Ngozi Yacho Inogona Sei Kuderedzwa?
HOSHA yetsinga dzinoendesa ropa kumwoyo (CAD) ine chokuita nezvisakiso zvakati zvemavara okugara nhaka, mhoteredzo, uye mararamiro. CAD nehosha yemwoyo zvinogona kuvapo kubva mumakore mazhinji, kana akasava makumi amakore, engozi dzine chokuita nechimwe kana kuti zvinopfuura zveizvi zvisakiso.
Zera, Munhuyi, uye Kugara Nhaka
Kuwedzera kwezera kunounza ngozi yakawedzerwa yehosha yemwoyo. Inenge 55 muzana yehosha dzemwoyo inoitika muvanhu vanopfuura makore 65. Inenge 80 muzana yaavo vanofa nehosha dzemwoyo vane makore 65 kana kuti kupfuura.
Varume vari pasi pemakore 50 vari mungozi zvikuru kupfuura vakadzi vezera rimwe chetero. Pashure pokuguma kuenda kumwedzi, kuva mungozi kwomukadzi kunowedzera nemhaka yokuderera kwakamwe kamwe kwehomoni inodzivirira inonzi estrogen. Maererano nedzimwe fungidziro, kurapa kwokutsiva estrogen kungaderedza ngozi yehosha yemwoyo muvakadzi ne40 muzana kana kuti kupfuura, kunyange zvazvo pangava nengozi yakawedzerwa yekenza.
Kugara nhaka kungaita rutivi rukuru. Avo vane vabereki vakava nedenho vasati vasvika zera ramakore 50 vane ngozi yakawedzerwa yedenho. Kunyange kana vabereki vakava nedenho pashure pezera ramakore 50, pane ngozi yakawedzerwa. Apo kunenge kune nhau yechinetso chemwoyo mumhuri, vana vanobvira zvikuru kuva nezvinetso zvakafanana.
Chisakiso Checholesterol
Cholesterol, rudzi rwelipid, iri madikanwa nokuda kwoupenyu. Chiropa chinoigadzira, uye ropa rinoitakura kuenda kumasero, mumamolecule anonzi malipoprotein. Marudzi maviri ndiwo malipoprotein ane cholesterol yakawanda nemapuroteini mashoma (cholesterol yeLDL) nemalipoprotein ane cholesterol shoma nemapuroteini akawanda (cholesterol yeHDL). Cholesterol inova chisakiso chengozi nokuda kweCAD apo cholesterol yeLDL yakanyanyowanda inoungana muropa.
HDL inofungidzirwa kuva inoita basa rokudzivirira kupfurikidza nokubvisa cholesterol munyama ndokuidzorera kuchiropa, uko inochinjwa ndokubviswa mumuviri. Kana LDL ichiratidza kupfurikidza nezvero kuva yakakwirira uye HDL yakaderera, ngozi yehosha yemwoyo ihuru. Kuderedza mwero weLDL kunogona kuguma nokuderera kwengozi kwakatanhamara. Matanho ekuganhurira zvokudya anokosha mukurapa, uye kusimbisa muviri kunogona kubetsera. Mirimo yakasiyana-siyana inogona kuparira migumisiro, asi mimwe ine tapuro dzapashure dzisingafadzi.a
Zvokudya zvine cholesterol shoma nemafuta mashoma zvinorumbidzwa. Kutsiva zvokudya zvine mafuta akanyanyisa, zvakadai sebhata, nezvokudya zvakaderera, zvakadai semafuta ecanola kana kuti mafuta emuorivhi, kunogona kuderedza LDL ndokuchengetedza HDL. Kune rumwe rutivi, American Journal of Public Health inotsinhira kuti mafuta emiriwo akaiswa hydrogen kana kuti akaiswa hydrogen zvishoma anowanwa mumajarini mazhinjisa nezvinhu zvemiriwo zvemafuta anodyika zvinogona kuwedzera LDL ndokuderedza HDL. Kuderedza nyama ine mafuta akanyanyisa ndokutsiva nemativi ane mafuta mashoma ehuku kana kuti garikuni kunorumbidzwawo.
