RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w02 1/1 pp. 23-28
  • Jehovha Ave Achindipa “Simba Rinopfuura Romuzvarirwo”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jehovha Ave Achindipa “Simba Rinopfuura Romuzvarirwo”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Musikana Ndonda Ane Mibvunzo Yakawanda
  • “Bhuku Iri Rakuparadza!”
  • Upenyu Hutsva
  • Kubatsira Hama Dzedu Dzaishayiwa
  • Panzendo Kazhinji, Pangozi
  • Nesimba raJehovha, Ndakava Noupenyu Hunogutsa
  • Jehovha Haana Kutongotisiya
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Vakazvipa Nemwoyo Unoda—kuAlbania Uye kuKosovo
    Zvakaitika
  • Nzira Yakagutswa Nayo Nyota Yangu Yokunamata
    Mukai!—2003
  • Anopfuura Makore 50 Oku‘Yambuka’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
w02 1/1 pp. 23-28

Nyaya Youpenyu

Jehovha Ave Achindipa “Simba Rinopfuura Romuzvarirwo”

YAKATAURWA NAHELEN MARKS

Raiva rimwe zuva kuchipisa muzhizha ra1986. Ndini ndoga ndakanga ndakamirira ndiri muzimba remahofisi okubudisa nokupinza zvinhu munyika paimwe yenhandare dzendege dzisina ruzha kupfuura dzimwe dzose muEurope. Umu maiva muTiranë, guta guru reAlbania, iyo yakanga yazvizivisa se“nyika yokutanga pasi pose isingadaviri kuti kuna Mwari.”

NDICHINZWA ndisina chokwadi uku ndichitya, ndakatarira sezvo mupurisa aiva nepfuti akatanga kusecha mikwende yangu. Dai ndaingoita kana kutaura chimwe chinhu chaiita kuti andifungire zvaigona kureva kudzingwa kwangu munyika macho uye kuendeswa kujeri kana kuti kumisasa yechibharo kwevanhu vakanga vakandimirira kunze kwechivako ichi. Zvakandifadza kuti ndakagona kuita kuti mupurisa ave noushamwari nokumupa chingamu nemakokisi. Asi ini mukadzi aiva nemakore ari pakati pema60, ndakaguma sei ndava mumamiriro ezvinhu aya? Nei ndakasiya upenyu hwakanaka ndichiedza kufambisira mberi zvinhu zvine chokuita noUmambo muimwe yenyika dzakanga dzasara dzaitsigira pfungwa dzaMarx naLenin zvakasimba?

Musikana Ndonda Ane Mibvunzo Yakawanda

Makore maviri ndaberekwa muna 1920 muIerápetra, kuCrete, baba vangu vakafa nemabayo. Amai vaiva murombo vasingagoni kunyora nokuverenga. Ndini ndaiva muduku patiri tose tiri vana, uye sezvo ndaiva nechirwere chenduru, ndaingogara ndakachenuruka ndiri ndonda. Vavakidzani vaiudza amai vangu kuti vaise pfungwa dzavo nezvishoma zvavaiwana pakutarisira vamwe vana vatatu vaiva noutano hwakanaka vondisiya ndichifa. Ndinoonga kuti havana kuzviteerera.

Kuti vave nechokwadi kuti mweya waBaba wakazorora kudenga, Amai vaishanyira kumakuva kakawanda, kazhinji kacho vachishandisa mupristi weOrthodox. Zvisinei, mabasa iwayo akanga asingaitwi nomuripo muduku. Ndichiri kuyeuka imwe Kirisimasi kuchitonhora zvisingaiti pavakadzoka kubva kumakuva vaineni ndichingozvuva makumbo munyasi mavo. Takanga tapa mari yedu yokupedzisira kumupristi. Pashure pokunge amai vabikira isu vana muriwo, vakaenda kune rimwe kamuri kunorara, mudumbu musina chinhu uye matama avo akazara nemisodzi yokuora mwoyo. Pava paya, ndakashinga kuenda kumupristi kunobvunza kuti nei Baba vakafa uye kuti nei amai vangu varombo vaifanira kubhadhara mupristi. Akapindura achinyara-nyara nekazevezeve kuti: “Mwari akavatora. Ndozvazvinoita. Zvichapera.”

Zvakanga zvakandiomera kuwiriranisa zvaakandipindura nomunyengetero waShe, wandaiva ndadzidza kuchikoro. Ndichiri kuyeuka mashoko awo akanaka ane zvaanoreva okutanga anoti: “Baba vedu vari kumatenga, zita renyu ngaritsveneswe. Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitike, pasi panowo, sokudenga.” (Mateu 6:9, 10) Kana Mwari aida kuti kuda kwake kuitwe pasi pano, nei taitambura zvakadaro?

Ndakapotsa ndawana mhinduro yomubvunzo iwoyo muna 1929, apo Emmanuel Lionoudakis, muparidzi wenguva yakazara weZvapupu zvaJehovha akashanya pamba pedu. a Pakabvunza amai vangu kuti aidei, Emmanuel haana chaakataura asi akavatambidza kadhi rouchapupu. Vakandipa kadhi racho kuti ndiverenge. Sezvo ndaingova nemakore mapfumbamwe, handina kumbonyatsonzwisisa. Vachifunga kuti muparidzi uyu chaiva chimumumu, amai vakapindura kuti: “Asikana! Iwe haugoni kutaura, uye ini handigoni kuverenga.” Ndokubva vamunongedzera kumusuo zvine tsika.

Pashure pemakore mashomanana, ndakazowana mhinduro yacho. Hanzvadzi yangu, Emmanuel Paterakis, akagamuchira kubva kumushumiri mumwe cheteyo kabhuku kanonzi Where Are the Dead?, kakabudiswa neZvapupu zvaJehovha. b Ndichikaverenga, ndakazorodzwa pandakadzidza kuti baba vangu vakanga vasina kutorwa naMwari. Ndakazoziva kuti rufu mugumisiro wokusakwana uye kuti baba vangu vakamirira kumukira kuupenyu muparadhiso pasi pano.

“Bhuku Iri Rakuparadza!”

Chokwadi cheBhaibheri chakatisvinudza. Takawana rimwe Bhaibheri dzaru raimbova raBaba ndokutanga kuridzidza, kazhinji kacho tichishandisa kenduru takakomba choto. Sezvo ndaingova ini chete mukadzi muduku aifarira Bhaibheri munharaunda macho, ndaisabatanidzwa mumabasa ekapoka keZvapupu kaiva munharaunda yedu. Kwenguva yakati, nomwoyo wose ndakatombonyatsofunga—kunyange zvazvo ndakanga ndisina kururama—kuti chitendero ichi chaiva chevarume chete.

Kufarira kwaiita hanzvadzi yangu basa rokuparidza kwakandikurudzira zvikuru. Pasina nguva yakareba mapurisa akanga oda kuziva zvakawanda nezvemhuri yedu, achigara achitishanyira usiku nemasikati achitsvaka Emmanuel nemabhuku. Ndichiri kunyatsoyeuka mumwe mupristi achiuya kuzotinyengetedza kuti tidzoke kuchechi. Paakaratidzwa nehanzvadzi yangu muBhaibheri kuti zita raMwari ndiJehovha, mupristi akahwapura Bhaibheri racho, ndokuita seacharova naro hanzvadzi yangu kumeso, ndokudaidzira achiti, “Bhuku iri rakuparadza!”

Muna 1940 pakaramba Emmanuel kupinda muchiuto, akasungwa ndokutumirwa kunzvimbo yaipisa hondo muAlbania. Takanga tisinganyorerani naye uye taifunga kuti akafa. Zvisinei, mushure memakore maviri, takagamuchira tsamba yaibva kwaari ari mujeri tisingatarisiri. Aiva mupenyu uye zvinhu zvakanga zvichiri kumufambira zvakanaka! Rumwe rwemagwaro aakatora mashoko mutsamba iyoyo rwakanyorwa mupfungwa mangu zvisingadzimiki kubvira ipapo: “Nokuti meso aJehovha anotarira-tarira kumativi ose enyika yose, kuti aratidze simba rake kuna iye une mwoyo wakarurama kwazvo kwaari.” (2 Makoronike 16:9) Taizoda kurudziro yakadaro!

