RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w13 10/1 p. 3
  • Nei Uchifanira Kufarira Bhaibheri?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nei Uchifanira Kufarira Bhaibheri?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Mashoko Akafanana
  • Nei Uchifanira Kudzidza Bhaibheri?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Bhuku Rinofanira Kunzwisiswa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Dzidziso Dzechokwadi Dzinofadza Mwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Manyuko Echienzi Ouchenjeri
    Chii Chiri Donzo Roupenyu? Unogona Sei Kuriwana?
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
w13 10/1 p. 3

NYAYA IRI PAKAVHA | BHAIBHERI RINOMBOTAURA NEZVEI?

Nei Uchifanira Kufarira Bhaibheri?

Bhaibheri ndiro bhuku rinofarirwa kupfuura mamwe ose panyika. Sei richifarirwa? Chikonzero chokutanga ndechokuti rinotaura zvinoitika muupenyu hwevanhu. Rinonyatsotaura nyaya chaidzo dzevanhu, kugarisana kwavaiita nevamwe uye ukama hwavaiva nahwo naMwari. Nyaya dzacho dzine zvidzidzo zvinobatsira uye dzakanyorwa zviri nyore dzisingapotereri, zvokuti dzinogona kushandurirwa mumazana emitauro, dzichinzwisiswa nevanhu munyika yose vangararama chero panguva ipi zvayo. Uyewo mazano eBhaibheri anoshanda nguva dzose.

Chinonyanya kukosha ndechokuti Bhaibheri haringotauri kuti ibhuku rinotaura nezvaMwari asiwo kuti rinobva kuna Mwari. Rinozivisa zita raMwari, unhu hwake uye chinangwa chake chisingachinji chakaita kuti asike nyika nevanhu. Bhabheri rinotaurawo nezvokurwisana kwezvakanaka nezvakaipa kwava nenguva refu, inova nyaya inokwezva zvikuru ichava nemagumo anofadza. Kuverenga Bhaibheri uine chido chokunzwisisa kunoita kuti uve nekutenda uye tariro.

Mashoko ari muBhaibheri hapana kumwe kwaanowanika. Somuenzaniso, Bhaibheri rinotiudza chokwadi panyaya dzakadai sedzinotevera:

  • Kwakabva vanhu uye chinoita kuti titambure

  • Zvakaitwa naMwari kuti anunure vanhu

  • Zvatakaitirwa naJesu

  • Remangwana renyika nevanhu

Wadii kumboongorora mapeji anotevera woona kuti Bhaibheri rinotaura nezvei?

MASHOKO ANE CHOKUITA NEBHAIBHERI

  • Dingindira: Kudzorera kuchaita Umambo hwaMwari kururama nerugare panyika

  • Zviri Mariri: Mabhuku 39 echiHebheru (ane dzimwe ndima shoma muchiAramaiki) uye mamwe mabhuku 27 muchiGiriki

  • Kunyorwa: Rakanyorwa nevanhu vanenge 40 kwemakore anenge 1 600, kubva muna 1513 B.C.E. kusvika munenge muna 98 C.E.

  • Mitauro: Zvikamu zvaro kana kuti iro rose zvava kuwanika mumitauro inopfuura 2 500

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe