Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri
Mibvunzo inotevera ichakurukurwa muvhiki inotanga naAugust 27, 2012. Musi unenge uchikurukurwa pfungwa imwe neimwe waiswa.
1. Zvakaonekwa naEzekieri nezverudzi rwaJudha rwakanga rwapanduka zvinofananidzirei, uye chidzidzo chipi chatinowana? (Ezek. 8:15-17) [July 2, w07 7/1 p. 13 ndima 6; w93 1/15 map. 27-28 ndima 7, 12]
2. Vatungamiriri vakawanda vezvitendero vanotevedzera vaprofita venhema vomunguva yaEzekieri pakudii? (Ezek. 13:3, 7) [July 9, w99 10/1 p. 13 ndima 14-15]
3. Muuprofita hwakanyorwa pana Ezekieri 17:22-24, “davi nyoro,” uye “gomo refu rakakwirira” zvinomirira chii, uye davi nyoro richazopedzisira rava “musidhari mukuru” sei? [July 16, w07 7/1 map. 12-13 ndima 6]
4. Maererano nechirevo chiri pana Ezekieri 18:2, vanhu vakanga vakatapwa pamwe chete naEzekieri vakapomera ani mhosva yokutambura kwavo, uye chidzidzo chipi chinokosha chatinowana kubva panyaya iyi? [July 23, w88 9/15 p. 18 ndima 10]
5. Nyaya yakaitika yakanyorwa pana Ezekieri 21:18-22 inoratidza sei kuti vanhu kunyange madhimoni haagoni kuchinja chinangwa chaJehovha? [July 30, w07 7/1 p. 14 ndima 4]
6. Sezvakanyorwa pana Ezekieri 24:6, 11, 12, ngura iri mugate inomirirei uye ipfungwa ipi iri pandima 14? [Aug. 6, w07 7/1 p. 14 ndima 2]
7. Uprofita hune chokuita neguta reTire hwakazadziswa sei? [Aug. 6, si p. 133 ndima 4]
8. Mashoko api akanyorwa pana Ezekieri 28:2, 12-17 anonyatsokodzera kuna “mambo weTire” uye kumutengesi wokutanga, Satani? [Aug. 13, w05 10/15 map. 23-24 ndima 10-14]
9. Ijipiti yakaitwa dongo kwemakore 40 riini uye uchapupu hupi hunoita kuti tive nechokwadi chokuti izvi zvakaitika? (Ezek. 29:8-12) [Aug. 13, w07 8/1 p. 8 ndima 5]
10. Ezekieri akaita sei vanhu pavakaratidza kusava nehanya nezvaaitaura, pavaimuseka, uye pavaisateerera mashoko aaitaura, uye akavimbiswei naJehovha? (Ezek. 33:31-33) [Aug. 20, w91 3/15 p. 17 ndima 16-17]