RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g96 7/8 pp. 7-8
  • Kuparadza Masvingo Ndokuvaka Mabhiriji

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuparadza Masvingo Ndokuvaka Mabhiriji
  • Mukai!—1996
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mhatsa Yetsika Pakati peZvapupu zvaJehovha
  • Masvingo Anodzivisa Kurukurirano
    Mukai!—1996
  • Kana Ndichirarama Nevanhu Vane Tsika Dzakasiyana Ndingaitei?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1
  • Unoona Vamwe Sezvinoita Jehovha Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Tsika Dzomunharaunda Nemitemo yechiKristu—Zvinowirirana Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
Ona Zvimwe
Mukai!—1996
g96 7/8 pp. 7-8

Kuparadza Masvingo Ndokuvaka Mabhiriji

HATINA kusarudza mhuri kana kuti rudzi umo takaberekerwa, uyewo hatina kusarudza kuti itsika ipi yaizoumba kufunga kwedu. Takanga tisina udzori pamusoro pezvinhu zvakadaro. Tose tinodzorwa nenguva nemumiriro wezvinhu. Asi tinogona kudzora marangarire atinoita vamwe uye maitire edu kwavari.

Bhaibheri rinorondedzera nzira yatinogona kuita nayo kudaro. Rangarira nheyo shomanene dzichatibetsera kuvaka mabhiriji ekurukurirano kuavo vangabva mumamiriro ezvinhu ekare anosiyana needu timene.

“Mwari wakasika nyika nezvose zviri mairi . . . wakaita marudzi avanhu, achibva kunomumwe chete, kuti agare pose panyika.” (Mabasa 17:24, 26) Tose zvedu tiri mitezo yemhuri imwe cheteyo yavanhu uye nokudaro tine zvakawanda zvakafanana. Kutsvaka zvinhu zvatinazvo zvakafanana kunoita kuti kurukurirano ive nyore zvikuru. Tose zvedu tinoda shamwari dzakanaka uye tinoda kunzwa tichidiwa nokuremekedzwa. Munhu ari wose anotsvaka kudzivisa marwadzo omuviri neemundangariro. Vanhu vetsika dzose vanoda nziyo nounyanzvi hwokuita mifananidzo, kutaura majee, vanodavira kuratidzira tsika dzakanaka, uye vanotsvaka nzira dzokuva vanofara.

‘Musaita chinhu negakava kana kuti nokuzvikudza, asi nendangariro inozvininipisa rangarirai kuti vamwe vakuru kwamuri.’ (VaFiripi 2:3) Uku hakusiri kutaura kuti tinofanira kurangarira vamwe sevakuru kwatiri muchinhu chiri chose. Panzvimbo pezvo, tinofanira kuziva kuti mune dzimwe nharaunda dzoupenyu, vamwe vakuru kwatiri. Hatifaniri kutongofunga kuti zvimwe isu kana kuti tsika yedu ndiyo bedzi ine zvakanaka zvose.

“Zvino zvatinenguva, ngatiitire vose zvakanaka.” (VaGaratia 6:10) Kungotanga chete kuva noushamwari neanobetsera kuvamwe, pasinei zvapo nemamiriro etsika dzavo, kunogona kuita zvakawanda kuvhara mukaha wekurukurirano.

“Munozviziva henyu izvozvi, hama dzangu dzinodikanwa. Asi munhu mumwe nomumwe ngaakurumidze kunzwa, anonoke kutaura, anonoke kutsamwa.” (Jakobho 1:19) Vakurukurirani vakanaka vanofanira kuita zvinopfuura kutaura; vanofanira kuva vateereri vanonzwira tsitsi.

“Mano mumwoyo womunhu angaita semvura yakadzika; asi munhu wenjere uchaichera.” (Zvirevo 20:5) Iva akangwarira kucherekedza mirangariro nenhau zviri pasi pomufambiro womumwe munhu unooneka. Svika pakuziva vanhu zviri nani.

“Mumwe nomumwe ngaarege kutarira zvake, asi ngaatarire zvavamwewo.” (VaFiripi 2:4) Iva anonzwira tsitsi kupfurikidza nokurangarira zvinhu sekurangarira kunoita mumwe munhu. Iva asina udyire.

Mhatsa Yetsika Pakati peZvapupu zvaJehovha

Kuti nheyo idzi dzinoshanda chaizvoizvo kunooneka muchinzwano chinoshamisa cheZvapupu zvaJehovha, izvo zviri kushanda munyika 232 dzapasi. Izvo vanhu vanobva “kundudzi dzose, namarudzi, navanhu, nendimi” uye vakatsunga kuwirirana nenhungamiro yorudo yaJehovha muzvinhu zvose.—Zvakazarurwa 7:9; 1I VaKorinte 10:31-33.

Zvapupu zvimwe nezvimwe hazvizvidzi tsika yavamwe. Uyewo avo vanova Zvapupu havarambi tsika mavakarererwa, kutoti kana isingabvumirani nenheyo dziri muBhaibheri. Muzviitiko zvakadaro vanoita chinjo muupenyu hwavo. Vanoziva kuti mutsika iri yose mune mativi akafanirwa nokurumbidzwa uye kuti iwaya anotonatswa muvanhu vanogamuchira kunamata kwechokwadi.

Vanovavarira kuona nyika yedu seizvo Mwari anofanira kuiona—yakajeka uye iri yebhuruu uye yakaisvonaka—ichitenderera muchadenga. Inyika ine mhatsa inoshamisa yemarudzi netsika. Zvapupu zvaJehovha zvinotarira mberi kunguva apo vose vari pasi pano vachafarikanya upenyu semhuri yakabatana zvirokwazvo.

[Mufananidzo uri papeji 8]

Zvapupu zvaJehovha zvakadzidza nzira yokupunza nayo mipingo yetsika

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe