Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri
Mibvunzo inotevera ichakurukurwa paChikoro chaMwari Choushumiri muvhiki inotanga naFebruary 28, 2011. Mutariri wechikoro achaitisa kudzokorora kwemaminitsi 20 kunobva pane zvakadzidzwa muhurukuro dzevhiki yaJanuary 3 kusvika yaFebruary 28, 2011.
1. Ibasa rei rakatangwa naHezekiya paakatanga kutonga, uye mazuva ano tingamutevedzera sei? (2 Mak. 29:16-18) [w09-CA 6/15 p. 9 ndima 13]
2. Kuzadzika kweuprofita huri pana Jeremiya 25:8-11 kunosimbiswa sei nemashoko ari pana 2 Makoronike 36:21? [w06-CA 11/15 p. 32 ndima 1-4]
3. Ezra 3:1-6 inotsigira sei uchapupu hwemuMagwaro hwokuti kuva dongo kweJerusarema kwemakore 70 kwakaguma panguva chaiyo? [w06-CA 1/15 p. 19 ndima 2]
4. Nei Ezra akarohwa nehana paakanzwa nezvokuroorana kwaiita vanhu verudzi rwake nevanhu vemamwe marudzi emunyika yavaigara? (Ezra 9:1-3) [w06-CA 1/15 p. 20 ndima 1]
5. “Vakuru” vevaTekoa vaiva vanaani uye mafungiro api avaiva nawo atinofanira kudzivisa? (Neh. 3:5) [w06-CA 2/1 p. 10 ndima 1; w86 2/15 p. 25]
6. Gavhuna Nehemiya muenzaniso wakanaka sei kuvatariri vechiKristu? (Neh. 5:14-19) [si-CA p. 90 ndima 16]
7. Kungofanana nevaIsraeri vakararama panguva imwe chete naNehemiya, tingaita sei kuti tisaregeredza “imba yaMwari wedu”? (Neh. 10:32-39) [w98-CA 10/15 map. 21-22 ndima 12]
8. Kunyatsofunga nezvoupenyu hwaNehemiya kungaita kuti tizvibvunze mibvunzo ipi? (Neh. 13:31) [w96-CA 9/15 p. 17 ndima 3]
9. Esteri akaita unzenza hwepabonde naMambo Ahashivheroshi here? (Est. 2:14-17) [w91-CA 1/1 p. 31 ndima 6]
10. Nei Modhekai akaramba kugwadamira Hamani? (Est. 3:2, 4) [it-2 p. 431 ndima 7; w06-CA 3/1 p. 9]