RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb19 March p. 7
  • Shandisa Mavhidhiyo Paunoitisa Zvidzidzo zveBhaibheri

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Shandisa Mavhidhiyo Paunoitisa Zvidzidzo zveBhaibheri
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2019
  • Mashoko Akafanana
  • Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kushandisa Mavhidhiyo Pakudzidzisa
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa (2016)
  • Shandisa Zvinhu Zvinooneka Pakudzidzisa
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
  • Ndinofanira Kuona Mavhidhiyo Emimhanzi Here?
    Mukai!—2003
  • Shandisa Mavhidhiyo Pakudzidzisa
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2013
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2019
mwb19 March p. 7
Hanzvadzi iri kuratidza munhu wainodzidza nayo vhidhiyo

KURARAMA KWECHIKRISTU

Shandisa Mavhidhiyo Paunoitisa Zvidzidzo zveBhaibheri

Zvinhu zvinooneka zvinobata pfungwa dzemunhu uye zvinomubatsira kunzwisisa uye kuyeuka zvaanenge adzidza. Jehovha, Murayiridzi Mukuru, aishandisa zvinhu zvinooneka pakuita kuti zvidzidzo zvinokosha zvinzwisisike. (Ge 15:5; Jer 18:1-6) Ndizvowo zvakaitwa naJesu, Mudzidzisi Mukuru. (Mt 18:2-6; 22:19-21) Mumakore achangobva kupfuura, mavhidhiyo akaonekwa kuti anonyatsobatsira chaizvo pakudzidzisa. Uri kuashandisawo here paunoitisa zvidzidzo zveBhaibheri?

Tine mavhidhiyo 10 akagadzirwa kuti atibatsire patinenge tichidzidzisa vanhu bhurocha raMashoko Akanaka Anobva Kuna Mwari! Kakawanda kacho, vhidhiyo imwe neimwe inenge ichienderana nemubvunzo mumwe chete unenge wakanyorwa nemabhii matema tema mubhurocha racho. Bhurocha repajw.org rinenge riine malink anokuyeuchidza kuti ndepapi paunenge uchifanira kuratidza vhidhiyo imwe neimwe. Tinewo mamwe mabhuku atinoshandisa pakudzidzisa vanhu ari muBhokisi reMaturusi Ekudzidzisa uye tinogona kushandisa mamwewo mavhidhiyo patinenge tichiitisa chidzidzo.

Pane nyaya yemuBhaibheri inogona kunge iri kuomera mudzidzi wako kunzwisisa here? Kana kuti pane chimwe chinhu chiri kumunetsa muupenyu hwake here? Tsvaga pajw.org® uye paJW Broadcasting® vhidhiyo inogona kumubatsira. Munogona kuiona mese mozoikurukura.

Mwedzi nemwedzi panogara pachibuda mavhidhiyo matsva. Paunenge uchiaona, funga kuti ungaashandisa sei pakudzidzisa vamwe.

MAVHIDHIYO EKUSHANDISA PATINENGE TICHIDZIDZA NEVANHU BHUROCHA RAMASHOKO AKANAKA

  • Vhidhiyo inonzi Mwari Ane Zita Here?

    Chidzidzo 2

    Mwari Ane Zita Here?

  • Vhidhiyo inonzi Ndiani Akanyora Bhaibheri?

    Chidzidzo 3

    Ndiani Akanyora Bhaibheri?

  • Vhidhiyo inonzi Tingaziva Sei Kuti Bhaibheri Rinobva Kuna Mwari?

    Tingaziva Sei Kuti Bhaibheri Rinobva Kuna Mwari?

  • Vhidhiyo inonzi Jesu Akafirei?

    Chidzidzo 4

    Jesu Akafirei?

  • Vhidhiyo inonzi Mwari Akasikirei Nyika?

    Chidzidzo 5

    Mwari Akasikirei Nyika?

  • Vhidhiyo inonzi Chii Chinoitika Kana Munhu Afa?

    Chidzidzo 6

    Chii Chinoitika Kana Munhu Afa?

  • Vhidhiyo inonzi Umambo hwaMwari Chii?

    Chidzidzo 7

    Umambo hwaMwari Chii?

  • Vhidhiyo inonzi Nei Mwari Achibvumira Kutambura?

    Chidzidzo 8

    Nei Mwari Achibvumira Kutambura?

  • Vhidhiyo inonzi Mwari Anogamuchira Manamatiro Ese Here?

    Chidzidzo 10

    Mwari Anogamuchira Manamatiro Ese Here?

  • Vhidhiyo inonzi Mwari Anoteerera Minyengetero Yese Here?

    Chidzidzo 12

    Mwari Anoteerera Minyengetero Yese Here?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe