The Bible—A Book of Fact and Prophecy
Mankind’s Oldest Modern Book ndiyo vhidhiyo yokutanga pamatatu ari paDVD rinonzi The Bible—A Book of Fact and Prophecy. Waona vhidhiyo iyi, pindura mibvunzo inotevera:
(1) Bhaibheri rinobvumirana sei nesayenzi yemazuva ano? (2) Tingava sei nechokwadi chokuti maBhaibheri atinawo mazuva ano akarurama kufanana nezvakanyorwa pakutanga? (3) PamaBhaibheri ekare akanyorwa nemaoko, chii chinokosha chinowanika maari? (4) John Wycliffe, Johannes Gutenberg, William Tyndale, John Hus, Martin Luther, Casiodoro de Reina, naCharles Taze Russell, vakabatsira sei kuparadzira Shoko raMwari pasi rose, uye chechi yakapikisa sei zvinotyisa Bhaibheri? (5) Zano reBhaibheri rakabatsira sei vanhu vane zvinetso zvoutano (Pis. 34:8), vakapindwa muropa nokubhejera (1 Tim. 6:9, 10), vaiti gumbo mumba gumbo kunze kana kuti vakanga vamboparadzana (1 VaK. 13:4, 5; VaEf. 5:28-33), uye vaimhanyisana nepfuma (Mat. 16:26)? (6) Uchapupu hupi huripo hunoratidza kuti kana munhu akashandisa zvinotaurwa neMagwaro anokwanisa kukunda kuvenga mamwe marudzi, madzinza uye veganda rakasiyana nerake (Ruka 10:27)? (7) Kushandisa zvinotaurwa neBhaibheri kwakakubatsira sei kuti ufare zvikuru? (8) Ungashandisa sei vhidhiyo iyi kubatsira vamwe?—Ona Ushumiri Hwedu hwoUmambo hwaFebruary 2006, peji 8.