Mabasa
4 Zvino vaviri vacho pavaitaura nevanhu, vapristi vakuru nomukuru mukuru wetemberi+ nevaSadhusi+ vakauya pavaiva, 2 vagumbuka nokuti ivo vakanga vachidzidzisa vanhu uye vakanga vachizivisa pachena kumuka kubva kuvakafa vachishandisa zvakaitika kuna Jesu;+ 3 uye vakavabata, vakavaisa muchitokisi kusvikira mangwana acho,+ nokuti akanga atova manheru. 4 Zvisinei, vazhinji vevaya vakanga vateerera hurukuro yacho vakatenda,+ uye varume vacho vakava zviuru zvinenge zvishanu.+
5 Zuva rakatevera vatongi vavo nevarume vakuru nevanyori vakaungana muJerusarema+ 6 (uyewo Anasi+ mupristi mukuru naKayafasi+ naJohani naArekizanda nehama zhinji dzomupristi mukuru), 7 uye vakavamisa pakati pavo vakatanga kubvunza kuti: “Makaita izvi nesimba ripi kana kuti nezita raani?”+ 8 Zvino Petro, azadzwa nomudzimu mutsvene,+ akati kwavari:
“Vatongi vevanhu nevarume vakuru, 9 kana tiri kubvunzurudzwa nhasi uno, nokuda kwebasa rakanaka ratakaitira murume anorwara,+ kuti murume uyu akaporeswa naani, 10 zivai izvi imi mose nevanhu vose vaIsraeri, kuti nezita raJesu Kristu wokuNazareta,+ wamakaroverera+ asi akamutswa naMwari kubva kuvakafa,+ murume uyu amire pano pamberi penyu apora nokuda kwaiyeyu. 11 Uyu ndiro ‘dombo rakanzi harikoshi nemi vavaki razova musoro wekona.’+ 12 Uyezve, hapana mumwe angaponesa vanhu, nokuti hapana rimwe zita+ pasi pedenga rakapiwa pakati pevanhu ratinofanira kuponeswa naro.”+
13 Zvino pavakaona kuti Petro naJohani vaitaura vasingatyi, vakanzwisisa kuti vakanga vari vanhuwo zvavo, vasina kudzidza,+ ivo vakashamisika. Vakatanga kuziva kuti vaimbova naJesu;+ 14 uye zvavakanga vakatarira murume wacho akanga arapwa akamira navo,+ vakashaya chokupikisa nacho.+ 15 Naizvozvo vakavarayira kuti vabude muimba yeSanihedrini, uye vakatanga kurangana, 16 vachiti: “Tichaitei nevarume ava?+ Nokuti, chokwadi, chiratidzo chikuru chaitika nokwavari, icho chinoonekwa nevagari vose vomuJerusarema;+ uye hatigoni kuchiramba. 17 Zvisinei, kuti zvirege kuparadzirwazve kwose kwose pakati pevanhu, ngativatyisidzirei kuti varege kuzotaurazve vachishandisa zita iri chero kumunhu upi zvake.”+
18 Naizvozvo vakavashevedza, vakavarayira, kuti vasambotaura kana kudzidzisa chero kupi zvako nezvezita raJesu. 19 Asi vachipindura, Petro naJohani vakati: “Kana zvakarurama pamberi paMwari kuti titeerere imi panzvimbo paMwari, tongai henyu. 20 Asi kana tiri isu, hatingaregi kutaura pamusoro pezvinhu zvatakaona nezvatakanzwa.”+ 21 Naizvozvo, pavakanga vavatyisidzirazve, vakavasunungura, zvavasina kuwana chikonzero chero chipi zvacho chokuti vavarange uye nokuda kwevanhu,+ nokuti vose vakanga vachikudza Mwari pamusoro pezvakanga zvaitika; 22 nokuti murume akanga aitirwa chiratidzo ichi chokuporeswa akanga aine makore anopfuura makumi mana.
23 Pashure pokusunungurwa, ivo vakaenda kuvanhu vokwavo,+ vakataura zvinhu zvavakanga vaudzwa nevapristi vakuru nevarume vakuru. 24 Vachinzwa izvi vose vakashevedzera nomwoyo mumwe kuna Mwari,+ vakati:
“Changamire+ Ishe, Ndimi makaita denga nenyika negungwa nezvinhu zvose zviri mazviri,+ 25 uye nomudzimu mutsvene makataura muchishandisa muromo watateguru wedu Dhavhidhi,+ mushandi wenyu kuti, ‘Marudzi akaitirei mheremhere uye nei vanhu vakafungisisa zvinhu zvisina zvazvinobatsira?+ 26 Madzimambo epanyika akamira uye vatongi vakaungana pamwe chete kuti varwe naJehovha uye kuti varwe nomuzodziwa wake.’+ 27 Kunyange zvakadaro, Herodhi naPondiyo Pirato+ nevanhu vemamwe marudzi nevanhu vaIsraeri vakaungana muguta rino kuti varwe nomushandi wenyu mutsvene+ Jesu, wamakazodza,+ 28 kuti vaite zvinhu zvakafanosarudzwa noruoko rwenyu uye nokuronga kwenyu kuti zviitike.+ 29 Zvino, Jehovha, inzwai kutyisidzira kwavo,+ mubvumire varanda venyu kuti varambe vachitaura shoko renyu noushingi,+ 30 muchitambanudza ruoko rwenyu nokuda kwokuporesa uye zviratidzo nezvishamiso+ zvichiitika nezita+ romushandi+ wenyu mutsvene Jesu.”
31 Pavakanga vateterera, nzvimbo yavakanga vakaungana mairi yakazununguka;+ uye vose zvavo vakazadzwa nomudzimu mutsvene+ uye vakanga vachitaura shoko raMwari noushingi.+
32 Zvakare, vanhu vazhinji pane vaya vakanga vatenda vakanga vaine mwoyo nomweya mumwe,+ hapana kunyange nomumwe aiti zvinhu zvaaiva nazvo ndezvake oga; asi kuti zvose zvavaiva nazvo zvaiva zvavo vose.+ 33 Uyewo, vaapostora vakaramba vachipupura nesimba guru pamusoro porumuko rwaShe Jesu;+ uye vose vakaitirwa mutsa usina kukodzera kuwanwa mukuru kwazvo. 34 Chokwadi, pakati pavo pakanga pasina aishayiwa;+ nokuti vose vakanga vaine minda kana dzimba vaizvitengesa vachiuya nezvainge zvawanikwa pazvinhu zvainge zvatengeswa 35 uye vaizviisa patsoka dzevaapostora.+ Uyewo mumwe nomumwe aizogoverwa,+ sokushayiwa kwaaiita. 36 Naizvozvo Josefa, uya akapiwa zita rokuti Bhanabhasi+ nevaapostora, zvinoreva kuti, Mwanakomana Wokunyaradza, kana zvashandurwa, muRevhi, munhu wokuKupro, 37 aiva nomunda, akautengesa, akauya nemari yacho, akaiisa patsoka dzevaapostora.+