RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 2/06 p. 8
  • Shandisa Zvinhu Zvinooneka Pakudzidzisa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Shandisa Zvinhu Zvinooneka Pakudzidzisa
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
  • Mashoko Akafanana
  • Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kushandisa Mavhidhiyo Pakudzidzisa
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa (2016)
  • Shandisa Mavhidhiyo Paunoitisa Zvidzidzo zveBhaibheri
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2019
  • Ndinofanira Kuona Mavhidhiyo Emimhanzi Here?
    Mukai!—2003
  • Shandisa Mavhidhiyo Pakudzidzisa
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2013
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
km 2/06 p. 8

Shandisa Zvinhu Zvinooneka Pakudzidzisa

1. Jehovha akashandisa sei zvinhu zvinooneka kuti adzidzise vashumiri vake vekare uye zvakavabatsira sei?

1 Kuti ataure mashoko anokosha kuvashumiri vake vekare, dzimwe nguva Jehovha aishandisa zviratidzo nezviroto. Funga nezvezvakaratidzwa Ezekieri pamusoro pengoro yokudenga yaJehovha. (Ezek. 1:1-28) Fungidzira kuti Dhanieri akanzwa sei pashure pokurota uprofita hwairatidza kutevedzana kwemasimba enyika. (Dhan. 7:1-15, 28) Uye zvakadini nezvezvinhu zvinofadza zvakaratidzwa muapostora Johani zviri ‘zviratidzo’ zvezvinhu zvaizoitika “muzuva raShe”? (Zvak. 1:1, 10) Jehovha akavadzidzisa achishandisa zvinhu zvainyatsooneka nezviitiko zvaiva nesimba, uye havana kumbozvikanganwa.

2. Ndezvipi zvinhu zvinooneka zvatingashandisa pakudzidzisa vamwe chokwadi cheBhaibheri?

2 Kana tichida kutsanangura chokwadi cheBhaibheri zvakasimba kune vamwe zvokuti havazokurumidzi kuzvikanganwa, tinogonawo kushandisa mavhidhiyo edu pakudzidzisa. Mavhidhiyo edu anotaura nyaya dzakawanda uye anoita kuti vanhu vavimbe neBhaibheri, nesangano raJehovha, uye anotipa pfungwa dzinoita kuti tive vaKristu vari nani. Funga nezvenzira shomanana dzatinogona kushandisa mavhidhiyo edu pakudzidzisa. Mavhidhiyo anotevera mienzaniso ingashandiswa.

3. Ungashandisa chii kuti mudzidzi weBhaibheri auye kusangano?

3 Muushumiri: Wave uchiudza munhu waunodzidza naye Bhaibheri nezvoukama hwedu hwechiKristu hwomunyika yose here? Muratidze uchishandisa vhidhiyo inonzi Our Whole Association of Brothers. Unogona kumupa kuti amboiona usati wadzokera kunodzidza naye kana kuti kuiona pamwe chete pachidzidzo chenyu chinotevera. Zvadaro kurukurai mibvunzo yokudzokorora iri muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaJune 2002.

4. Ndezvipi zvinodzidzisa zvingashandiswa neChapupu chiduku kuchikoro?

4 Vechiduku, mungakumbira mudzidzisi wenyu kuti muratidze kirasi yenyu vhidhiyo inonzi Jehovah’s Witnesses Stand Firm Against Nazi Assault kana kuti Faithful Under Trials—Jehovah’s Witnesses in the Soviet Union. Kumbira kuti ugadzirire pepa remibvunzo, uchigadziridza mibvunzo iri muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaJune 2001 kana kuti hwaFebruary 2003 yokuzokurukura nekirasi yacho.

5. Chii chinogona kushandiswa nevabereki pavanodzidza nemhuri yavo?

5 Muine Mhuri Neshamwari: Vabereki, fungai kuti vana venyu vakura zvakadini kubva pakabudiswa vhidhiyo inonzi Young People Ask—How Can I Make Real Friends? Madii kuionazve semhuri pachidzidzo chenyu chemhuri chinotevera? Ushumiri Hwedu hwoUmambo hwaApril 2002 hune mibvunzo inoita kuti kukurukurirana kwacho kuve noupenyu uye kwomwoyo wose.

6. Ungaronga sei kuti ugova nenguva inofadza neshamwari?

6 Une shamwari dziri muungano dzawave uchida kukoka kumba kwako here? Mungava nemanheru anokurudzira chaizvo kana mukaona pamwe chete vhidhiyo inonzi Respect Jehovah’s Authority, kunyanya kana mukazodzokorora zvidzidzo zvamawana muchishandisa mibvunzo iri muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaSeptember 2004.

7. Mikana ipi yaungafunga nezvayo pakushandisa mavhidhiyo edu?

7 Mimwe Mikana: Ungashandisazve sei mavhidhiyo edu 20? Kuratidza vhidhiyo imwe kana maviri kune munhu waunogara uchishanyira kungamubatsira kuti afambire mberi mune zvokunamata here? Ungakwanisa here kuaratidza mumusha unochengeterwa vakwegura uri munharaunda yenyu kana kuti panzvimbo yokutandara yevakwegura? Mavhidhiyo acho angabatsira here kuti uremekedzwe nehama dzako dzisiri Zvapupu, vavakidzani, uye vaunoshanda navo? Mavhidhiyo edu anonakidza, anodzidzisa, uye zvinhu zvinooneka zvinobatsira. Ashandise pakudzidzisa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe