Ropafadzo Yakaisvonaka Yebasa
1 Mumwe muravi akati akanga adzidza zvakawanda zvikuru zvoukoshi chaihwo nokurava Nharireyomurindi naMukai! kupfuura zvaakaita mukati memakore matanhatu edzidzo yapayunivhesiti. Hakusi kwechienzi kuti varavi vapachokwadi vataure kutaura kwakadaro kunofadza kwokuonga pashure pokurava aya magazini kwenguva pfupi chete. Takaropafadzwa sei kugoverana magazini edu nguva dzose naavo vanoakoshesa zvirokwazvo!
2 Vanhu vakawanda, kunyange zvazvo vachifarira zvokwadi, havana kufambira mberi kusvika papfundo rokugamuchira fundo yeBhaibheri yapamusha. Asi fariro yavo ingasakurirwa kana mumwe munhu akadzokera nguva dzose nechinyorwa chimwe nechimwe chitsva cheNharireyomurindi naMukai! Hungu, kuendesa nokutendeka magazini kwakamirirwa magazini kwakabetsera kusunda vanhu pakupedzisira kubvuma kuva nefundo yeBhaibheri yenguva dzose.
3 Tinobetserwa somunhu oga nokuva nekwakamirirwa magazini kana tikarava magazini acho pakutanga ndokucherekedza mapfundo akananga angava efariro yakati kuti kumunhu mumwe nomumwe ari pandaza yedu.
4 Kana munhu achiratidza fariro chaiyoiyo apo anogamuchira magazini, ungatsanangura kuti nyaya dzakatanhamara dzinooneka mumagazini edu mavhiki maviri ari wose uye kuti waizofara kuaunza. Iva nechokwadi chokudzokerera pahwaro hwenguva dzose, uchishandisa mabanza okukurukura nasaimba panhau dzeBhaibheri. Tinoziva kuti uchafarikanya iyi ropafadzo yakaisvonaka yebasa.