RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g17 nha. 6 p. 3
  • Nyika Yakanangepi?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nyika Yakanangepi?
  • Mukai!—2017
  • Mashoko Akafanana
  • Nyanzvi Dzesainzi Dziri Kuti Vanhu Vava Pedyo Kuparadza Nyika—Bhaibheri Rinomboti Kudii?
    Dzimwe Nyaya
  • Kutyisidzira Kwenyukireya Kwava Kupera Here?
    Mukai!—1999
  • Nyika Yava Pedyo Kuguma Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2021
  • Mharidzo Dzokuenzanisira
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2012
Ona Zvimwe
Mukai!—2017
g17 nha. 6 p. 3
Wachi yeDoomsday

NYAYA IRI PAKAVHA | NYIKA YAKANANGEPI?

Nyika Yakanangepi?

GORE ra2017 rakatanga nemashoko anosuruvarisa akataurwa nenyanzvi dzesainzi. Muna January rimwe boka renyanzvi idzi rakati nyika yava pedyo nekuparara. Vane wachi yavanoti Doomsday Clock iyo inoratidza kuti nyika yava pedyo zvakadii nekuparara uye vakaiendesa mberi nemasekonzi 30. Iye zvino yasarirwa nemaminitsi maviri nehafu kuti nyika yese iparare uye izvi hazvisati zvamboitika mumakore anopfuura 60 adarika!

Muna 2018, vari kuronga kuongorora zvekare kuti nyika yava pedyo zvakadii kuparara. Nguva iri pawachi yacho ichatowedzera kufamba here? Iwe unofungei? Nyika yakanangepi? Unogona kuona sekuti mubvunzo iwoyo wakaoma. Kunyange nyanzvi dzinoongorora nezvenyaya iyi hadzibvumirani pachadzo. Havasi vanhu vese vanoti nyika ichaparara.

Kunotova nemamiriyoni evanhu anoti ramangwana rakajeka. Vanoti pane umboo hunoratidza kuti vanhu uye nyika hazvisi kuzoparara uye upenyu huchatowedzera kunaka. Zvavanotaura ndezvechokwadi here? Nyika yakanangepi?

“Doomsday Clock inoshandiswa nenyanzvi dzesainzi kuona kuti tava pedyo zvakadii nekuparadza nyika tichishandisa zvinhu zvatinogadzira. Zvombo zvenyukiriya ndizvo zvekutanga zvacho, kozoitawo kushandiswa kwemakemikari, Indaneti uye zvimwe zviri kugadzirwa zviri kukanganisa mamiriro ekunze. Zvimwe zvacho zvinogadzirwa kuti zvikuvadze vanhu asi zvimwe zvinozokuvadza netsaona.”​—Bulletin of the Atomic Scientists.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe