzana nevanhu vanokubatsira kuita zvinhu zvakanaka.

ZVIMWE ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI

“Munhu anofamba nevanhu vakachenjera achava akachenjera.”​—Zvirevo 13:20.

‘Zvirongwa zvomunhu anoshingaira zvichabudirira.’​—Zvirevo 21:5.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe