Paradzira Zvakafara Mashoko oUmambo Turakiti Nha. 35
1 Mwedzi yaOctober naNovember ichava yakabatikana kwatiri tose. Mumazuva gumi nerimwe okutanga aOctober, tichagovera kuzvinyoresa kwemagazini eNharireyomurindi neMukai! Ipapo, kubva nemusi weSvondo, October 12, kusvika Svondo, November 16, tichakumbanira mukuparadzirwa kwenyika yose kweMashoko oUmambo turakiti Nha. 35. Ichava ropafadzo yedu kuendesa shoko rinokosha kuvanhu vose munharaunda yedu. Ndiro mhinduro kumubvunzo wokuti, “Vanhu Vachazombodanana Here?” Munhimbe iyi chaiyo, tichagovera Mashoko oUmambo turakiti Nha. 35 pakati pevhiki. Pakupera kwemavhiki, mukuwedzera kukuratidza Mashoko oUmambo, tichagovera kuzvinyoresa kwemagazini.
2 Ndivanaani Vangagoverana? Senguva dzose, vakuru vachatungamirira mubasa racho. Munhu wose anofarikanya kuparadzira Mashoko oUmambo, uye pasina mubvunzo vaparidzi vakawanda zvikuru vachanyoresa semapiyona ebetsero mumwedzi mumwe kana kuti miviri yenhimbe yacho. Vamwe vaparidzi vachada kupedzera nguva yakawanda zvikuru kupfuura yenguva dzose muushumiri.
3 Une mudzidzi weBhaibheri afambira mberi zvikuru mukufunda kwake bhuku raZivo uye uyo achakwanirisa nokukurumidza kuti agoverane muushumiri hwemumunda here? Zvichida anogona kuva muparidzi asina kubhabhatidzwa pachine nguva kuti agoverane munhimbe yeMashoko oUmambo. Mharidzo yakapfava ndiyo bedzi inodikanwa kusuma turakiti racho. Somuenzaniso, munhu angati: “Shoko iri rinokosha kwazvo zvokuti riri kuparadzirwa munyika yose mwedzi uno mumitauro 169. Ndingada kuti muve nekopi yenyu.” Kunyange vana vaduku vanogona kuva nokugoverana kwakaisvonaka mubasa iri rinofadza.
4 Vaitisi vefundo dzebhuku dzeungano vanofanira kukurudzira mitezo yose yeboka ravo kugoverana zvakazara mukuparadzira Mashoko oUmambo turakiti Nha. 35. Pangavawo nevaparidzi vasingachaiti basa asi vangashingaira zvekare mubasa kana vakawana kurudziro inodikanwa. Nhimbe isati yatanga, vakuru vanofanira kushanyira mumwe nomumwe waivava kuti vaone zvinogona kuitwa kuvabetsera kuti vaperekedze vaparidzi vane ruzivo rwekuzviwanira murutivi urwu rwoushumiri.
5 Ndirini Patingagona Kusangana Nokuda Kwebasa? Basa iri rose richada gadziriro dzekupupura kweboka dzakakodzera uye dzinoshanda. Kana zvichibvira, misangano yebasa yezuva rimwe nerimwe revhiki, yepakupera kwevhiki, uye yemunguva dzemanheru inofanira kurongwa. Inofanira kuitwa panguva dzinogonesa vaparidzi nemapiyona kushandisa nhambo yokupupura zvizere. Gadziriro dzingaitwawo munguva dzemasikati nokuda kwevana vechikoro, vashandi vanoita majana, nevamwe. Mutariri webasa anofanira kuva nechokwadi chokuti pachava nendima yakakura yekupupura kwepaimba neimba uye yebhizimisi kuitira kuti vanhu vose vagone kugoverana zvizere mubasa racho. Munzvimbo ine vaparidzi vakawanda, vanofanira kushandisa uchenjeri pamusoro pokuti vangani vanoshanda chikamu chakati chendima.
6 Zvakadini Nevasingawaniki Pamba? Tinoda kutaura zvakananga kuvanasaimba vakawanda sevanobvira kuti titsanangure kuti nei vachifanira kurava Mashoko oUmambo turakiti Nha. 35. Naizvozvo kana pasina munhu ari pamba paunoshanya, nyora kero yacho uye shanya zvekare panguva yakasiyana. Kana panosvika vhiki rokupedzisira renhimbe nhamburiko dzako dzokuedza kuonana navanasaimba ivava dzisati dzabudirira, ungasiya kopi yeMashoko oUmambo pamusuo munzvimbo yarinogona kuonekwa nevanopfuura. Munzvimbo dzinogara vanhu, ngwarira kugovera Mashoko oUmambo kuvanhu vangava vachifamba mumugwagwa. Pakushanda munharaunda dzemumaruwa uye uko kune ndima yakakura inogona kufukidzwa munhimbe yacho, kopi yeMashoko oUmambo ingasiyirwa vasiri pamba vose pashanyo yokutanga.
7 Chinangwa Chedu Ndechei? Ungano dzinofanira kuvavarira kushandisa mugove wadzo wose weMashoko oUmambo kuti dzifukidze ndima dzadzo nhimbe isati yapera musi waNovember 16. Kana mugove wendima yeungano yenyu wakakura zvikuru uye kana zvakakotsekana kushanda woga panzvimbo pokushanda nomumwe, zvingabudirira kuita saizvozvo. Izvi zvichakugonesa kusvika vakafanirwa vakawanda sevanobvira nemashoko akanaka. (Mat. 10:11) Zvingava zvinobetsera kutakura maturakiti mashomanene muruoko rwako neBhaibheri muhomwe yako kana kuti chikwama, panzvimbo pokushandisa bhegi. Iva nechokwadi chokuchengeta chinyorwa chakanaka panowanwa fariro.
8 Wagadzirira Kutanga Here? Vakuru vanofanira kufanofunga kuti magazini mangani omuraudzo ayo ungano ichada uye vanofanira kuodha nenzira inowirirana. Hapana kudikanwa kwekuodha Mashoko oUmambo turakiti Nha. 35, sezvo mugove uchatumirwa kuungano imwe neimwe. Mapiyona chaiwo, enguva dzose, uye ebetsero angawana makopi 200 mumwe nomumwe okuparadzira, nepo vaparidzi veungano vachikurudzirwa kuwana makopi 50. Tarongerwa basa redu. Unodisa kugoverana mubasa iri rinofadza here? Pasina mubvunzo unoda. Ngatiparadzirei zvakafara sezvinobvira shoko rinokosha reBhaibheri riri muMashoko oUmambo turakiti Nha. 35!