RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w14 2/1 pp. 5-7
  • Ndiani Anokonzera Hondo Uye Kutambura?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndiani Anokonzera Hondo Uye Kutambura?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • CHIRATIDZO CHEMAZUVA OKUPEDZISIRA
  • KUPUTSA MABASA ADHIYABHOROSI
  • Ndivanaani Vakatasva Mabhiza 4?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2017
  • Vatasvi Vamabhiza Vana Vari Kugagadika!
    Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
  • Uporofita hweBhaibheri Hwawakaona Huchizadzika
    Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu?
  • Mazivire Atinoita Kuti Tava mu“Mazuva Okupedzisira”
    Mwari Anoitira Hanya Zvomenemene Here?
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
w14 2/1 pp. 5-7

NYAYA IRI PAKAVHA | HONDO YAKACHINJA NYIKA YOSE

Ndiani Anokonzera Hondo Uye Kutambura?

Hondo Yenyika I yakaguma musi wa11 November, 1918. Mabhizimisi akavhara, uye vanhu vakatamba mumigwagwa vachifara. Asi mufaro wacho hauna kugara kwenguva refu. Rimwe dambudziko raitouraya kukunda pfuti rakatevera nguva pfupi pashure pehondo yenyika.

Masoja aiva kuFrance akabatwa nedenda rinouraya rinonzi Spanish flu muna June 1918. Pasina nguva refu, zvakaoneka kuti denda racho raiuraya. Somuenzaniso, mumwedzi mishomanana, rakauraya masoja ekuAmerica aiva kuFrance akawanda kupfuura akanga aurayiwa nevavengi. Uye masoja akanga abata chirwere chacho akaenda nacho kunyika dzawo, zvikaita kuti chipararire munyika yose nokukurumidza.

Kwakavawo nenzara uye kutambudzika mune zveupfumi mumakore akazotevera pashure pehondo. Nyika dzakawanda dzokuEurope dzaiva nenzara pakapera hondo muna 1918. Pakazosvika 1923, mari yokuGermany yakanga isisabatsiri. Pashure pemakore matanhatu, upfumi hwenyika yose hwakadzikira. Uye muna 1939, hondo yenyika yechipiri yakatanga uye zvaiita sokuti yaiva hondo yenyika yokutanga yakanga ichipfuurira. Chii chaimbokonzera matambudziko aya akatevedzana?

CHIRATIDZO CHEMAZUVA OKUPEDZISIRA

Uprofita hwemuBhaibheri hunotibatsira kuona zvakakonzera zvimwe zviitiko zvatinonzwa munhoroondo, kunyanya Hondo Yenyika I. Jesu Kristu akafanotaura nezvenguva apo ‘rudzi rwaizomukira rudzi’ uye munyika yose maizova nekushomeka kwezvokudya nematenda. (Mateu 24:3, 7; Ruka 21:10, 11) Akaudza vadzidzi vake kuti matambudziko akadaro aizoumba chiratidzo chemazuva okupedzisira. Tinowana mashoko akawanda mubhuku raZvakazarurwa iro rinoratidza kuti matambudziko epanyika anokonzerwa nehondo yakaitika kudenga.—Ona bhokisi rakanzi, “Hondo Panyika Uye Hondo Kudenga.”

Bhuku racho rinotsanangura nezvevatasvi vemabhiza vana. Vatasvi vemabhiza vatatu vanoratidza matambudziko akangofanana neakanga afanotaurwa naJesu anoti, hondo, nzara, uye matenda. (Ona bhokisi rakanzi, “Vatasvi Vemabhiza Vana Vari Kufamba Zvechokwadi Here?”) Zviri pachena kuti hondo yenyika yokutanga yakaita kuti pave nenguva yekutambudzika ichiri kungoenderera. Uye Bhaibheri rinoratidza kuti Satani ndiye akatanga zvose izvi. (1 Johani 5:19) Simba rake richazombogumiswa here?

Bhuku raZvakazarurwa rinotivimbisa kuti Satani angosarirwa ‘nenguva pfupi.’ (Zvakazarurwa 12:12) Ndokusaka akatsamwa zvikuru uye achionesa vanhu nhamo panyika. Asi matambudziko atiri kuona anoratidza kuti Satani apererwa nenguva.

KUPUTSA MABASA ADHIYABHOROSI

Hondo Yenyika I yakachinja nyika zvechokwadi. Yakaita kuti pave nehondo yenyika yose, kuchinjwa kwehurumende dzakawanda, uye yakaita kuti vanhu vasavimba nevatungamiriri vavo. Inonyatsoratidzawo kuti zvechokwadi Satani akadzingwa kudenga. (Zvakazarurwa 12:9) Uye mutongi wenyika uyu asingaoneki akabva aita semutongi ane utsinye anoziva kuti haasisina nguva. Nguva yake paichapera, matambudziko ose akakonzerwa neHondo Yenyika I achabva aguma.

Tichifunga nezveuprofita huri muBhaibheri, unogona kuva nechivimbo chekuti nokukurumidza Jesu Kristu, Mambo wedu wokudenga ‘achaputsa mabasa aDhiyabhorosi.’ (1 Johani 3:8) Vanhu vanosvika mamiriyoni akawanda vanotonyengeterera kuti Umambo hwaMwari huuye. Unohunyengetererawo here? Umambo ihwohwo huchaita kuti vanhu vakatendeka vaone kuda kwaMwari kuchiitwa panyika, kwete kwaSatani. (Mateu 6:9, 10) Umambo hwaMwari pahuchange hwava kutonga, hapazovizve nehondo yenyika yose, kana dzimwewo hondo zvachose! (Pisarema 46:9) Dzidza nezveUmambo ihwohwo, uye rarama uzoona nyika yose ichiva nerugare!—Isaya 9:6, 7.

Hondo Panyika Uye Hondo Kudenga

Makore anenge 1 900 Hondo Yenyika I isati yatanga, Satani akaudza Jesu kuti aida kumupa “umambo hwose hwenyika.” (Mateu 4:8, 9) Jesu akaramba, asi pane imwe nguva akazotaura nezvaDhiyabhorosi achimuti “mutongi wenyika.” (Johani 14:30) Muapostora Johani akanyorawo kuti “nyika yose iri musimba reakaipa.”—1 Johani 5:19.

Kana Satani Dhiyabhorosi aine simba rakakura rokutonga nyika, hazvina musoro here kuti titi ane zvaakaitawo pakukonzeresa hondo yenyika yokutanga uye matambudziko akazotevera? Zvechokwadi, bhuku raZvakazarurwa rinoratidza kuti Satani ndiye akakonzera matambudziko epanyika kubvira muna 1914. Heino pfupiso yezviitiko zvinotsanangurwa muna Zvakazarurwa chitsauko 12:

  • Ndima 7 Kudenga kunoitika hondo pakati paMikaeri (Jesu Kristu) nedhiragoni (Satani).

  • Ndima 9 Dhiyabhorosi, uyo “ari kutsausa nyika yose inogarwa,” anokandirwa panyika.

  • Ndima 12 “Mune nhamo imi nyika negungwa, nokuti Dhiyabhorosi aburuka kwamuri, akatsamwa kwazvo, achiziva kuti ane nguva pfupi.”

Nguva inotaurwa muBhaibheri uye zviri kuitika munyika zvinoratidza kuti hondo yekudenga iyi yakaitika pashure pekugadzwa kweUmambo hwaMwari kudenga muna 1914.a Saka gore rimwe chete iroro rinokosha ndiro rakaitika hondo panyika uye hondo kudenga.

a Ona chitsauko 8 chebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

Vatasvi Vemabhiza Vana Vari Kufamba Zvechokwadi Here?

Bhiza jena nemutasvi waro, mambo wokudenga

Bhiza jena, rakatasviwa namambo wokudenga. Mambo wacho, Jesu Kristu pachake ndiye akatasva bhiza racho nokuda kwokururama. (Pisarema 45:4) Basa rake rokutanga nderokubvisa Satani nemadhimoni ake kudenga.—Zvakazarurwa 6:2; 12:9.

Bhiza dzvuku uye masoja ari muhondo

Bhiza dzvuku rine mutasvi ane simba ro“kubvisa rugare panyika.” (Zvakazarurwa 6:4) Kubvira muna 1914, vanhu vave vachitambudzwa nehondo. Makore 21 chete pashure peHondo Yenyika I, hondo yenyika yechipiri yakatanga, ikauraya vanhu vakatowanda. Zvinofungidzirwa kuti vanhu vanenge mamiriyoni 60 vakafa muHondo Yenyika II. Kubvira muna 1945, vanhu vave vachiita hondo nevamwe vemunyika dzavo uye dzave dzichiurayisawo vanhu vakawanda. Vamwe vanyori venhoroondo vanofungidzira kuti vanhu vanopfuura mamiriyoni 100 vakafa muhondo dzakarwiwa mumakore ekuma1900.

Bhiza dema uye vana vakawanda vari kufa nenzara

Bhiza dema, rine mutasvi ane chikero muruoko rwake chinoreva nzara. (Zvakazarurwa 6:5, 6) Panguva yakaitika hondo yenyika yokutanga, kusadyidzana kwenyika kwakaita kuti vanhu vanenge 750 000 vafe muGermany pamusana penzara. Vanhu vokuRussia vanopfuura mamiriyoni maviri vakafa nenzara muna 1921, uye munyika dzakasiyana-siyana maivawo nedambudziko rakafanana. Zvinofungidzirwa kuti munyika yose, vanhu vanenge mamiriyoni 70 vakafa nenzara mumakore ekuma1900. Gore negore, vana vari pasi pemakore mashanu vanopfuura mamiriyoni matatu vanofa pamusana pekushaya zvokudya zvinovaka muviri.

Bhiza rakacheneruka uye vanhu vari kurwara

Bhiza rakachenuruka, rine mutasvi anounza rufu achishandisa denda rinouraya. (Zvakazarurwa 6:8) Denda rokutanga rakakura rokuma1900 raiva furuwenza yekuSpain. Vanhu vanotaura manhamba akasiyana siyana, asi vamwe vanofungidzira kuti furuu yacho yakauraya vanhu vanenge mamiriyoni 50. Bhuku rinonzi Man and Microbes rinoti, “Denda iri nderimwe rematambudziko akakura zvikuru akaitika munhoroondo. Kunyange denda rinonzi bubonic plague (rakauraya vanhu mumakore ekuma1300) harina kuuraya vanhu vakawanda kudaro munguva pfupi.” Chibhokisi (smallpox), marariya, uye TB ndezvimwe zvirwere zvinotapukira zvakauraya vanhu vanosvika mazana emamiriyoni mumakore ekuma1900.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe