Mharidzo Dzokuenzanisira
Kutanga Zvidzidzo zveBhaibheri Mugovera Wokutanga Muna July
“Vakawanda vakadzokorora mashoko aya kubva muMunyengetero waShe: ‘Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe panyika, sezvakunoitwa kudenga.’ Munofunga kuti Umambo ihwohwo chii? [Rega apindure.] Ndima iyi yeBhaibheri inotibatsira kuwana mhinduro yacho.” Verenga Dhanieri 2:44. Zvadaro tambidza saimba magazini yeNharireyomurindi yaJuly 1, verengai pamwe chete uye kurukurai mashoko ari pasi pekamusoro kadiki kokutanga papeji 16. Govera magazini acho, uye ronga kuzodzokera kuti munokurukura mhinduro yemubvunzo unotevera.
Nharireyomurindi July 1
“Vakawanda vanonetseka kuti chinangwa choupenyu ndechei, nemhaka yokuti upenyu hupfupi uye hwakazara nematambudziko. Makambofunga nezvazvo here? [Rega apindure.] Bhaibheri rinovimbisa kuti upenyu hahuzorambi hwakadaro. [Verenga Zvakazarurwa 21:4.] Magazini ino inotaura nezvechinangwa chaMwari nokuda kwenyika uye zvimwe zvatinofanira kuita kuti kunyange iye zvino tive nechinangwa muupenyu.”
Awake! July
Taura nezvenjodzi iri kutaurwa nezvayo munhau. Wobva wati: “Munofunga kuti nei Mwari achibvumira kuti zvinhu zvakadaro zviitike? [Rega apindure.] Maererano nezvinotaurwa neBhaibheri, Mwari anonzwira tsitsi vaya vanotambura. [Verenga Eksodho 3:7.] Bhaibheri rinotiudzawo kuti nei Mwari achibvumira kutambura uye kuti nokukurumidza achagumisa kutambura kwose nokusingaperi. Magazini ino inotsanangura izvozvo.”