Emmanuel akakwanisa kuita kuti dzimwe hama dzimushanyire ari kujeri. Nenguva isipi, misangano yechiKristu yepachivande yakarongwa kuti iitirwe pane imwe imba yepapurazi raiva kunze kweguta. Hatina kutomboziva kuti taionekwa! Mumwe musi weSvondo, mapurisa ane pfuti akatikomba. Vakatipinza mumotokari isina denga kumashure ndokutiita kuti timire tichionekwa muguta. Ndichiri kuyeuka vanhu vachitituka nokutinyomba, asi Jehovha akatipa rugare rwomwoyo achishandisa mudzimu wake.

Takaendeswa kune rimwe guta, kwavakanotikanda muzvitokisi zvine tsvina uye zvine rima risingaiti. Chimbuzi chechitokisi changu waiva mugomo wakavhurwa waikuturwa kamwe chete pazuva. Ndakatongerwa mwedzi misere mujeri nokuti ndini ndakanzi ndaiva “mudzidzisi” weboka racho. Zvisinei, imwe hama yakaiswa mujeri ikoko yakaronga kuti gweta rayo rimiririre nyaya yedu, uye rakabudirira kuita kuti tibudiswe.

Upenyu Hutsva

Paakabudiswa mujeri, Emmanuel akatanga kushanyira ungano dzomuAthens somutariri wedunhu. Ndakatamirako muna 1947. Pakupedzisira, ndakasangana neboka rakakura reZvapupu—kwete varume chete asi vakadzi nevanawo. Muna 1947, pakupedzisira, ndakakwanisa kuratidza kuzvitsaurira kwangu kuna Jehovha nokubhabhatidzwa mumvura. Ndaigarofunga kuti ndinoda kuva mumishinari uye ndakatanga kupinda chikoro chemanheru kuti ndidzidze Chirungu. Muna 1950, ndakava piyona. Amai vakauya kuzogara neni, uye naivowo vakagamuchira chokwadi cheBhaibheri. Vakaramba vari mumwe weZvapupu zvaJehovha kusvikira vafa makore 34 gare gare.

Mugore rimwe chetero, ndakasangana naJohn Marks (Markopoulos), murume akakura mumudzimu airemekedzwa zvikuru aibva kuUnited States. John aiva aberekerwa kumaodzanyemba kweAlbania, uye akava mumwe weZvapupu zvaJehovha pashure pokutamira kuUnited States. Muna 1950 aiva muGreece achiedza kuwana vhiza rokupinda muAlbania—panguva iyoyo inyika yaisada vanobva kunze yakanga ichitevedzera chiKomonisiti zvakasimba. Kunyange zvazvo John akanga asina kuonana nemhuri yake kubva muna 1936, haana kubvumirwa kupinda muAlbania. Ndakatorwa mwoyo nokushingairira basa raJehovha kwaaiita nemadiro aaiita hama dzose. Takaroorana musi waApril 3, 1953. Ndokubva ndazotamira naye kumusha wedu mutsva kuNew Jersey, U.S.A.

Kuti tizvitsigire tichiparidza nguva yakazara, ini naJohn taiva nebhizimisi duku pamahombekombe eNew Jersey, tichibikira vabati vehove kudya kwemangwanani. Taishanda muzhizha chete kubva zuva richibuda kusvika na9:00 dzemangwanani. Nokuita kuti upenyu hwedu hugare huri nyore uye kuisa mabasa okunamata pakutanga, takakwanisa kupedza nguva yedu yakawanda tiri mubasa rokuparidza. Mumakore ose iwayo, takakumbirwa kutamira mumaguta akasiyana-siyana kwainyanya kudiwa vaparidzi. Tichibatsirwa naJehovha, takabatsira vanofarira, tikavamba ungano, nokubatsira kuvakwa kweDzimba dzoUmambo.

Kubatsira Hama Dzedu Dzaishayiwa

Zvisinei, munguva pfupi, pane mumwe mukana unofadza wakatizarukira. Hama dzaitarisira dzaida kutanga kukurukurirana nevamwe vaKristu vaigara munyika dzeBalkan kwairambidzwa basa redu. Kwemakore akawanda Zvapupu zvaJehovha munyika idzodzo zvakanga zvisingakwanisi kutaura nehama dzenyika yose, zvichiwana zvokudya zvomudzimu zvishomanana kana kutoshaya, uye zvaitambudzwa noutsinye. Vazhinji vavo vaigara vachiongororwa, uye vakawanda vaiva mujeri kana kuti mumisasa yechibharo. Vaida mabhuku anotsanangura Bhaibheri, nhungamiro, uye kurudziro nokukurumidza. Somuenzaniso, imwe tsamba yakanyorwa zvaisaverengeka nevanhu vose yaibva kuAlbania yaiti: “Tinyengeterereiwo kuna Ishe. Mabhuku ari kutorwa nechisimba pamba nemba. Havatibvumidzi kudzidza. Vanhu vatatu vakaiswa mujeri.”

Saka muna November 1960 takatanga rwendo rurefu rwemwedzi mitanhatu kuti tishanyire dzimwe dzenyika idzi. Zvaiva pachena kuti taizoda “simba rinopfuura romuzvarirwo,” ushingi hunobva kuna Mwari, chivindi, uye ungwaru kuti tiite zvataiva tatumwa. (2 VaKorinde 4:7) Takatanga kusvika muAlbania. Takatenga motokari muParis ndokusimuka. Patakasvika muRome John chete ndiye akakwanisa kuwana vhiza rokuenda kuAlbania. Ndaitofanira kupfuurira kuAthens, kuGreece, ndonomumirira.

John akapinda muAlbania kupera kwaFebruary 1961 uye akagarako kusvikira kupera kwaMarch. MuTiranë akasangana nehama 30. Hakusi kufara kwavakaita pavakawana mabhuku avaida zvikuru uye kurudziro! Vakanga vava nemakore 24 vasina kumboshanyirwa nomunhu anobva kune imwe nyika.

John akakurudzirwa zvikuru nokutendeka uye kutsungirira kwehama idzodzo. Akanzwa kuti vakawanda vakanga varasikirwa nemabasa avo vakaiswa mujeri nokuti vakanga vasina kuita mabasa okutsigira hurumende yechiKomonisiti. Akazonyanya kukurudzirwa apo hama mbiri dzaiva mumakore okuma 80 dzakamupa madhora okuUnited States 100 (Z$5 500) omupiro webasa rokuparidza. Vakanga vachiichengeta kwemakore akawanda vachibvisa pamudyandigere wavo unobva kuhurumende.

Zuva rokupedzisira raJohn muAlbania raiva March 30, 1961—musi weChirangaridzo chorufu rwaJesu. John ndiye akapa hurukuro yeChirangaridzo kuvateereri 37. Pakapera hurukuro, hama dzakakurumidza kubudisa John nomusuwo wokuseri ndokuenda naye nemotokari kuchiteshi chengarava cheDurrës kwaakanokwira ngarava yevashambadzi yeTurkey yaienda kuPiraiévs (Piraeus), kuGreece.

Ndakafara kuva naye asina kukuvadzwa uye akasimba. Zvino takanga togona kutanga rwendo rwedu rwaiva nengozi. Rwendo rwedu rwakatipinza nomudzimwe nyika nhatu dzeBalkan dzairambidzwa basa redu—zvaiva nengozi, sezvo taiva nemabhuku anotsanangura Bhaibheri, matapureta, nezvimwewo zvinhu. Takava neropafadzo yokusangana nedzimwe hama nehanzvadzi dzakavimbika zvikuru dzaiva dzakagadzirira kurasikirwa nemabasa adzo, rusununguko rwadzo uye kunyange upenyu hwadzo nokuda kwaJehovha. Kushingaira kwadzo uye rudo rwechokwadi zvaikurudzira zvikuru. Takafadzwawo nokuti Jehovha akatipa “simba rinopfuura romuzvarirwo.”

Tabudirira kupedza rwendo rwedu, takadzokera kuUnited States. Mumakore akatevera, takaramba tichishandisa nzira dzakasiyana-siyana kuedza kutumira mabhuku kuAlbania uye kugamuchira mashoko pamusoro pebasa rehama dzedu.

Panzendo Kazhinji, Pangozi

Makore akafamba, uye rufu rwaJohn muna 1981, paakanga ava nemakore 76, rwakandisiya ndava ndoga. Evangelia, mwana womukoma wangu nomurume wake, George Orphanides, vakanditora nomutsa ndokugara neni, uye vakanditsigira mupfungwa nomuzvimwewo kubvira ipapo. Ivowo vakanga vazvionera kutsigira kwaJehovha pavaishumira muSudan basa redu parairambidzwa.c

Nokufamba kwenguva mumwe mutoo mutsva waifanira kutangwa wokukurukura nehama dzedu muAlbania. Sezvo hama dzomurume wangu dzaigara ikoko, ndakabvunzwa kana ndaida kuita rwendo kuenda kunyika iyoyo. Zvaiva pachena kuti ndaida!

Mushure memwedzi yokuedza ndaedzazve, muna May 1986, ndakazokwanisa kuwana vhiza kumumiririri weAlbania muAthens. Vakuru vakuru vakandiyambira zvakasimba kuti pakawana zvinoitika, ndaisazotarisira kubatsirwa nedzimwe nyika. Pandakasvika pamunhu anotengesa matikiti endege dzinoenda kuAlbania, akapera mate mukanwa. Ndisingaregi kutya kuchindikunda, ndakakurumidza kukwira ndege iyi inova ndiyo chete yaiwanikwa pavhiki kubva kuAthens kuenda kuTiranë. Maingova nevamwe vanhu vokuAlbania vatatu vakanga vachembera zvokuti; vaiva vauya kuGreece kuzorapwa.

Pakangomhara ndege, ndakapinzwa muzimba risina chinhu raishandiswa sehofisi yokupinza nokubudisa zvinhu. Munun’una womurume wangu nehanzvadzi yake, kunyange vaisava Zvapupu zvaJehovha, vaida kwazvo kundibatsira kuwana hama dzemo. Maererano nomutemo, vaifanira kuudza mukuru womunharaunda nezvokusvika kwangu. Nokudaro ndakanga ndichicherechedzwa nemapurisa zvakanyanya. Saka hama dzangu dzakaronga kuti ndigare mumusha madzo vachitsvaka Zvapupu zviviri zvaigara muTiranë uye kuti vazviunze kwandiri.

Panguva iyoyo kwaizivikanwa kuti muAlbania yose maiva nehama pfumbamwe dzakazvitsaurira. Makore akawanda vachirambidzwa, kutambudzwa, uye kugara vachicherechedzwa akanga avaita kuti vagare vakangwaririra. Zviso zvavo zvakanga zvazara mafinya. Pandakazokwanisa kuita kuti hama dzacho mbiri dzivimbe neni, mubvunzo wavo wokutanga waiva wokuti: “Nhariredzomurindi dzacho dziri kupi?” Vaiva vachingoshandisa mabhuku maviri ekare-kare kwemakore akawanda—vasina kunyange neBhaibheri.

Vakanyatsorondedzera nezvematanho outsinye akanga aitwa nehurumende okuvaomesera. Vakataura nezvenyaya yeimwe hama inodiwa yakanga yakatsunga kuramba isina kwayakarerekera mune zvematongerwe enyika musarudzo dzaitevera. Sezvo hurumende yaidzora zvinhu zvose, izvi zvaireva kuti mhuri yake yaisazowana mugove upi zvawo wezvokudya. Vana vake vakaroorwa nevana vavo vaizoendeswa kujeri, kunyange zvazvo vaisava nechokuita nezvaaidavira zvechitendero. Zvakashumwa kuti vanhu vomumhuri yehama iyi, vachitya, vakamuuraya usiku sarudzo dzichiitwa zuva raitevera, vakamukanda mutsime, pava paya ndokuzoti akatya akazviuraya.

