RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g24 nha. 1 pp. 4-6
  • Vanhu Vachiri Kuremekedza Vamwe Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vanhu Vachiri Kuremekedza Vamwe Here?
  • Mukai!—2024
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • NEI ZVICHIKOSHA KUREMEKEDZA VAMWE?
  • ZVAUNGAITA
  • ZVIRI KUITWA NEZVAPUPU ZVAJEHOVHA
  • Ratidza Kuti Unoremekedza Vamwe
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
  • Vanhu Vachiri Kuremekedzana Here?
    Mukai!—2024
  • Bhaibheri Ringatibatsira Sei Kuti Tiremekedze Maonero Evamwe?
    Dzimwe Nyaya
  • Ndinogona Sei Kuita Kuti Vamwe Vandiremekedze?
    Mukai!—1992
Ona Zvimwe
Mukai!—2024
g24 nha. 1 pp. 4-6
Murume ari muresitorendi ari kupopotera hweta uyo ari kuedza kukumbira ruregerero. Vamwe vanhu vakagara naye havasisina kusununguka.

Vanhu Vachiri Kuremekedza Vamwe Here?

NEI ZVICHIKOSHA KUREMEKEDZA VAMWE?

Kuremekedza vamwe kunoita kuti vasanyanya kugumbuka kana kuri kuti pane patisina kunzwisisana navo.

  • Chimwe chirevo cheBhaibheri chinoti: “Mhinduro nyoro inodzora kutsamwa, asi shoko rinorwadza rinomutsa hasha.” (Zvirevo 15:1) Kutaura kana kuita zvinhu zvinoratidza kusaremekedza vamwe kunoita kuti vamwe vawedzere kutsamwa, uye kakawanda kacho zvinhu zvinobva zvatowedzera kuipa.

  • Jesu akati: “Muromo unotaura zvinobva pazvizhinji zviri mumwoyo.” (Mateu 12:34) Kusaremekedza vamwe nezvatinotaura kunogona kutoratidza kuti tine dambudziko rakakura chaizvo pamaonero atinoita vanhu verumwe rudzi, vanobva kune imwe nyika, kana kuti vane mamiriro ezvinhu akasiyana needu.

    Paongororo ichangobva kuitwa pavanhu vanopfuura 32 000 munyika 28, vanopfuura hafu yavo vakati kusaremekedzana kuri kuita vanhu kwanyanya. Vakataura kuti havasati vamboona zvakadaro.

ZVAUNGAITA

Ungava uri kuchikoro kana kubasa, remekedza vanhu vese kunyange vaya vane maonero akasiyana neako. Tsvaga zvinhu zvaunogona kubvumirana navo. Izvozvo zvichakubatsira kuti usavashora kana kuti kuvatonga.

“Regai kutonga kuti murege kutongwawo.”—Mateu 7:1.

Bata vamwe semabatiro aunoda kuitwa. Kana uine hanya nevamwe uye uchivabata zvakanaka, kakawanda kacho vachakuitirawo izvozvo.

“Zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, vaitireiwo izvozvo.”—Ruka 6:31.

Regerera vamwe. Kana mumwe munhu akataura kana kuita zvinhu zvinokurwadza, usaona sekuti ndizvo zvaanga akaronga.

“Njere dzemunhu dzinodzora kutsamwa kwake, uye zvakanaka kuti angosiya zvakadaro kana atadzirwa.”—Zvirevo 19:11.

MuImba yeUmambo yeZvapupu zvaJehovha misangano yeungano isati yatanga. Vanhu vemazera akasiyana-siyana uye vanobva kwakasiyana-siyana vachikurukura vachifara.
MuImba yeUmambo yeZvapupu zvaJehovha misangano yeungano isati yatanga. Vanhu vemazera akasiyana-siyana uye vanobva kwakasiyana-siyana vachikurukura vachifara.

ZVIRI KUITWA NEZVAPUPU ZVAJEHOVHA

Zvapupu zvaJehovha zvinoremekedza vamwe uye zvinokurudzira vanhu kuti varemekedzane.

Tinokurukura nevanhu mazano anobva muBhaibheri asi hativamanikidzi kuti vabvume zvatinotenda kana kuti maonero edu. Tinoedza kushandisa zvinotaurwa neBhaibheri patinoudza vamwe mashoko edu “neunyoro neruremekedzo rukuru.”—1 Petro 3:15; 2 Timoti 2:24.

Hatisaruri vamwe uye tinogamuchira munhu wese anoda kuziva zvinodzidziswa neBhaibheri pamisangano yedu yeungano pasinei nekwaanobva. Tinonzwisisa kuti munhu wese ane kodzero yekusarudza zvaanoda uye “tinoremekedza vanhu vese.”—1 Petro 2:​17, New International Version.

Tinoremekedza hurumende kwatinogara. (VaRoma 13:1) Tinoteerera mutemo uye tinobhadhara mitero. Uye kunyange zvazvo tisingapindiri mune zvematongerwo enyika, tinobvuma kuti vanhu vane kodzero dzekusarudza zvavanoda panyaya dzezvematongerwo enyika.

Mapikicha: Mapikicha ezviri muvhidhiyo inonzi “Rudo Rune Simba Kupfuura Ruvengo Here?” 1. Murume wechiArabhu. 2. Murume wechiJudha.

DZIDZA ZVIMWE

Zvakaoma kuremekedza vamwe kana uchinge wakadzidziswa kuvavenga. Dzidza kuti vamwe varume vaviri vemunyika mbiri dzakavengana vakadzidza sei kuremekedzana. Tsvaga vhidhiyo inonzi Rudo Rune Simba Kupfuura Ruvengo Here? iri pajw.org.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe