Purogiramu Yevhiki yaMarch 26
VHIKI INOTANGA NAMARCH 26
Rwiyo 92 Nemunyengetero
□ Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano:
bt-CA chits. 18 ¶12-18 (25 min.)
□ Chikoro chaMwari Choushumiri:
Kuverenga Bhaibheri: Jeremiya 12-16 (10 min.)
Nha. 1: Jeremiya 13:1-14 (Maminitsi 4 zvichidzika)
Nha. 2: Ndivanaani Vanofanira Kudya Chingwa Nokunwa Waini Pakudya kwaShe Kwemanheru?—rs-CA p. 48 ¶5–p. 49 ¶1 (5 min.)
Nha. 3: Chirangaridzo Chinofanira Kuchengetwa Kakawanda Sei, Uye Rini?—rs-CA p. 50 ¶1-2 (5 min.)
□ Musangano Webasa:
5 min: Zviziviso. Udzai ungano nzvimbo dziri mundima yenyu dzisati dzawana mapepa okukoka vanhu kuChirangaridzo.
10 min: Musakanganwa Kugamuchira Vaeni Zvakanaka. (VaH. 13:1, 2) Hurukuro inopiwa nemukuru. Taurai zvakarongwa neungano yenyu zvine chokuita neChirangaridzo. Taurai dzimwe nzira dzakanaka dzokugamuchira vaeni uye vaparidzi vasisaiti basa vanenge vauya. Ivai nemienzaniso miviri mipfupi asi ichiitwa nevanhu vamwe chete. Wokutanga muparidzi anenge achigamuchira munhu akakokwa kuuya kuChirangaridzo, uye pamuenzaniso wechipiri, Chirangaridzo chapera, muparidzi mumwe chete iyeye anenge ava kuronga naye kuti azokurukura zvimwe zvine chokuita neBhaibheri.
20 min: “The Wonders of Creation Reveal God’s Glory.” Mibvunzo nemhinduro. Tora mashoko ari mundima yekutanga neyekupedzisira kuti utaure sumo pfupi nemhedziso pfupi. Kumbira vateereri kuti vataure kuti vakabatsirwa sei nekuona vhidhiyo iyi. Kurukurai kuti vhidhiyo iyi ingashandiswa sei muushumiri. Kana musingakwanisi kuona vhidhiyo iyi, kurukurai zviri mubhuku raKukurukurirana, mapeji 163-166.
Rwiyo 110 Nemunyengetero.