Vanyajambwa Vasina Mhaka Vokubatwa Zvisina Kufanira Kwavana
“NDAVA pedyo namakore 40 zvino,” anodaro Eilene.a “Uye kunyange zvazvo chinetso changu chichipfuura makore 30, chichiri kundinetsa. Kutsamwa, kuva nemhaka, zvinetso zvomuroorano yangu! Vanhu vanoedza kunzwisisa, asi havangatongogoni.” Chii chiri chinetso chaEilene? Iye ndinyajambwa wokubatwa zvisina kufanira muvatano muuhwana, uye kwaari tapuro dzabvumikisa kuva dzinogara kwenguva refu.
Zvamazvirokwazvo Eilene haasati ari oga. Nzvero dzinoratidzira kuti chiverengero chinokatyamadza chavakadzi—uye varume—vakatambura kubatwa zvisina kufanira kwakadaro.b Ipapoka, zvamazvirokwazvo hachisati chiri chiito chechienzi chomuitiro wakashata, kubatwa zvisina kufanira muvatano muuhwana idambudziko rakapararira, iro rinopinda mumapoka ose enzanga, omugariro wemari, amarudzidziso, uye amadzinza.
Sezvineiwo, varume navakadzi voruzhinjisa zvikuru havasati vaizotongofunga nezvokubata zvisina kunaka mwana neiyi nzira. Asi voruzhinjisa vane ngozi vane iyi ndangariro inorwara. Uye mukusiana navanhu vakarovedzeka, vabati zvisina kufanira vavana vashomanene vanhu vasiri vechienzi vane ndangariro dzokuponda vanovanda munzvimbo dzokutambira. Voruzhinji vanhu vakakudziridza chitarisiko chinopwisa chomuzvarirwo. Vanogutsa zvishuvo zvavo zvakashata kupfurikidza nokunanga vana vasina mhaka, vanovimba, vasina dziviriro—kazhinji kazhinji vanasikana vavo vamene.c Pamhene, ivo vangavabata nomutoo womutsa, norudo rukuru. Pachivande, vanovatyisidzira, vanobata namasimba masimba, uye muzvimiro zvinonyadzisa, zvinoshatsa zvedenho yevatano.
Sezvinobvumwa, kwakaoma kunzwisisa kuti zvinotyisa zvakadaro zvingaitika mumisha mizhinji zvikuru inoratidzika kuva inoremekedzeka. Kunyange munguva dzeBhaibheri, kunyange zvazvo zvakadaro, vana vaishandiswa “nokuda kwegutsikano yechinguvana . . . kugutsa ruchiva.” (The International Critical Commentary; enzanisa naJoere 3:3.) Bhaibheri rakadeya kuzivisa, kuti: “Asi ziva izvi, kuti mumazuva okupedzisira nguva dzinotambudza dzakaoma kubata nadzo dzichavapo. Nokuti vanhu vachava vanozvida vamene . . . vasina chidakadaka chomuzvarirwo . . . vasingazvidzori, vanotyisa, vasina rudo rworunako.” Naizvozvo, hakusati kuchifanira kutikatyamadza kuti kubatwa zvisina kufanira kwavana kuri kuitika pamwero mukuru nhasi.—2 Timotio 3:1, 3, 13, NW.
Kubatwa zvisina kururama muuhwana kungasasiya kuvadziko munyama. Uye handi vakuru vose vakaitwa vanyajambwa savana vanotambudzika nomutoo unooneka. Asi sokureva kwakaita chirevo chekare: “Kunyange mukuseka mwoyo ungave uri mumarwadzo.” (Zvirevo 14:13, NW) Hungu, vanyajambwa vazhinji vane kuvadziko huru dzendangariro—kuvadziko dzakavanzika dzinonetsa mukati. Neiko, kunyange zvakadaro, kubatwa zvisina kururama muuhwana kuchiparira kuvadziko yakadaro muna vamwe? Neiko kupfuura kwenguva bedzi kusingagaroporesa kuvadziko dzakwo? Ukuru hweichi chinetso chinotambudza hunoraira kuti tinangidzire ngwariro kwachiri. Chokwadi, zvimwe zvezvinotevera zvingava zvisingafadzi kurava—zvikurukuru kunodaro kana wakava nyajambwa wokubatwa zvisina kufanira muuhwana. Asi iva nechokwadi chokuti kune tariro, yokuti unogona kunaya.
[Mashoko Omuzasi]
a Mazita ose akachinjwa.
b Nemhaka yokuti rondedzerwo dzokubatwa zvisina kufanira muvatano nemitoo yenzvero zvinosiana zvikuru, zviverengero zvakarurama zvinodokuva zvisingabviri kuwana.
c Vanyajambwa vazhinjisa vanobatwa zvisina kufanira namadzibaba avo chaivo kana kuti vanababa vavo nokuna amai. Kubata zvisina kufanira kunoitwawo nehama dzomumhuri dzakura, vanababamunini, vanasekuru, shamwari dzakura, uye vaenzi. Sezvo vanyajambwa voruzhinji vari vanhukadzi, tichanongedzera kwavari zvikurukuru neshoko rinoreva vanhukadzi. Nokuda kworutivi rukurusa, kunyange zvakadaro, mashoko anopiwa muno anoshanda kuvose vari vaviri vanhurume navanhukadzi.