Nzvero dzakaratidza kuti vhitamini E, beta-carotene, uye vhitamini C anogona kuderedza atherosclerosis mumhuka. Imwe nzvero yakagumisa kuti iwaya angaderedzawo kuitika kwehosha yemwoyo muvanhu. Kudyiwa kwezuva nezuva kwemiriwo nemichero ine beta-carotene yakawanda nemamwe macarotenoid nevhitamini C, zvakadai semadomasi, miriwo mitema, mhiripiri, karotsi, mbambaira, uye manwiwa, zvingagovera dziviriro yakati paCAD.
Zvinotaurwawo kuva zvinobetsera ivhitamini B6 nemagnesium. Mbeu dzisina chadzakabviswa dzakaita sebhari nemaoat pamwe chete nebhinzi, malentil, uye dzimwe mbeu nenzungu zvinogona kubetsera. Mukuwedzera, kunofungwa kuti kudya hove dzakadai sesalmon, mackerel, herring, kana kuti tuna kanenge hako kaviri pavhiki kungaderedza ngozi yeCAD, sezvo idzodzi dzine maasidhi amafuta asina kunyanyisa eomega-3.
Mararamiro Okungogara
Vanhu vanongogara vane ngozi huru zvikuru yehosha yemwoyo. Vanopedza rutivi rukurusa rwezuva vasingashandisi muviri uye havasimbisi muviri nguva dzose. Hosha dzemwoyo dzinowanzoitika muava vanhu pashure pemibato yesimba yakadai sokushanda zvikuru mugadheni, kumhanya, kusimudza zvinhu zvinorema, kana kuti kufoshora sinou. Asi ngozi inoderera pakati peavo vanosimbisa muviri nguva dzose.
Kufambisa kwamaminiti 20 kusvikira ku30 katatu kana kuti kana pavhiki kungaderedza ngozi yekubatwa nehosha. Kusimbisa muviri nguva dzose kunoita kuti kukwanisa kupomba kwemwoyo kuve nani, kunobetsera kuderedza uremu, uye kungaderedza mwero yecholesterol ndokuderedza BP.
BP Yakakwira, Kufutisa, uye Diabetes
BP yakakwira inogona kukuvadza madziro etsinga ndokugonesa cholesterol yeLDL kupinda mumadziro etsinga ndokusimudzira kuungana kweplaque. Sezvo plaque yakaungana inowedzera, kune kudzivisa kukuru kuyerera kweropa uye nokudaro kuwedzera kweBP.
BP inofanira kunzverwa nguva dzose, sezvo pangasava nechiratidzo chokunze chipi nechipi chechinetso. Nokuda kwokuderera kuri kwose mudzvinyiriro yediastolic (nhamba yepasi), ngozi yehosha yemwoyo ingaderera ne2 kusvikira ku3 muzana. Mushonga wokuderedza BP ungashanda. Kuganhurira zvokudya, uye mune zvimwe zviitiko kuganhurira kudyiwa kwesauti, pamwe chete nokusimbisa muviri kwenguva dzose nokuda kwokuderedza uremu zvinogona kubetsera kudzora BP yakakwira.
Uremu hwakanyanyisa hunosimudzira BP yakakwira nekusava yenguva dzose kwelipid. Kudzivisa kana kuti kurapa kufutisa inzira huru yokudzivisa nayo diabetes. Diabetes inokurumidzisa CAD ndokuwedzera ngozi yehosha yemwoyo.
Kusvuta
Kusvuta midzanga chisakiso chakasimba mukukudziridzika kweCAD. MuUnited States, kunoparira nenzira yakananga inenge 20 muzana yenzufu dzose dzehosha yemwoyo uye inoda kusvika 50 muzana yehosha dzemwoyo muvakadzi vari pasi pemakore 55 ezera. Kusvuta midzanga kunowedzera BP ndokupinza makemikoro ane muchetura, akadai senicotine necarbon monoxide, muropa riri kutenderera. Aya makemikoro, anokuvadzawo tsinga.
Vasvuti vanoisawo avo vasina dziviriro kuutsi hwavo mungozi. Nzvero dzinoratidza kuti vasingasvuti vanogara nevasvuti vane ngozi yakawedzerwa yehosha yemwoyo. Nokudaro, kupfurikidza nokurega kusvuta, munhu anogona kuderedza ngozi yake amene uye angatoponesa upenyu hwavadiwa vasingasvuti.
Dzvinyiriro
Pavanenge vari mudzvinyiriro yakakomba yemirangariro neyendangariro, avo vane CAD vanotarisana nengozi huru zvikuru yehosha yemwoyo uye rufu rwakamwe kamwe runoparirwa nehosha yemwoyo kupfuura vanhu vane tsinga dzine utano hwakanaka. Maererano neimwe nzvero, dzvinyiriro inogona kuparira tsinga dzakaremedzwa neplaque kutetepa, uye ikoku kunoderedza kuyerera kweropa neyakawanda se27 muzana. Kutetepa kukuru kwakacherekedzwa kunyange mutsinga dzine hosha yakaterama. Imwe nzvero yakakarakadza kuti dzvinyiriro yakakomba inogona kuparira mhoteredzo iyo ingaparira plaque iri mumadziro metsinga kutsemuka, kuchimutsa hosha yemwoyo.
Consumer Reports on Health inoti: “Vamwe vanhu vanoratidzika kuva vanorarama upenyu nechimiro chendangariro chakashata. Havana tariro, vakashatirwa, uye vanotsamwiswa nyore nyore. Nepo vanhu vazhinjisa vachifuratira kushatiriswa kuduku, vanhu vane utsinye vanodavidza nesimba zvikuru kupfuura zvinogona kururamiswa.” Hasha dzenguva refu noutsinye zvinokwidza BP, zvinowedzera kurova kwemwoyo, ndokunyandura chiropa kudururira cholesterol muropa riri kutenderera. Ikoku kunokuvadza tsinga dzinoendesa ropa kumwoyo ndokubetsera kuparira CAD. Hasha dzinorangarirwa kuva dzinowedzera kakapetwa kaviri ngozi yehosha yemwoyo, uye ikoku kunoramba kuri ngozi iri pedyo kweanenge maawa maviri. Chii chinogona kubetsera?
Maererano neThe New York Times, Dr. Murray Mittleman akataura kuti vanhu vakaedza kuramba vakaterama mukurwisana kwemirangariro vangakwanisa kuderedza ngozi yavo yehosha yemwoyo. Ikoku kunonzwika zvikuru semashoko akanyorwa muBhaibheri mazana emakore akapfuura, kuti: “Mwoyo wakagadzikana ndihwo upenyu hwomuviri.”—Zvirevo 14:30.
Muapostora Pauro aiziva kuti kwakanga kwakaita sei kuva mudzvinyiriro. Akataura pamusoro pefunganyo dzakanga dziri maari zuva nezuva. (2 VaKorinte 11:24-28) Asi akawana betsero kubva kuna Mwari ndokunyora, kuti: “Musafunganya pamusoro pechinhu chimwe; asi pazvinhu zvose, mikumbiro yenyu ngaiziviswe Mwari nokunyengetera nokukumbira, pamwe chete nokuonga. Zvino rugare rwaMwari rwunopfuura kunzwisisa kwose, rwucharinda mwoyo yenyu nemifungo yenyu muna Kristu Jesu.”—VaFiripi 4:6, 7.
Nepo kune zvimwe zvisakiso zvine chokuita nezvinetso zvemwoyo, zvakurukurwa muno zvinogona kubetsera kuziva ngozi zvokuti munhu anogona kuita chiito chakarurama. Vamwe, zvisinei, vakashamisika kuti kwakaita sei nokuda kwaavo vanofanira kurarama nemigumisiro yehosha yemwoyo. Kunaya kwakadini kunobvira?
[Mashoko Omuzasi]
a Mukai! haitsigiri kurapa kwavanachiremba, kwokusimbisa muviri, kana kuti kwekuganhurira zvokudya asi inopa mashoko akasanonzverwa. Munhu mumwe nomumwe anofanira kusarudza chaachaita iye pachake.
[Mifananidzo iri papeji 21]
Kusvuta, kusatana kushatirwa, kudya zvokudya zvine mafuta akanyanyisa, uye kurarama upenyu hwokungogara zvinogona kuwedzera ngozi yehosha yemwoyo