Mashoko oUmambo Nha. 36
Mireniyumu Itsva—Kutanga Kwezera Idzva Here?
Kutanga Kwezera Idzva Here?
PAKATI pousiku musi waDecember 31, 1999, zana remakore rechi20 rakaguma.a Rakanga riri zana remakore rakava nokusagadzikana kwezvinhu kwakakura. Asi rakavawo nokutanga kwounyanzvi hutsva hwokugadzira zvinhu, kuenderera mberi mune zvokurapa kunoshamisa, kuwanda kwemashoko anowanikwa, uye upfumi hwenyika yose hunowedzera nokukurumidza. Naizvozvo mireniyumu itsva yakagamuchirwa nevakawanda sechiratidzo chetariro nokuchinja. Ndimo here muchaguma hondo, urombo, kusvibiswa kwezvakatipoteredza, uye zvirwere?
Vakawanda vanotarisira kudaro. Asi mukana upi uripo wokuti mireniyumu itsva ichachinja zvinhu zvichakubatsira—kuchinja kuchaita kuti upenyu huve hwakachengeteka uye hwakadzivirirwa nokuda kwako nemhuri yako? Funga nezvokukura kwezvinetso zvishoma chete zvatinotarisana nazvo.
Kusvibisa
Nyika dzakabudirira dziri “kukonzera kukuvadzwa kwezvakatipoteredza munyika yose uye kusvibiswa kwakapararira pamwe nokukanganiswa kwezvinhu zvipenyu.” Kana zviri kuitika panguva ino zvikapfuurira, “zvinhu zvakatipoteredza zvichawedzera kuomerwa.”—“Global Environment Outlook—2000,” United Nations Environment Programme.
Urwere
“Panosvika gore ra2020, zvirwere zvisingatapukiri zvinotarisirwa kukonzera kufa kwavanhu vanomwe pavanhu gumi voga voga vanofa munyika dziri kubudirira, zvichienzaniswa nevasingasviki hafu nhasi.”—“The Global Burden of Disease,” Harvard University Press, 1996.
Dzimwe nyanzvi dzinotaura kuti “panosvika 2010, vanhu vanenge vari vashoma nemamiriyoni 66 [vachava vari vapenyu] munyika 23 dzine denda rakanyanyisa re[AIDS].”—“Confronting AIDS: Evidence From the Developing World,” a report of the European Commission and the World Bank.
Urombo
“Vanhu vanoda kusvika mabhiriyoni 1,3 vanorarama nemadhora asingasviki 38 pazuva, uye vanoda kusvika bhiriyoni rimwe havagoni kuwana zvokudya zvakafanira zvavanoda.”—“Human Development Report 1999,” United Nations Development Programme.
Hondo
“Chisimba mu[nyika dzakasiyana-siyana] chingava pachisina kumbosvika. Chichikonzerwa no[kupesana] kwemadzinza, kwemarudzi, uye kwezvitendero, . . . chisimba chakadaro chichaumba . . . rudzi ruchajairwa zvikuru rwokurwisana mumakore 250 echiuru chamakore anotevera . . . , chichiuraya mazana ezviuru evanhu gore roga roga.”—“New World Coming: American Security in the 21st Century,” U.S. Commission on National Security/21st Century.
Naizvozvo manyemwe nokufara pamusana pemireniyumu itsva zvinovanza chokwadi chokuti kusvibiswa kwezvinhu, kurwara, urombo, uye hondo zviri kutyisidzira kupfuura kare. Zvinokonzera matambudziko aya makaro, kusavimbana, uye udyire—unhu husingagoni kungobviswa nokuongorora kwesayenzi, unyanzvi hwokugadzira zvinhu, kana kuti zvematongerwe enyika.
Mireniyumu Ichakomborera Vanhu
Mumwe munyori wekare akambotaura kuti: “Nzira yomunhu haizi yake amene; munhu, unofamba, haagoni kururamisa nhano dzake.” (Jeremia 10:23) Munhu haana kwete chete mano asiwo kodzero yokutonga nyika. Muiti wedu oga, Jehovha Mwari, ndiye ane kodzero uye ruzivo rwokugadzirisa zvinetso zvavanhu.—VaRoma 11:33-36; Zvakazarurwa 4:11.
Asi rini? Sei? Uchapupu hwokuti tava pedyo nomugumo we“mazuva okupedzisira” hwakakura. Tapota, vhura Bhaibheri rako, worava pana 2 Timoti 3:1-5. Panotsanangura zvakajeka unhu hwaizoratidzwa nevanhu muidzi “nguva dzinonetsa.” Mateu 24:3-14 naRuka 21:10, 11 dzinorondedzerawo “mazuva okupedzisira.” Ipapo zvinotaurwa nezvazvo zviitiko chaizvo zvave zvichiitika kubva muna 1914, zvakadai sehondo yenyika yose, nhenda, uye kuperevedza kwezvokudya kwakapararira.
