Shoko roUmambo—Kuwana Mufungo Waro
1 Mumuenzaniso wake womukushi, Jesu akataura kuti mbeu inowira pa“ivhu rakaisvonaka” yakafananidzira “unonzwa shoko nokuwana mufungo waro.” (Mat. 13:23, NW) Pashure pokunzwa pamusoro poUmambo, takawana “mufungo waro” here? Rinopesvedzera upenyu hwedu zvikuru sei? Takaisa fariro dzoUmambo panzvimbo yokutanga, nokudaro tichizivisa kuti takawana mufungo weshoko racho here?
2 Nzwisiso yakarurama yeshoko roUmambo inoda fundo yomunhu oga. Tinoda kuwana nguva yokufungisisa pazvokudya zvomudzimu zvinogoverwa. Kurava Nharireyomurindi kwokukurumidza kwakafanana nokumedza tisina kumbotsenga zvokudya zvinonaka nezvinovaka muviri. Unowana nguva yokusanorangarira zvokudya zvomudzimu here? Kuti uwane betsero hurusa, panofanira kuva nechinokurudzira uye nzara yakasimba yomudzimu. Kana pasina izvozvi, mimwe mibato inogona kuita kuti betsero dzefundo yomunhu oga dzive duku kana kuti kupedza nguva yatinoda nokuda kwefundo yacho. Kuomerera kurudungwe rwefundo rwakanaka hakusati kuri nyore. Nepo kuchida kudzikamiswa kwokungwarira kwezvinhu zvokutanga, pfuma dzomudzimu dzichawanwa dzinokosha.—Zvir. 3:13-18; VaK. 1:27.
3 Kunzvera Magwaro rinotibetsera zuva rimwe nerimwe kuti tive nemifungo yakanaka, inovaka pamusoro poUmambo. Avo “vanoziva chinodikanwa chavo chomudzimu” vanoronga kuwana maminiti mashomanene zuva riri rose okurava rugwaro netsinhiro. (Mat. 5:3, NW) Magwaro mazhinji anotsanangura mativi akasiyana-siyana oUmambo. Somuenzaniso, pana November 22, 1994, rugwaro rwakasimbiswa rwakanga rwuri Mateo 13:4. Tsinhiro yakarangarira tariro yoUmambo uye yakatiyeuchidza nezvengozi dzesonganiro yakaipa nehama dzokunyama navavakidzani. Idi rokuti pamisha yeBheteri kupota nyika, pane kurukurirano yamaminiti 15 yorugwaro rwezuva nezuva mangwanani mamwe namamwe ezuva rokushanda rinosimbisa betsero noukombi zvokurangarira rugwaro rwezuva pamwe chete. Ko mhuri yako inobatanidza kurangarira kwakafanana mumuitiro wenyu wezuva nezuva here?
4 Sezvaunokura mukunzwisisa Umambo, pachave pane chinokurudzira chikuru zvikuru chokugoverana shoko roUmambo navamwe. Nharireyomurindi neMukai! zvinogovera chingaenzaniswa nepeturu yendangariro inodyisa pfungwa dzedu mashoko matsva, anowirirana nomusi. Zvinotibetsera kuramba tichiziva tambanuko huru zvikuru iyo nyika inoda Umambo hwaMwari. Zvinotibetsera kuva vanhu vomudzimu, “[va]ne murangariro waKristu.” (1 VaK. 2:15, 16) Kwose ikoku kunogona kusimbisa tariro yedu uye kuwedzera shingairo yedu yokugoverana tariro yoUmambo navamwe.—1 Pet. 3:15.
5 Kunokosha kuti isu pachedu tiwane mufungo weshoko roUmambo. Umambo ndihwo mutoo uyo Mwari achashandisa kutsigira uchangamire hwake, kugumisa uipi, uye kuunza nyika itsva—paradhiso. Jesu akatirayira kuhuisa pakutanga muupenyu hwedu. Tinofanira kuva vadzorwi vakafanana namakwai kuti tirarame mukutonga kwahwo. (Mat. 6:10, 33) Shandisa zvizere mukana wako kuti ufarikanye zvikomborero zvahwo.