RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w15 5/1 p. 16
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Mashoko Akafanana
  • Chii Chichaitika paZuva Rokutongwa?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Zuva Rokutongwa Rinorevei?
    Mukai!—2010
  • Zuva Rokutongwa—Chii?
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Zuva Rorutongeso—Nguva Yetariro!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
w15 5/1 p. 16

MIBVUNZO YEBHAIBHERI INOPINDURWA

Chii Chinonzi Zuva Rekutongwa?

Mhuri yasanganiswazve parumuko mumakore 1 000 uye iri kufara

Sei zuva rekutongwa richizofadza?

Panguva inotaurwa muBhaibheri, Mwari aiponesa vanhu vake vaidzvinyirirwa achishandisa vatongi. (Vatongi 2:18) Bhaibheri rinoti Zuva Rekutongwa richange richifadza nekuti Mutongi wenyika yose Jehovha, achaponesa vanhu kuti vasadzvinyirirwa.​—Verenga Pisarema 96:12, 13; Isaya 26:9.

Mwari akapa Jesu basa rekuti atonge zvakanaka vapenyu nevakafa. (Mabasa 10:42; 17:31) Kune vanhu vakawanda vakafa vasingazivi Mwari. PaZuva Rekutongwa, Jesu achavamutsa kuti vapiwe mukana wekudzidza nezvaMwari wechokwadi uye wekuti varatidze kuti vanoda Mwari.​—Verenga Mabasa 24:15.

Sei Zuva Rekutongwa Richizova Makore 1 000?

Vakafa vachamutswa mumakore iwayo 1 000. (Zvakazarurwa 20:4, 12) Vachawana nguva yekudzidza nezvaMwari kuti vamuteerere. Kusiyana nezvinotaurwa nevakawanda, Bhaibheri rinoratidza kuti vanhu vachatongwa zvichienderana nezvavachaita pashure pekunge vamutswa.​—Verenga VaRoma 6:7.

Bhaibheri rinotaurawo nezvezuva rekutongwa richangoerekana rasvika, makore 1 000 asati atanga. Munyaya dziri kwekutanga mumagazini ino, zuva iroro rinonziwo mugumo. Pazuva iroro, Mwari achaparadza vanhu vose vakaipa, vasingamudi. (2 Petro 3:7) Saka zvinokosha kuti tiratidze kuti tinoda Mwari.​—Verenga 2 Petro 3:9, 13.

Kuti uwane mamwe mashoko, ona peji 213 yebhuku iri rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha

Riripowo pawww.pr2711.com

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe