Mharidzo Dzokuenzanisira
Kutanga Zvidzidzo zveBhaibheri Mugovera Wokutanga Muna September
“Vakawanda vanoti nerimwe zuva Mwari achatonga vanhu maererano nemabasa avo. Munofunga kuti vanhu vanofanira kutya Zuva Rokutongwa here? [Rega apindure.] Onai zvinotaurwa pano.” Ipa saimba Nharireyomurindi yaSeptember 1, mokurukura mose zviri pasi pekamusoro kokutanga kari papeji 16 moverenga runenge rugwaro rumwe chete. Govera magazini acho, uye ronga kuzodzoka kuzokurukura mubvunzo unotevera.
Nharireyomurindi September 1
“Munyika dzakawanda, vanhukadzi vanosarurwa uye vanobatwa zvisina kunaka. Chinosuwisa nechokuti vanhu vezvitendero ndivo vanokonzeresawo kuti izvi zviitike. Munofunga kuti Mwari ane hanya nevanhukadzi here? [Rega apindure.] Onai kuti Bhaibheri rinoti varume vanofanira kubata sei madzimai avo. [Verenga VaEfeso 5:28, 29.] Magazini ino inoratidza zvinotaurwa neBhaibheri pamusoro pemaonerwo anoitwa vanhukadzi naMwari.”
Awake! September
“Vakawanda vanoti rimwe zuva nyika yose ichaparara, zvimwe zvichikonzerwa nehondo yenyukireya kana kuti njodzi inongoitika yoga, yakadai sematombo emuchadenga kana kuti kuchinja kwemamiriro ekunze pasi rose. Munofunga kuti zvinhu izvi zvichaitika here, kana kuti kungori kufungidzira kunoita vanhu? [Rega apindure.] Bhaibheri rinopa vimbiso iyi inonyaradza. [Verenga Pisarema 37:29.] Magazini ino inoongorora zvimwe zvinhu zvinonzi zvichakonzera kuti nyika iparare uyewo zvinotaurwa neBhaibheri zvine chokuita neramangwana.”