Mararamiro Emunguva Dzinotaurwa muBhaibheri—Vaimbi Nezviridzwa Zvavo
“Murumbidzei [Mwari] muchiridza hwamanda. Murumbidzei nechiridzwa chine tambo norudimbwa. Murumbidzei negandira nokutamba muchitenderera. Murumbidzei netambo dzezviridzwa nomutopota. Murumbidzei nemakwakwakwa esimbi anorira zvinonakidza. Murumbidzei nemakwakwakwa esimbi anorira.”—PISAREMA 150:3-5.
MIMHANZI nevaimbi zvava nenguva zvichikosheswa chaizvo pakunamata Jehovha Mwari. Somuenzaniso, Jehovha paakaita chishamiso chokununura vaIsraeri paGungwa Dzvuku, Miriyemu hanzvadzi yaMosesi akatungamirira vakadzi pakuimba rwiyo rwokukunda uye pakutamba. Vaimbi vacho vairidza makandira uku vachitamba. Izvi zvinoratidza kuti mimhanzi yaikosha chaizvo kuvaIsraeri. Vakanga vachangobva kununurwa pauto revaIjipiti asi vakadzi vakawanda vakanga vaine zviridzwa zvavo vakagadzirira kuzviridza. (Eksodho 15:20) Mambo Dhavhidhi akazorongawo kuti patebhenekeri pave nezviuru zvevaimbi vainamata Jehovha vachiridza zviridzwa zvavo. Patemberi yakazovakwa nemwanakomana wake Soromoni, paivawo nevaimbi vakadaro.—1 Makoronike 23:5.
Zviridzwa izvi zvaigadzirwa nei? Zvaiva zvakaita sei? Zvairira sei? Uye zvairidzwa kana zvaita sei?
Mhando Dzezviridzwa
Zviridzwa zvinotaurwa muBhaibheri zvaiva zvakagadzirwa nematanda emiti inokosha, matehwe emhuka, simbi uye mapfupa. Zvimwe zvacho zvaishongedzwa nenyanga dzenzou. Tambo dzacho dzaigadzirwa nerwodzi kana kuti neura hwemhuka. Kunyange zvazvo zviridzwa zvekare izvozvo zvisisipo, mifananidzo yazvo ichiripo.
Zviridzwa zvaishandiswa munguva dzinotaurwa muBhaibheri zvinogona kuiswa mumapoka matatu anoti: zviridzwa zvine tambo zvakaita serudimbwa (1), nechiridzwa chine tambo nhatu chakada kuita segitare (2); zviridzwa zvokufuridza zvakaita sehwamanda (3), bhosvo (4), nyere kana kuti mutopota uyo wainyanya kufarirwa chaizvo (5); zviridzwa zvaiita zvokurohwa zvakaita segandira (6), matare anoridzwa (7), makwakwakwa esimbi (8), nemabhero (9). Vaimbi vairidza zviridzwa izvi pavaidetemba, pavaitamba uye pavaiimba. (1 Samueri 18:6, 7) Chinotonyanya kukosha ndechokuti vairidza zviridzwa zvavo pakunamata Mwari uyo akanga avapa chipo chemimhanzi. (1 Makoronike 15:16) Ngatimbonyatsoongorora boka rimwe nerimwe rezviridzwa izvi.
Zviridzwa Zvine Tambo Rudimbwa rwaiva chiridzwa chisingaremi kutakura chine tambo dzakakakwa padanda rakavezwa. Dhavhidhi airidza chiridzwa chine tambo kuti anyaradze Mambo Sauro akanga achishungurudzika. (1 Samueri 16:23) Zviridzwa izvi ndizvo zvakaridzwa nekwaya yokutsaurira temberi yaSoromoni uye zvairidzwawo pane mimwe mitambo inofadza.—2 Makoronike 5:12; 9:11.
Chiridzwa chine tambo nhatu chaiva chakafanana nerudimbwa pakuti zvose zvaiva netambo asi zvaizongoti siyanei pamagadzirirwo. Kazhinji chainge chiine tambo shomanana dzaiva dzakakakwa padanda raiita maungira. Tambo idzi padzaikwenywa, dzinofanira kunge dzairira zvinonakidza sezvinongoitawo gitare remazuva ano. Tambo dzacho dzaigadzirwa nerwodzi rwakakoswa kana kuti neura hwemhuka.
Zviridzwa Zvokufuridza Zviridzwa izvi zvinotaurwa kakawanda muBhaibheri. Pazviridzwa izvi hwamanda yechiJudha ndiyo yaiva imwe yezvairidzwa makarekare. Hwamanda iyi yaigadzirwa nenyanga yegondohwe, yairira chaizvo zvokutovhara nzeve. VaIsraeri vairidza hwamanda kana vachida kuunganidza mauto kuti arwe hondo uye kana vachida kuti rudzi rwacho rwuite chimwe chinhu.—Vatongi 3:27; 7:22.
Chimwe chiridzwa chokufuridza raiva bhosvo resimbi. Chimwe chinyorwa chakawanikwa paMipumburu yeGungwa Rakafa chinoratidza kuti vaimbi vairidza mabhosvo nenzira yokuti aibudisa mitinhimira yakasiyana-siyana. Jehovha akarayira Mosesi kuti agadzire mabhosvo maviri esirivha aizoshandiswa patebhenekeri. (Numeri 10:2-7) Pakazoitwa mutambo waipemberera kutsaurirwa kwetemberi yaSoromoni, mabhosvo 120 akaita kuti pave nomutinhimira une simba. (2 Makoronike 5:12, 13) Mhizha dzaigadzira mabhosvo akareba zvakasiyana-siyana. Mamwe aiva akareba masendimita 91 kana kupfuura.
Pazviridzwa zvokufuridza, vaIsraeri vainyanya kufarira nyere. Nyere yairira zvainakidza vanhu vaiita mitambo semhuri, vaipemberera uye vaiva pamichato. (1 Madzimambo 1:40; Isaya 30:29) Nyere dzairidzwawo pamariro, ukuwo vamwe vachiimba (ona peji 14).—Mateu 9:23.
Zviridzwa Zvaiita Zvokurohwa VaIsraeri vairidza zviridzwa zvakasiyana-siyana zvaiita zvokurohwa pavaiita mitambo yavo yokupemberera. Mutinhimira wezviridzwa izvi waiita kuti vanhu vafare chaizvo kana kuti vashungurudzike. Gandira raigadzirwa nedehwe remhuka raikakwa padanda reraundi. Muimbi kana kuti mutambi paairirova, rairira sengoma. Asi paraikuchukudzwa nomuimbi, tumabhero twaro twaitanga kurira.
Chimwe chiridzwa chaiitwa zvokurohwa chaiva dare rinoridzwa. Chaiva nesimbi yakaita raundi ine mubato uyewo dzimwe simbi dzaipinzwa nomusimbi yacho dzichibuda kunze. Chiridzwa ichi chairira kana chichinge chakuchukudzwa zvakasimba.
Makwakwakwa esimbi ainyatsorira kupfuura dare rinoridzwa. Aigadzirwa nesimbi dzakaita raundi uye aiva nemasaizi maviri. Makwakwakwa akakura airovaniswa zvine simba. Madiki airidzwa nezvigunwe zviviri uye airira zvinonakidza. Makwakwakwa makuru airira zvakasiyana nemadiki.—Pisarema 150:5.
Kutevedzera Muenzaniso
Mazuva ano Zvapupu zvaJehovha pazvinenge zvichiita misangano yazvo yokunamata, zvinotanga zvaridza mimhanzi nokuimba uye zvinoitawo saizvozvo painopera. Pavanoungana vakawanda, vanoridza mimhanzi yakarekodhwa yakaridzwa nezviridzwa zvemazuva ano zvine tambo, zvokufuridza uye zvinoita zvokurohwa.
Zvapupu pazvinoridza mimhanzi nokuimba pakunamata, zvinenge zvichitevedzera zvaiitwa nevaIsraeri vekare uye vaKristu vomuzana remakore rokutanga. (VaEfeso 5:19) Sezvaiitwa nevashumiri vaMwari vanotaurwa muBhaibheri, Zvapupu zvaJehovha zvinonakidzwa nokuimba zvichitevedzera mimhanzi kuti zvirumbidze Jehovha.
[Mifananidzo iri papeji 23]
(Handiwo makuriro chaiwo akaita zviridzwa zvacho)
(Ona bhuku racho)