RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 1/12 p. 1
  • Kanda Zvibhakera Zvako Nokuchenjera

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kanda Zvibhakera Zvako Nokuchenjera
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2012
  • Mashoko Akafanana
  • Zvakanakirei Kuva Nendima Yako Pachako?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2013
  • Une Ndima Yako Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
  • Budirira Muushumiri Hwako
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
  • Nzira Dzekuparidza Nadzo Mashoko Akanaka
    Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2012
km 1/12 p. 1

Kanda Zvibhakera Zvako Nokuchenjera

1. Rugwaro rwa1 VaKorinde 9:26 runoshanda sei paushumiri?

1 Muapostora Pauro akanyora kuti: “Mamhanyiro andiri kuita haasi asina chokwadi; makandiro andiri kuita zvibhakera ndeokuti ndisarova mhepo.” (1 VaK. 9:26) Pauro akanga achitaura nezvokuramba akaisa pfungwa dzake pazvinangwa zvokuita zvakawanda pakushumira Jehovha. Zvisinei, mashoko aya anoshandawo paushumiri. Tinoda kukanda “zvibhakera” zvedu, kana kuita basa redu nokuchenjera kuitira kuti pave nemigumisiro yakanaka zvikuru. Sei?

2. Tingatevedzera sei Pauro nevamwe vaevhangeri vomuzana remakore rokutanga pakusarudza nguva uye nzvimbo dzokuparidzira?

2 Enda Kune Vanhu: Pauro nevamwe vaevhangeri vemuzana remakore rokutanga vakaparidzira munzvimbo dzavaitarisira kuwana vanhu. (Mab. 5:42; 16:13; 17:17) Saka kana vakawanda mundima medu vachiwanika pamba manheru, iyi ingava nguva yakanakisisa yokuenda pamba nemba. Pachiteshi chemabhazi kana kuti chezvitima chiri mundima menyu panowanika vanhu vakawanda here mangwanani-ngwanani kana kuti zuva rovira pavanenge vachienda kumabasa kana kuti kudzoka kumba? Mundima menyu nzvimbo dzemashopu dzinowanda vanhu nguvai? Kupupurira mumugwagwa kungabudirira zvikuru panguva idzi.

3. Tingakanda sei zvibhakera zvedu nokuchenjera pamashandiro atinoita ndima yedu?

3 Shanda Ndima Yenyu Nokuchenjera: Tinofanira kungwarirawo pakukanda zvibhakera zvedu nokuchenjera pamashandiro atinoita ndima yedu. Somuenzaniso, pane kuenda munzvimbo imwe chete muri boka rakakurisa, izvo zvinoda nguva yakawanda uye riri basa kuti boka racho rirambe rakarongeka uye rakabatikana, zvingava nani kurikamura. Saizvozvowo, patinenge tichishanda ndima yokumaruwa, tichakurumidza kupedza ndima yacho uye tichava nemikana yakawanda yokutaura kana mapoka evanhu vanofamba nemotokari asina kukurisa. Tingapiwa ndima yedu pachedu pedyo nepamba pedu here kuti nguva yatinopedzera pakufamba iite shoma?

4. Chii chichatibatsira kuva “vabati vevanhu” vanobudirira?

4 Jesu akafananidza vaevhangeri ne“vabati vevanhu.” (Mako 1:17) Chinangwa chomubati wehove hachisi chokungokanda mambure mumvura asi ndechokubata hove. Naizvozvo, vabati vehove vanobudirira vanoenda kwavanotarisira uye panguva yavanotarisira kuwana hove uye vanotanga kubata hove pasina kunonozeka. Chokwadi, vanoita basa ravo nokuchenjera. Ngatibishairei muushumiri hwedu sezvavanoita.—VaH. 6:11.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe