RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w14 12/15 pp. 4-5
  • Jehovha Anokomborera Vanhu Vane Mwoyo Unoda

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jehovha Anokomborera Vanhu Vane Mwoyo Unoda
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Mashoko Akafanana
  • “Basa Iguru”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
  • Ratidza Kuti Unoonga Rupo rwaJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Zvakawanda Zvavanazvo Zvinozadzisa Kushaya Kwevamwe
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Zvatingaita Kuti Tibatsire Vamwe
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
w14 12/15 pp. 4-5
Munhu ari kukanda mari mubhokisi

Jehovha Anokomborera Vanhu Vane Mwoyo Unoda

MUSIKI wedu akatipa rusununguko rwokusarudza zvatinoda. Anokomborera vaya vanoshandisa rusununguko urwu kuti kunamata kwechokwadi kuenderere mberi. Anokomborerawo vaya vanoita kuti zita rake dzvene ritsveneswe uye vanotsigira chinangwa chake. Jehovha haatimanikidzi kana kutityisidzira kuti timuteerere. Asi anoda kuti timuteerere zvichibva pamwoyo.

Somuenzaniso, vaIsraeri pavaiva murenje reSinai, Jehovha akavaudza kuti vavake nzvimbo yokunamatira. Akati: “Unganidzai mupiro wokupa Jehovha pakati penyu. Vanhu vose vane mwoyo inoda ngavauye nawo uve mupiro waJehovha.” (Eks. 35:5) MuIsraeri mumwe nomumwe aikwanisa kupa chero zvaaikwanisa uye chipo chimwe nechimwe chaizoshandiswa kuita basa raMwari pasinei nokuti chaikosha zvakadini. Saka vaIsraeri vakaita sei?

“Munhu wose akakurudzirwa nomwoyo wake” uye “munhu wose ainzwa achida” akaunza mupiro wake ‘mumwe nomumwe aine mwoyo unoda.’ Varume nevakadzi vakauya nezvinhu zvakasiyana-siyana kuti basa raJehovha riitwe. Vakauya nezvokukochekera nazvo, mhete, marin’i, ndarama, sirivha, mhangura, shinda yebhuruu, shinda yepepuru, shinda yeruvara rutsvuku rwekokasi, rineni yakanaka kwazvo, mvere dzembudzi, matehwe emakondohwe akaiswa ruvara rutsvuku, matehwe emasiri, matanda omubayamhondoro, matombo anokosha, bharisamu uye mafuta. “Zvinhu zvacho zvakakwana nokuda kwebasa rose raida kuitwa, zvimwe zvikasara.”​—Eks. 35:21-24, 27-29; 36:7.

Jehovha akafadzwa nezvipo zvakapiwa nevanhu, asi chakatonyanya kumufadza ndechokuti vanhu vakazviita nemwoyo inoda. Vanhu vakazvipirawo kushandisa nguva yavo nesimba ravo. Nhoroondo yacho inoti: “Vakadzi vose vaiva nemwoyo yakachenjera vakakosa nemaoko avo.” Chokwadi, “vakadzi vose vaiva nouchenjeri vakakurudzirwa nemwoyo yavo vakakosa mvere dzembudzi.” Uyewo, Jehovha akapa Bhezareri “uchenjeri, nokunzwisisa, nokuziva uye noumhizha hwemarudzi ose.” Mwari akatoita kuti Bhezareri naOhoriyabhi vave nounyanzvi hwaidiwa kuti vaite basa ravaifanira kuita.​—Eks. 35:25, 26, 30-35.

Jehovha paakakumbira vaIsraeri kuti vape zvipo, ainyatsova nechivimbo chokuti ‘vanhu vose vaiva nemwoyo inoda’ vaizotsigira kunamata kwechokwadi. Jehovha akavatungamirira pabasa ravo uye akaita kuti vafare chaizvo. Izvi zvinoratidza kuti kana vashumiri vaJehovha vakava nemwoyo inoda, Jehovha anovakomborera nokuvapa unyanzvi uye zvinhu zvavanoda, kuti vaite basa rake. (Pis. 34:9) Kana ukashumira Jehovha nemwoyo unoda, achakukomborera.

NZIRA DZINOSHANDISWA NEVAMWE KUTSIGIRA BASA ROMUNYIKA YOSE

Sezvaiitwa mumazuva omuapostora Pauro, vakawanda ‘vanotsaura chimwe chinhu’ kana kuti mari yavanozoisa mumabhokisi ezvipo akanzi “Basa Romunyika Yose.” (1 VaK. 16:⁠2) Mwedzi woga woga, ungano dzinotumira mari iyi kuhofisi yeZvapupu zvaJehovha yomunyika madzo. Munhu anogonawo kutumira chipo chake kusangano repamutemo rinoshandiswa neZvapupu zvaJehovha munyika yake. Kana muchida zita resangano repamutemo rinoshandiswa neZvapupu zvaJehovha munyika yenyu, tapota nyorerai kana kuti fonerai bazi remunyika yenyu. Kero yehofisi yebazi inogona kuwanika pawww.pr2711.com. Zvipo zvinogona kutumirwa nomunhu pachake ndeizvi:

ZVIPO ZVAUSINGATARISIRI KUZODZORERWA

  • Kupa mari uchiibvisa muakaundi yako yokubhengi uchiendesa muakaundi yebazi renyu, kana kuti kushandisa makadhi okubhengi. Kune dzimwe nyika munhu anogona kupa mari achishandisa jw.org kana kuti imwewo Webhusaiti yakasarudzwa.

  • Mari, zvishongo kana kuti zvimwe zvinhu zvinokosha. Tumiraiwo pamwe chete netsamba inotsanangura kuti hamutarisiri kuzozvidzorerwa.

CHIRONGWA CHOKUPA UCHIZODZORERWA

  • Munhu anogona kupa mari kuti ishandiswe asi achizoidzorerwa kana ava kuida.

  • Tumirai pamwe netsamba muchiratidza kuti munoda kuzoidzorerwa.

HUMWE URONGWA HWOKUPA

Kune dzimwewo nzira dzokupa nadzo zvipo zvokutsigira basa roUmambo romunyika yose. Dzimwe dzacho dziri pasi apa. Pasinei nokuti muri kuda kupa nenzira ipi, tapota tangai mataura nehofisi yebazi romunyika yenyu kuti rikuudzei kuti panzira dziri pasi apa ndedzipi dzinoshanda munyika yenyu. Sezvo mitemo ichisiyana munyika nenyika, zvinokosha kuti mutange mabvunza vanhu vane ruzivo nezvemitemo nemitero musati masarudza kuti mopa chipo muchishandisa nzira ipi.

Inishuwarenzi: Munhu angaita kuti sangano rinoshandiswa neZvapupu zvaJehovha rizopiwa mari yake yeinishuwarenzi youpenyu kana kuti mari yake yomudyandigere.

Maakaundi Okubhengi: Munhu angaita kuti maakaundi ake okubhengi, magwaro anoratidza mari yaiswa mubhengi, kana kuti mari yawakaisa kubhengi kuti uzoshandisa kana warega basa zvichengetwe nesangano rinoshandiswa neZvapupu zvaJehovha kana kuti mari yacho izopiwa sangano racho kana afa, zvichienderana nezvinodiwa nebhengi romunzvimbo iyoyo.

Mari Yebhizimisi (Stocks) Neyakakwereteswa (Bonds): Munhu anogona kusarudza kupa sangano rinoshandiswa neZvapupu zvaJehovha mari yake yebhizimisi kana kuti yaakakweretesa. Kana kuti anogona kusiya aronga kuti mari yacho izopiwa sangano racho kana afa.

Zvivako Nenzvimbo: Zvivako kana nzvimbo inotengeseka zvingapiwa sangano rinoshandiswa neZvapupu zvaJehovha sechipo. Kana iri imba iri kugarwa, anenge apa wacho anogona kuramba achigaramo paanenge achiri mupenyu.

Chipo Chemari Yakawanda (Gift Annuity): Uhwu urongwa hwokuti munhu anopa sangano repamutemo rinoshandiswa neZvapupu zvaJehovha chipo chemari yakawanda uye gore negore sangano rozopota richimupa mari yavanenge vabvumirana kweupenyu hwake hwose. Anenge apa wacho anogona kuderedzerwa mari yomutero yaanobhadhara mugore raanenge apa chipo chacho.

Wiri: Munhu anganyora pawiri yake kuti anoda kuti Sangano rinoshandiswa neZvapupu zvaJehovha risiyirwe zvivako kana mari. Urongwa uhwu hunogona kuita kuti munhu aderedzerwe mutero.

Sezviri kuratidzwa pachikamu chino chakanzi “humwe urongwa hwokupa,” zvipo zvakadai zvinoda kuti ari kupa wacho anyatsoronga. Pane kabhuku kari mumutauro weChirungu neSpanish kane musoro unoti Charitable Planning to Benefit Kingdom Ser­vice Worldwide, kakaitirwa kuti kabatsire vanhu vanoda kutsigira basa reZvapupu zvaJehovha romunyika yose. Kabhuku kacho kanotsanangura nzira dzakasiyana-siyana dzokupa zvipo iye zvino kana kuti pakufa. Mashoko ari mukabhuku aka angasanyatsoshanda kwamuri pamusana pemitemo yemitero kana kuti mimwewo yemunyika yenyu. Saka pashure pokukaverenga, munofanira kutaura navanachipangamazano venyu vezvemutemo kana kuti vezvemitero. Vakawanda pavanoshandisa nzira dzakadai dzokupa, zvinoita kuti vakwanise kutsigira basa rechitendero chedu uye rokubatsira vanhu munyika yose, uye pavanenge vachidaro vanoderedzerwa mutero wavanobhadhara. Kana kabhuku aka kachiwanika munyika yenyu, munogona kukakumbira kumunyori weungano yenyu.

Kana muchida mamwe mashoko, munganyorera kana kufonera hofisi yebazi romunyika yenyu.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe