Purogramu Yevhiki yaApril 6
VHIKI INOTANGA NAAPRIL 6
□ Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano:
□ Chikoro chaMwari Choushumiri:
Kuverenga Bhaibheri: Eksodho 7-10
Nha. 1: Eksodho 9:1-19
Nha. 2: Vanhu Vakava Vadzidzi vaJesu (lr-CA chits. 13)
Nha. 3: Tingatsanangura Sei VaGaratiya 6:2 Kuti Ipindirane Nendima VaG. 6:5?
□ Musangano Webasa:
5 min: Zviziviso.
10 min: Kupa Zvikonzero Zvinogutsa. Hurukuro ine upenyu uye kukurukura nevateereri mashoko ari mubhuku reChikoro Choushumiri mapeji 255-257.
20 min: Vechiduku —Muchaitei Noupenyu Hwenyu? Mukuru anokurukura nevateereri turakiti rinonzi Upenyu Hwenyu. Rumbidzai vechiduku vakabhabhatidzwa vari kuedza kuisa Umambo pakutanga. Bvunzurudzai muchidimbu munhu ari mubasa renguva yakazara ave aine chinangwa chebasa iri kubva achiri muduku. ‘Chii chakaita kuti musarudze basa iri? Zvikomborero zvipi zvamakawana?’