Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri
Mibvunzo inotevera ichakurukurwa paChikoro chaMwari Choushumiri vhiki inotanga naFebruary 22, 2010. Mutariri wechikoro achaitisa kudzokorora kwemaminitsi 20 kunobva pane zvakadzidzwa muhurukuro dzevhiki yaJanuary 4 kusvika kune yaFebruary 22, 2010.
1. Nei vaKristu vasingashandisi mijenya pakuedza kuziva zvinodiwa naJehovha sezvaiita vaIsraeri vekare uye vaapostora? (Josh. 18:4-6) [w07-CA 7/15 p. 12 ndima 4-5]
2. Chokwadi chii chingava chakaita kuti Joshua ataure sezvaakaita pana Joshua 24:14, 15, uye izvi zvinofanira kuita kuti tiite sei? [w08-CA 5/15 map. 17-18 ndima 4-6]
3. Ndeipi nzira imwe chete iyo vanamati vaBhaari uye manamatiro avo zvakava misungo kuvaIsraeri? (Vat. 2:3) [w08-CA 2/15 p. 27 ndima 2-3]
4. Tingadzidzei nezvoushingi hwaEhudhi pakushandisa kwaakaita bakatwa? (Vat. 3:16, 21) [w97-CA 3/15 p. 31 ndima 4]
5. Tinokurudzirwa sei kana tikadzidza nezvokununura kwakaita Jehovha Gidhiyoni nevarume 300 vaaiva navo? (Vat. 7:19-22) [w05-CA 7/15 p. 16 ndima 8]
6. Mweya waJehovha hauna “kushivirira nokuda kwokunetseka kwaIsraeri” sei? (Vat. 10:16) [cl-CA map. 254-255 ndima 10-11]
7. Jefta paakapika aifunga nezvokupa munhu sechibayiro here? (Vat. 11:30, 31) [w05-CA 1/15 p. 26 ndima 1]
8. Simba raSamsoni raiva mubvudzi rake chaimo here? (Vat. 16:18-20) [w05-CA 3/15 p. 28 ndima 5-6]
9. Tingabatsirwa sei nekunzwisisa zvakaitwa naSamsoni zvinoshamisa zvinotsanangurwa pana Vatongi 16:3? [w04-CA 10/15 map. 15-16 ndima 7-8]
10. Tingadzidzei pamashoko atinowana pana Vatongi 16:30, nezvemweya? [w90-CA 9/1 p. 5 ndima 5; sp-CA map. 13-14]