Purogiramu yoMusangano Webasa
Vhiki Inotanga naOctober 10
10 min: Zviziviso zveungano. Zviziviso zvinosarudzwa pane zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo. Shandisa mazano ari papeji 8 (kana achikodzera ndima yenyu) kuenzanisira kugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaOctober 1 neAwake! yaOctober 8. Muenzaniso mumwe nomumwe wapera, taura zvinhu zvakanaka pane imwe neimwe yemharidzo dzacho. Uyezve, taura dzimwe nyaya dziri mumagazini yacho dzingafarirwa nevanhu vari mundima yenyu.
15 min: Une Tsika Dzokuverenga Dzakanaka Here? Kukurukurirana nevateereri kunobva pazvikamu zvakasarudzwa zvebhuku reChikoro Choushumiri, mapeji 21-6. Chii chatingawedzera papurogiramu yedu yokuverenga? (p. 21, bhokisi) Nei zvichikosha kuti tiverenge mabhuku atinopiwa? (p. 23, ndima 2) Chii chinodiwa kuti urambe uine purogiramu yakanaka yokuverenga? (p. 26, ndima 3-4) Unoronga sei nguva yokuverenga magazini eNharireyomurindi neAwake!? Izvi zvakakubatsira sei?
20 min: “Ramba Uchitaura Shoko raMwari Noushingi.”a Kumbira vateereri kuti vataure mamiriro ezvinhu avangaona zvakaoma kuti vave noushingi pakuparidza. Chii chakavabatsira kuita kudaro?
Rwiyo 78 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naOctober 17
10 min: Zviziviso zveungano. Uchishandisa chikamu 3 chewedzero yoUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaSeptember 2005, dzokorora pfungwa imwe kana mbiri pamusoro pokushandisa Magwaro zvinobudirira patinodzidzisa vanhu Bhaibheri.
15 min: Dzivisa Ngozi dzeIndaneti. Hurukuro inopiwa nomukuru kubva muAwake! yaDecember 8, 2004, mapeji 18-21. [Kana kuti mungakurukura nyaya inoti: Tizai Ufeve. Hurukuro inobva muNharireyomurindi yaFebruary 15, 2004, mapeji 12-14, ndima 9-15.]
20 min: “Ratidza Kuti Unonyatsofarira Vanhu—Nokuva Ane Mutsa.”b Kumbira kuti vateereri vataure kuti tingaratidza sei mutsa kune vamwe muushumiri. Dzimwe nzira dzokuratidza kuti tinonyatsofarira vanhu dzichazokurukurwa muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwomunguva yemberi.
Rwiyo 2 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naOctober 24
10 min: Zviziviso zveungano. Verenga mushumo weakaunzi uye tsamba dzinobva kubazi dzokutenda mari yakatumirwa. Uchishandisa mazano eimwe yemharidzo dziri muwedzero yoUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaJanuary 2005 kana kuti imwe mharidzo inokodzera ndima yenyu, enzanisira kugoverwa kungaitwa mabhuku mumwedzi waNovember.—Ona Ushumiri Hwedu hwoUmambo hwaJanuary 2005, peji 8, ndima 5.
15 min: Zvinodiwa muungano.
20 min: Kuratidza Zvinodiwa naMwari Mumupfekero Nokushambidzika Kwedu. Hurukuro uye kukurukurirana nevateereri kunoitwa nomukuru kubva muNharireyomurindi yaAugust 1, 2002, mapeji 17-19. Kumbira vateereri kuti vataure kuti kutarisika kwedu zvakanaka kungazarura sei nzira yokuparidzira.
Rwiyo 153 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naOctober 31
10 min: Zviziviso zveungano. Yeuchidza vaparidzi kuti vaendese mishumo yebasa romumunda yaOctober. Uchishandisa mazano ari papeji 8 (kana achikodzera ndima yenyu) enzanisira kugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaOctober 15 neAwake! yaOctober 22. Mune imwe yemharidzo dzacho, siya pokuzotangira kukurukura paunodzokazve nokuratidza saimba bhokisi rinoti “Zviri Mumagazini Yedu Inotevera.”—Ona Ushumiri Hwedu hwoUmambo hwaOctober 1998, peji 4, ndima 7-8.
15 min: Ita Kuti Vanhu Vaunogara Uchiendesera Magazini Vafarire. Hurukuro uye kukurukurirana nevateereri kunobva muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaMay 2005, papeji 8. Tingatanga sei kugara tichiendesera vanhu magazini? (ndima 1) Tingagadzirira sei magwaro akasiyana-siyana okuzopota tichikurukura rumwe chete nevanhu? (ndima 3) Nei tisingafaniri kungogumira pakuverenga rugwaro rwatasarudza? (ndima 4) Zvingaitika sei kuti waunogara uchiendesera magazini azopedzisira ava kudzidza Bhaibheri? (ndima 5) Ita kuti muparidzi aenzanisire achikurukura rugwaro rumwe chete nomunhu waanogara achiendesera magazini.
20 min: Pwere Dzakashinga asi Dzisingashori. Hurukuro inopiwa nomukuru inobva muNharireyomurindi yaSeptember 15, 2002, mapeji 23-4 pasi pomusoro muduku unoti “Ramba asi Usingashori.” Fanoronga kuti pwere imwe kana kuti mbiri dzitaure zvinetso zvadzakasangana nazvo kuchikoro uye kuti chii chakadzibatsira kuzvipedza nokubudirira.
Rwiyo 222 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naNovember 7
5 min: Zviziviso zveungano.
20 min: Ita Kuti Kuteerera Kwako Kuvandudzike Pamisangano. Hurukuro uye kukurukurirana nevateereri kubva muNharireyomurindi yaSeptember 15, 2002, mapeji 12-14, ndima 11-14. Dzokorora mazano akapiwa, uye kumbira vateereri kutaura kuti chii chakaita kuti vanyatsobatsirwa nemisangano yeungano.
20 min: “Iva Nounyanzvi Pakukurukurirana Nevamwe.”c Sarudza vaparidzi vanotsanangura kuti vave vachikwanisa sei kukurukurirana nevanhu vane mamiriro ezvinhu akasiyana-siyana vari mundima yenyu.
Rwiyo 50 nomunyengetero wokugumisa.
[Mashoko Omuzasi]
a Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
b Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
c Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.