Tsigira Zvizere Purogiramu yeUngano Yenyu yoMusangano Wavose
1 Makore akati akapfuura rimwe jaya rakawana hendibhiri raizivisa misangano yeungano yomunzvimbomo. Sezvo rakanga richitsvaka zvokwadi, rakasarudza kupinda Musangano Wavose Svondo iyoyo imene, richisvika pahoro nokukurumidza. Mumwe muparidzi akarikwazisa nenzira youshamwari uye, mukati mekurukurirano, akarikarakadzira fundo yeBhaibheri, iyo rakaramba. Zvisinei, rakaororwa kwazvo nehurukuro yavose yakasanogadzirirwa zvokuti rakachinja murangariro waro, uye pashure pomusangano rakagamuchira fundo yacho. Iri jaya rakaita fambiro mberi yokukurumidza uye rakabhapatidzwa mwedzi inoverengeka gare gare. Tinogona kudzidza zvifundo zvinenge zvitatu zvinobetsera muichi chinoitika.
2 Chokutanga, Musangano Wavose wakanga waziviswa. Unoshandisa mahendibhiri akatsikirirwa kuzivisa purogiramu yeungano yenyu yomusangano here? Sezvo sachigaro anozivisa musoro wehurukuro yavose ichakurukurwa vhiki rinotevera, funga nezvaavo vari mundima yako vangafarira zvikuru nhau yacho, kana vari kurava mabhuku edu pari zvino kana kuti kwete. Vamwe vanhu havadi kurava, kana kuti vanorava nechinetso chikuru, asi vangave vachidisa kuteerera hurukuro pamusoro penhau yapaMagwaro.
3 Chechipiri, muuyi mutsva akachingamidzwa noushamwari. Kana ukaronga kusvika pahoro nokukurumidza sezvinobvira, unogona kukwazisa hama dzako nehanzvadzi pamwe chete navanhu vanofarira vapi navapi. (VaH. 10:24) Kana muuyi mutsva ari kupinda kwenguva yokutanga, angasaziva zvokukarira. Tsanangura kuti misangano yedu inovamba norwiyo nomunyengetero, uye muudze kuti musangano wacho uchaitiswa sei. Kana kwakakodzera, mukumbire kuti agare newe kuti ugogona kugoverana naye Bhaibheri rako nebhuku renziyo. Mukumbire kuti akurukure newe mibvunzo ipi neipi yaangava nayo kana musangano wangogumiswa bedzi.
4 Chechitatu, hurukuro yacho yakanga yakasanogadzirirwa. Avo vanoropafadzwa kumirira ungano savakurukuri vapachena vanopedza maawa akawanda vachigadzirira nokuhwirudzura mashoko kuti vanyandure vateereri kurudo rukuru zvikuru namabasa akaisvonaka. Tose zvedu tiri mudzvinyiriro nhasi, uye zvokwadi dzinozorodza dzinobva muShoko raMwari ndidzo chaidzo dzatinoda kutibetsera kutsungirira. Chokwadika, hazvinei hazvo nokuti hurukuro yavose ingave inorairidza sei, ichava youkoshi huduku kwatiri somunhu oga kutoti tikasanopa ngwariro kune zvinotaurwa. Panhambo nenhambo unova nechinetso chokufungisisa mukati mehurukuro here? Kungava kunobetsera kuita zvinonyorwa zvipfupi, kungofanana nezvatinowanzoita mukati mekokorodzano dzedu. Iva nechokwadi chokutevera muBhaibheri rako sezvo Rugwaro rumwe norumwe runoraviwa ndokutsanangurwa.
5 Sosaiti yakagovera hurukuro dzavose pamhatsa yakafara yenhau dzapaMagwaro. Uchishanda kupfurikidza nomutariri anotungamirira kana kuti imwe hama yakagadzwa naye, mutumbi wavakuru unotsinhiranisa purogiramu yeungano yoMusangano Wavose. Nhau dzakarongwa neSosaiti dzakasarudzwa kukurukura zvinodikanwa zvomunzvimbomo zvazvino. Usapotsa api naapi aaya mashoko anokosha, uye tsigira zvizere Musangano Wavose wevhiki nevhiki weungano yenyu.