RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 9/11 p. 3
  • Bhokisi Remibvunzo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhokisi Remibvunzo
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2011
  • Mashoko Akafanana
  • Chikamu 7—Kudzidzisa Vanhu Bhaibheri Zvinofambira Mberi
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
  • Dzidzisa Vanhu Bhaibheri Zvinofambira Mberi Pasuo uye Parunhare
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
  • “Munofanira Kunyengetera Kudai”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
  • Gara Pedyo naJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2011
km 9/11 p. 3

Bhokisi Remibvunzo

◼ Kana tichidzidza nevanhu Bhaibheri tiri pasuo tinofanira kunyengetera here?

Pane zvazvakanakira kutanga uye kupfiga chidzidzo cheBhaibheri nomunyengetero. Patinonyengetera tinenge tichikumbira Jehovha kuti atipewo mudzimu wake mutsvene pakudzidza kwatinenge tichiita. (Ruka 11:13) Munyengetero unodzidzisa mudzidzi kuti aone kukosha kwechidzidzo cheBhaibheri uye zvinomubatsirawo kuziva kuti munyengetero unoitwa sei. (Ruka 6:40) Saka zvakanaka kuti tisaverengera kutanga chidzidzo nomunyengetero. Asi, sezvo mamiriro ezvinhu achisiyana-siyana mudzidzisi ndiye anofanira kushandisa uchenjeri kuti aone kuti zvingaita here kuti vanyengetere pavanenge vachidzidza Bhaibheri vari pasuo.

Chimwe chinhu chinokosha chokufunga nezvacho ndechokuti chidzidzo chacho chiri kuitirwa pai. Kana kuri kuti haisi nzvimbo inongopfuura-pfuura vanhu, munyengetero mupfupi wokutanga uye wokugumisa unogona kuitwa pachidzidzo chinogara chichiitwa. Asi kana pachiita kuti vanhu vanopfuura vangotarisa-tarisa kana kuti zvichiita kuti mudzidzi asanzwa akasununguka, zvingava zvakanaka kuzonyengetera kana chidzidzo chacho chava kuitirwa panzvimbo inokodzera. Pasinei nokuti chidzidzo chiri kuitirwa pai, tinofanira kushandisa uchenjeri kuziva kuti ndirini patingatanga kunyengetera.—Ona Ushumiri Hwedu hwoUmambo hwaMarch 2005 peji 8.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe