Kushandisa Kwatingaita Bhuku Rinonzi “Rudo rwaMwari” Kudzidzisa Vanhu Bhaibheri
1. Chinangwa chebhuku rinonzi “Rudo rwaMwari” ndechei?
1 Takafara chaizvo paGungano redu Reruwa raiti “Kutungamirirwa Nomudzimu waMwari” kuwana bhuku idzva rinonzi “Rambai Muri Murudo rwaMwari”! Sezvakaziviswa, chinangwa chebhuku iri ndechokutibatsira kuziva uye kuda mitemo yaJehovha ine chokuita nemararamiro uye harisi rokutanga kudzidzisa vanhu Bhaibheri. Tichange tisingagoveri bhuku iri pasuo nesuo.
2. Bhuku iri richashandiswa sei, uye richashandisirwa vanaani?
2 Bhuku iri richava bhuku rechipiri richadzidzwa nevanenge vachidzidza Bhaibheri pavanenge vapedza bhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei? Yeukai kuti vanhu vanosiyana pakudzidza uye pakushandisa zvavanenge vadzidza. Vamwe vanokurumidza vamwe vanononoka. Munhu mumwe nomumwe anofanira kudzidziswa zvinoenderana nezvakamunakira. Ivai nechokwadi chokuti ari kudzidza anyatsonzwisisa. Kakawanda, bhuku iri harifaniri kushandiswa kutanga kudzidza Bhaibheri nevanhu vangave vakatodzidza mabhuku anoverengeka asi vasiri kupinda misangano yeungano uye vanonyatsooneka kuti havadi kuita kuti upenyu hwavo huenderane nechokwadi cheBhaibheri chavakadzidziswa.
3. Tinofanira kuitei kana iye zvino tiri kudzidzisa vanhu Bhaibheri tichishandisa bhuku raNamata Mwari?
3 Kana iye zvino uri kudzidzisa munhu bhuku raNamata Mwari, uye mangosara nezvitsauko zvishoma kuti mupedze, ungasarudza kupedzisa bhuku racho wokurudzira mudzidzi wacho kuverenga bhuku rinonzi “Rudo rwaMwari” ari oga. Kana manga musati maenda kure, zvingava zvakanaka kuchinjira kubhuku idzva motanga kwarakatangira. Kufanana nebhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei? ungasarudza kukurukura mashoko okuwedzera kana kuti kwete.
4. Tinofanira kuitei kana watinodzidzisa akabhabhatidzwa tisati tapedza bhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei? kana kuti “Rudo rwaMwari”?
4 Kana mudzidzi akabhabhatidzwa asati apedza mabhuku acho maviri, anofanira kupfuurira kudzidza kusvikira bhuku rinonzi “Rudo rwaMwari” rapera. Kunyange zvazvo mudzidzi wacho abhabhatidzwa, ungashuma nguva, kudzokerera, uye chidzidzo chacho. Muparidzi waunenge unaye muchidzidzisa mose angaverengawo nguva yacho.
5. Bhuku rinonzi “Rudo rwaMwari” ringashandiswa sei kubatsira vaparidzi vave vasingaparidzi kwenguva yakati?
5 Kana ukanzi nenhengo yeDare Rebasa Reungano udzidzise Bhaibheri mumwe munhu akarega kuparidza, ungakumbirwa kuti udzidze naye zvitsauko zvakati zviri mubhuku rinonzi “Rudo rwaMwari.” Vanhu vakadaro havafaniri havo kudzidziswa kwenguva refu. Tine urongwa hwakanaka chaizvo mubhuku idzva iri rakagadzirirwa kutibatsira kuramba tiri “murudo rwaMwari”!—Jud. 21.