Urombo hwaiva nevaKristu ivavo hwairwadza mwoyo. Asi pandakaedza kuvapa mumwe nomumwe US$20,00 (Z$1 100,00), vakaramba, vachiti, “Tinoda zvokudya zvomudzimu bedzi.” Hama idzi dzinodiwa dzakanga dzagara kwemakumi emakore pasi pehurumende youdzvinyiriri iyo yakanga yabudirira kuita kuti vanhu vose vadavire kuti hakuna Mwari. Asi kutenda kwavo nokutsunga kwavo zvaiva zvakasimba sezvakangoita Zvapupu zviri kune dzimwe nzvimbo. Panguva yandakazobva muAlbania mushure mevhiki mbiri ndakanga ndaororwa nokukwanisa kwaJehovha kupa “simba rinopfuura romuzvarirwo,” kunyange mumamiriro ezvinhu akaipisisa.

Ndakavazve neropafadzo yokushanyira Albania muna 1989 uye zvakare muna 1991. Sezvo rusununguko rwokutaura nerwechitendero zvakawedzera munyika iyoyo, nhamba yevanamati vaJehovha yakawedzera nokukurumidza. VaKristu vakazvitsaurira vashomanana vaivemo muna 1986 iye zvino vakawedzera kuva vaparidzi vanoshingaira 2 200. Pakati pavo paiva naMelpo, hanzvadzi yomurume wangu. Pangava nomubvunzo here kuti chikomborero chaJehovha chaiva paboka iri rakatendeka?

Nesimba raJehovha, Ndakava Noupenyu Hunogutsa

Pandinotarisa kumashure, ndine chivimbo chokuti basa redu—rangu naJohn—harina kuva risina maturo. Takashandisa simba redu rouduku nenzira inobatsira zvikuru. Basa redu muushumiri hwenguva yakazara ranga riine chinangwa kupfuura rimwe ripi ratingadai takasarudza kuita. Ndinofadzwa nevakawanda vanodiwa vatakabatsira kudzidza chokwadi cheBhaibheri. Iye zvino sezvo ndakwegura, ndinogona kukurudzira vechiduku nomwoyo wose ‘kurangarira Musiki wavo Mukuru pamazuva oujaya hwavo.’—Muparidzi 12:1.

Pasinei nokuti ndava nemakore 81, ndichiri kushanda somuparidzi wenguva yakazara wemashoko akanaka. Ndinofumomuka ndopupurira vanhu muzviteshi zvemabhazi, munomiswa motokari, mumigwagwa, muzvitoro, nomumapaka. Zvinetso zvokuchembera iye zvino zvinoita kuti upenyu hundiomere, asi hama nehanzvadzi dzandinonamata nadzo dzine rudo—mhuri yangu huru yomudzimu—pamwe chete nemhuri yemwana womukoma wangu, vanonditsigira zvechokwadi. Kupfuura zvose, ndava kuziva kuti “simba rinopfuura romuzvarirwo [ndera]Mwari kwete rinobva matiri.”—2 VaKorinde 4:7.

[Mashoko Omuzasi]

a Nezvenyaya youpenyu yaEmmanuel Lionoudakis, ona Nharireyomurindi yaSeptember 1, 1999, mapeji 25-9.

b Nezvenyaya youpenyu yaEmmanuel Paterakis, ona Nharireyomurindi yaNovember 1, 1996, mapeji 22-7.

c Ona 1992 Yearbook of Jehovah’s Witnesses, mapeji 91-2, yakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Mifananidzo iri papeji 25]

Pamusoro: John, (kunze kuruboshwe), ini, (pakati), nehanzvadzi yangu Emmanuel ari kuruboshwe kwangu uye amai vedu vari kuruboshwe kwake, tiine boka repaBheteri, muAthens, muna 1950

[Mufananidzo uri papeji 25]

Kuruboshwe: Ndiina John pabhizimisi redu pamahombekombe eNew Jersey, muna 1956

[Mufananidzo uri papeji 26]

Kokorodzano yoruwa muTiranë, Albania, 1995

[Mufananidzo uri papeji 26]

Zvivako zveBheteri, Tiranë, Albania. Zvakapedzwa muna 1996

[Mufananidzo uri papeji 26]

Pamusoro: nyaya yomu“Nharireyomurindi” ya1940 iri kushandurwa pachivande mumutauro wokuAlbania

[Mufananidzo uri papeji 26]

Ndiine mwana womukoma wangu, Evangelia Orphanides (kurudyi) nomurume wake, George

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe