RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w10 2/1 p. 21
  • Mwari Anombodemba Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mwari Anombodemba Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Mashoko Akafanana
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 7—Vatongi
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
  • Kunamata Bhaari—Kurwira Mwoyo Yavaisraeri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Kushumira Mwari Tisingadembi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • VaIsraeri Vanopinda muKenani
    Bhaibheri—Rinombotaura Nezvei?
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
w10 2/1 p. 21

Swedera Pedyo naMwari

Mwari Anombodemba Here?

VATONGI 2:11-18

ZVATIRI vanhu vasina kukwana, tinombozvidemba pane dzimwe nguva. Somuenzaniso, tingazvidemba kana taziva kuti takanganisa pane chimwe chinhu chatinenge taita. Bhaibheri rinoti Jehovha anombozvidemba. Asi ungati, ‘Mwari akakwana.’ ‘Haakanganisi!’ Saka Mwari anozvidemba sei? Mhinduro yomubvunzo uyu inogona kutibatsira kunzwisisa chimwe chinhu chinoshamisa: Jehovha ane manzwiro, uye zvatinoita zvinogona kumufadza kana kumurwadza. Chimboona mashoko akanyorwa pana Vatongi 2:11-19.

Bhuku reBhaibheri raVatongi rinoratidza nguva yainetsa zvinhu muIsraeri yekare. Panguva iyi, vakanga vava kugara muKenani, nyika yakanga yavimbiswa naMwari kuti aizopa Abrahamu. Kwemazana emakore akawanda akazotevera, upenyu hwevaIsraeri hungangoiswa muchidimbu seizvi: kutsauka, kudzvinyirirwa, kuteterera, uye kununurwa.a

Kutsauka. Vafurirwa nevaKenani, vaIsraeri “vakasiya Jehovha” uye vakatanga kutevera vamwe vanamwari; ‘vakatoshumira Bhaari nemifananidzo yeAshtoreti.’b Kutsauka ikoko kwakaita kuti vasiye zvavaitenda. Ndosaka zvisingashamisi kuti vaIsraeri “vakagumbura Jehovha,” Mwari akanga anunura vaIsraeri muIjipiti!—Ndima 11-13; Vatongi 2:1.

Kudzvinyirirwa. Agumburwa nechikonzero chakarurama, Jehovha airega kudzivirira vanhu vainge varega kumuteerera. VaIsraeri vaibva vawira “muruoko rwevavengi vavo,” avo vaizoenda kwavari voparadza nyika yavo.—Ndima 14.

Kuteterera. Munguva yavainge vachitambura zvikuru, vaIsraeri vaizvedemba pane zvakaipa zvavainge vaita vochema kuna Mwari kuti avabatsire. Mashoko okuti “vaigomera nokuda kwevadzvinyiriri vavo” angaratidza kuti vaiteterera. (Ndima 18) Aiva maitiro avo kugara vachiteterera kuna Mwari. (Vatongi 3:9, 15; 4:3; 6:6, 7; 10:10) Mwari aipindura sei?

Kununurwa. Jehovha ainzwa kugomera kwevaIsraeri uye “aizvidemba.” Shoko rechiHebheru rakashandurwa kuti “aizvidemba” rinogona kureva “kuchinja pfungwa kana chinangwa.” Rimwe duramazwi rinoti: “Jehovha, aona kugomera kwavo, aichinja chinangwa chake chokuvaranga ovanunura.” Netsitsi dzake, Jehovha “aivamutsira vatongi,” vaizonunura vanhu vake pavavengi vavo.—Ndima 18.

Waona here chaiita kuti Mwari azvidembe, kana kuti achinje pfungwa? Aidaro kana vanhu vake vachinja mafungiro avo. Zvifunge seizvi: Baba vane rudo vangaranga mwana anenge akakanganisa, zvichida nokumunyima zvimwe zvinhu. Asi pavanoona kuti mwana wacho anyatsopfidza, baba vacho vangasarudza kusamuranga.

Tinodzidzei nezvaJehovha munhoroondo iyi? Anogumburwa nevanhu vanoita chivi vachiziva, asi anonzwira tsitsi vanhu vanopfidza. Zvinokosha patinofunga kuti zvatinoita zvinogona kufadza kana kuti kurwadzisa Mwari. Wadii wadzidza zvaungaita kuti “ufadze mwoyo” waJehovha! (Zvirevo 27:11) Haumbozozvidembi.

[Mashoko Omuzasi]

a Mashoko ari pana Vatongi 2:11-18 anongova enhanganyaya yepfupiso inoratidza mararamiro evaIsraeri, anozodonongodzwazve muzvitsauko zvinotevera.

b Bhaari akanga ari mwari akakurumbira chaizvo wevaKenani, uye Ashtoreti aiva mwarikadzi ainzi aiva mudzimai waBhaari.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe