Pasi Rapererwa Nenguva Here?
Waizopindura sei mubvunzo unotevera?
Munguva pfupi iri kutevera, pasi
(a) richaita nani here?
(b) richaramba rakadai here?
(c) richatowedzera kuipa here?
UNOEDZA kuramba uchitarisira kuti zvinhu zvichanaka here mune remangwana? Unobatsirwa munzira dzakawanda kana ukadaro. Ongororo dzakaratidza kuti vanhu vanotarisira remangwana rakanaka vane pfungwa dzakapinza uye vane utano hwakanaka. Imwe ongororo yave ichiitwa kwenguva refu yakatoratidza kuti varume vaitarisira remangwana rakanaka kashoma kuti vabatwe nechirwere chomwoyo kudarika vaya vaiti zvinhu hazvimbonaki mune remangwana. Zvose izvi zvinowirirana nemashoko akanyorwa muBhaibheri mazana emakore akapfuura anoti: “Mwoyo unofara unorapa, asi kushushikana kunoomesa mapfupa.”—Zvirevo 17:22.
Zvisinei, maererano nezvave zvichitarisirwa nevezvesayenzi nezveremangwana rePasi redu, vakawanda vanoona zvakaoma kuti varambe vachifara uye vachitarisira remangwana rakanaka. Chimboona zvimwe zvinhu zvinotyisa zviri kutarisirwa zviri kutaurwa nezvazvo.
Pasi Riri Mungozi
Muna 2002 sangano rinoremekedzwa reStockholm Environment Institute rakanyevera kuti kana vanhu vakaramba vachiparadza pasi, vachiitira kuti vabudirire mune zvoupfumi hwavo, zvingangokonzera kuti “mararamiro ezvinhu zvipenyu zvepasi nemamiriro okunze zvikurumidze kuchinja.” Mashoko acho akaenderera mberi achiti urombo huri mupasi rose, kusaruramisira kuri kuramba kuchiitwa uye kuparadzwa kwezvakatipoteredza kungaita kuti vanhu “varambe vachitarisana nematambudziko asingaperi ezvakatipoteredza, enzanga uye okuchengeteka.”
Muna 2005 sangano reUnited Nations rakabudisa gwaro rinonzi Millennium Ecosystem Assessment reongororo yemakore mana yezvakatipoteredza zviri Pasi. Ongororo yakadzama iyi, yakaitwa nenyanzvi dzinopfuura 1 360 dzaibva munyika 95, yaiva nenyevero yakasimba yokuti: “Zviri kuitwa nevanhu zviri kukanganisa mararamiro anofanira kuita zvinhu zvePasi zvokuti pasi rinenge risingachakwanisi kutsigira zvizvarwa zveremangwana, saka vanhu havachafaniri kuzvirerutsa.” Gwaro racho rinoti kuti pasava nengozi, “zvinoda kuti vanhu vanyatsochinja mabumbiro avo emitemo, masangano avo nezvavanoita asi havasati vatanga kuzviita.”
Anna Tibaijuka, mumwe mukuru mukuru weUnited Nations Human Settlements Programme, anotaura zvava kudavirwa nevatsvakurudzi vakawanda. Anoti: “Kana tikaramba tichingoita zvatiri kuita iye zvino tisingagadzirisi zvinhu, remangwana redu rine ngozi.”
Chinoita Kuti Titarisire Remangwana Rakajeka
Zvapupu zvaJehovha, vanhu vanobudisa magazini ino, vanodavirawo kuti pane zviitiko zvava pedyo zvichangoerekana zvachinja pasi rino. Zvisinei, vanodavira kuti, pane kuti zvikonzere remangwana rine ngozi, zviitiko zvacho zvichaguma nezvinhu zvinofadza zvisati zvamboitika panyika. Nei vachitarisira remangwana rakajeka kudaro? Nokuti vanovimba nezvakapikirwa neShoko raMwari, Bhaibheri. Chimboona zvimwe zvakavimbiswa: “Kwangosara nguva duku, munhu akaipa haazovipozve; uchanyatsotarira panzvimbo yake, asi haachazovipo. Asi vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika, uye vachafara kwazvo norugare rukuru.”—Pisarema 37:10, 11.
Uku kungorotawo zvako here? Tisati tapindura mubvunzo iwoyo, chimbofungisisa izvi: Pachiine zviuru zvemakore zvakawanda, Bhaibheri rakafanotaura zvakarurama nezvezvinetso zvakawanda zvatava kuona zviri kukanganisa pasi redu uye zviri kutambudza vanhu. Tapota verenga magwaro ari munyaya inotevera, uye enzanisa zvaanotaura nezvauri kuona zvichiitika munyika. Paunodaro, uchanyanya kuvimba kuti Bhaibheri rinofanotaura zvakarurama zvinhu zvichaitika mune remangwana.