Munguva pfupi iri kutevera “mazuva okupedzisira” achaguma. Dhanieri 2:44 inoti: “Mwari wokudenga uchamutsa ushe, husingatongozoparadzwi, . . . ihwo huchaputsanya nokuparadza ushe uhwo hwose [hwapasi], ihwo huchamira nokusingaperi.” Nokudaro, zvakafanotaurwa kuti Mwari aizogadza Umambo, kana kuti hurumende, kuti itonge pasi pano. Maererano naZvakazarurwa 20:4, hurumende iyi inotonga kwemakore ane chiuru—mireniyumu! Funga dzimwe dzenzira idzo kurarama kwevanhu vose kuchavandudzika nakwo muMakore Ane Chiuru aya ane mbiri:
Upfumi. “Vachavaka dzimba nokugaramo; vachasima minda yemizambiringa, nokudya michero yayo. Havangavaki dzimba, mumwe achizogaramo; havangasimi, mumwe achizodya.”—Isaya 65:21, 22.
Utano. “Ipapo meso amapofu achasvinudzwa, nenzeve dzematsi dzichadziurwa. Ipapo unokamhina uchakwakuka senondo, rurimi rwembeveve ruchaimba.” “Hakuna ugeremo, uchati: Ndinorwara.”—Isaya 33:24; 35:5, 6.
Zvakatipoteredza. Mwari acha‘paradza vanoparadza pasi.’—Zvakazarurwa 11:18.
Ukama Hwevanhu. “Hazvingakuvadzi kana kuparadza pagomo rangu rose dzvene, nokuti nyika yose ichazara nokuziva Jehovha.”—Isaya 11:9.
Mamiriyoni anotenda zvipikirwa izvi zveBhaibheri uye nokudaro akawana maonero ane tariro neane chivimbo enguva yemberi. Somugumisiro, anokwanisa kubata zviri nani nokuoma kwoupenyu nezvinetso. Bhaibheri ringava sei simba rinotungamirira muupenyu hwako?
Zivo Inotungamirira Kuupenyu!
Sayenzi noruzivo rwokugadzira zvinhu dzimwe nguva zvinomboorora chaizvo! Kunyange zvakadaro, ruzivo rwomunhu haruna kuita kuti upenyu huchengeteke uye kuti hufadze kuvanhu vakawanda. Zivo yoga ingaita izvi inorondedzerwa muBhaibheri pana Johani 17:3, inoti: “Izvi zvinoreva upenyu husingaperi, kupinza kwavo zivo pamusoro penyu, Mwari wechokwadi bedzi, neyowamakatuma, Jesu Kristu.”
Zivo yakadaro inowanika mumapeji eBhaibheri. Kunyange zvazvo vakawanda vachitaura zvakawanda maererano nebhuku iroro dzvene, vashoma vati vamboriongorora pachavo. Zvakadiniko newe? Chokwadi, kurava Bhaibheri ibasa chairo. Asi zvakakodzera. Bhaibheri ndiro bhuku roga raka‘furidzirwa naMwari uye rinobetsera pakudzidzisa, pakutsiura, pakururamisa zvinhu, pakuranga nokururama.’—2 Timoti 3:16.
Saka, ungatanga sei kuita kuti unyatsoziva Bhaibheri? Wadii wabvuma kubatsirwa neZvapupu zvaJehovha? Zvinogovera murayiridzo kumamiriyoni evanhu vari mumisha yavo, pasina muripo. Kukubatsira munhau iyi, zvinoshandisa mabhuku eBhaibheri akasiyana-siyana, akadai sebhurocha rinonzi Mwari Anodei Kwatiri? Rinopa mhinduro pfupi kune yakawanda yemibvunzo yaungava nayo pamusoro peBhaibheri, yakadai seyokuti: Mwari ndiani? Chinangwa chaMwari nokuda kwapasi ndechei? Umambo hwaMwari chii? Bhaibheri ringavandudza sei upenyu hwemhuri yako?
Kana uchida kuti mumwe weZvapupu zvaJehovha ashanye kumba kwako, tapota zadzisa kopani riri pasi apa. Zvichafara kukupa mamwe mashoko pamusoro poKutonga Kwemireniyumu kwoUmambo hwaMwari!
□ Ndinoda kugamuchira bhurocha rinonzi Mwari Anodei Kwatiri?
□ Ndapota onanai neni nokuda kwefundo yeBhaibheri isingaripirwi
[Mashoko Omuzasi]
a Pano tinotaura nezvemaonero akakurumbira anoita vanhu vokuMadokero mireniyumu itsva. Chaizvoizvo, mireniyumu itsva inotanga musi waJanuary 1, 2001.