RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w12 11/1 pp. 4-5
  • Mubvunzo 1: Ndinomboraramirei?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mubvunzo 1: Ndinomboraramirei?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Mashoko Akafanana
  • Kutsvaka Chinangwa Choupenyu Chinogutsa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Donzo Chairoiro Roupenyu
    Mukai!—1992
  • Tinoraramirei?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Mwari Akatisika Aine Chinangwa Chei?
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
w12 11/1 pp. 4-5

Mubvunzo 1: Ndinomboraramirei?

ROSALIND uyo akakurira kuEngland aiva nechido chakasimba chokudzidza. Aidawo kubatsira vanhu. Paakapedza chikoro, akawana basa repamusoro raisanganisira kubatsira vanhu vasina pokugara, vakaremara uye vane pfungwa dzinononoka kubata zvinhu. Pasinei nokuti aiva nebasa rakanaka chaizvo nemari yakawanda, anoti: “Kwemakore ndaizvibvunza kuti, ‘Tinomboraramirei?’ uye ‘Chinangwa choupenyu ndechei?’”

Sei vanhu vachizobvunza mubvunzo iwoyo?

Vanhu vakasiyana nemhuka dzisingafungi. Tinokwanisa kudzidza pane zvakaitika kare, tinogona kuronga ramangwana, uye kutsvaka chinangwa muupenyu.

Vamwe vanopindura sei? Vakawanda vanofunga kuti tinoraramira kuwana pfuma nomukurumbira, uye vanoti ndizvo zvinoita kuti tifare.

Mhinduro iyoyo inopa pfungwa yei? Tinoita zvatinenge tangoda muupenyu. Zvinodiwa naMwari hazvikoshi kupfuura zvatinoda.

Bhaibheri rinodzidzisei? Mambo Soromoni akaunganidza upfumi hwakawanda uye aiita zvemafaro asi akazoona kuti zvinhu izvozvo hazvina kuita kuti upenyu hwake huve nechinangwa. Akazotaura zvinoita kuti upenyu huve nechinangwa paakanyora kuti: “Pashure pokunge zvinhu zvose zvanzwiwa, mhedziso yenyaya yacho ndeiyi: Itya Mwari wechokwadi uchengete mirayiro yake. Nokuti izvi ndizvo zvose zvinosungirwa kuti munhu aite.” (Muparidzi 12:13) Kuchengeta mirayiro yaMwari kunorevei?

Chinangwa chaMwari chinosanganisira kuti isu tinakidzwe noupenyu. Soromoni akanyora kuti: “Kumunhu hapana chinhu chiri nani kupfuura kuti adye, anwe, aite kuti mweya wake ufadzwe nezvakanaka pabasa rake rakaoma. Izviwo ndakazviona, iyeni, kuti zvinobva paruoko rwaMwari wechokwadi.”​—Muparidzi 2:24.

Mwari anodawo kuti tide vomumhuri medu uye tivabate zvakanaka. Cherechedza mazano anobatsira anopiwa mumwe nomumwe ari mumhuri:

  • “Varume vanofanira kuda madzimai avo semiviri yavo.”​—VaEfeso 5:28.

  • “Mudzimai anofanira kuremekedza murume wake kwazvo.”​—VaEfeso 5:33.

  • “Vana, teererai vabereki venyu.”​—VaEfeso 6:1.

Kana tikatevedzera mazano aya, tichafara uye tichagutsikana. Asi chinhu chinonyanya kukosha chatingaita ndechokudzidza zvose zvatinokwanisa nezvoMusiki wedu uye kuswedera pedyo naye seShamwari yedu. Bhaibheri rinototiudza kuti “swederai pedyo naMwari.” Rinobva rativimbisawo kuti: “Iye achaswedera pedyo nemi.” (Jakobho 4:8) Kana ukabvuma kuswedera pedyo naMwari, upenyu hwako huchava nechinangwa.

Rosalind ambotaurwa akazoziva chinangwa choupenyu. Verenga papeji 10 yemagazini ino uone zvaanoti ndizvo zvakaita kuti achinje maonero ake.

Kuti uzive zvimwe nezvezvaungaita kuti urarame nenzira inofadza Mwari, ona chitsauko 12 chebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? Unogona kuriwana pakero inotevera www.pr2711.com

Jesu Akatii Nezvechinangwa Choupenyu?

Jesu ainyatsoziva chinangwa choupenyu hwake. Akati: “Izvi ndizvo zvandakaberekerwa, uye ndizvo zvandakauyira munyika, kuti ndipupurire chokwadi.” (Johani 18:37) Jesu akapedza upenyu hwake hwose achidzidzisa chokwadi nezvaMwari uye zvinangwa zvake.

Kana tikatevedzera zvaiitwa naJesu upenyu hwedu huchava nechinangwa. Jesu anototikurudzira kuti timutevedzere. (Mateu 11:29) Ngatimbokurukurai nzira mbiri chete dzatingamutevedzera nadzo.

Jesu akadzidzisa kuti kana tichida kufara, tinofanira ‘kuziva zvinodiwa zvedu zvomudzimu.’ (Mateu 5:3) Izvi zvinoreva kuti tinofanira kuwana zivo pamusoro ‘paMwari wechokwadi chete, uye pamusoro pouya waakatuma, iye Jesu Kristu,’ zvoita kuti tive noukama hwakanaka naMwari.—Johani 17:3.

Jesu akarayira vateveri vake kuti vadzidzise vamwe zvavakanga vadzidza. Akati: “Naizvozvo endai munoita kuti vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi, muchivabhabhatidza muzita raBaba neroMwanakomana neromudzimu mutsvene, muchivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurayirai.”—Mateu 28:19, 20.

Vaya vanotsvaka kuva noukama naMwari kupfurikidza nokudzidza Bhaibheri uye kuita zvarinotaura, vanova noupenyu huri nani. Uyewo pavanotanga kubatsira vamwe kuti vadzidze nezvaMwari, vanogutsikana kuti upenyu hwavo hune chinangwa chaicho.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe