Jehovah’s Witnesses—Faith in Action, Part 2: Let the Light Shine
Pashure pokunge Hama Rutherford nevamwe vavo vasunungurwa kubva mujeri muna 1919, Vadzidzi veBhaibheri vakanga vakatarisana nebasa guru. Sezviri kuratidzwa muvhidhiyo inonzi Jehovah’s Witnesses—Faith in Action, Part 2: Let the Light Shine, Vadzidzi veBhabheri vaizova nevanhu vakawanda vaizovashora, kunzwisisa kwavo Magwaro kwaizoramba kuchiwedzera uye kutenda kwavo kwaizonatsiridzwa. (Zvir. 4:18; Mar. 3:1-3; Joh. 15:20) Pashure pekunge waona vhidhiyo iyi, ungakwanisa here kupindura mibvunzo iyi?
(1) Inzira dzipi dzakashandiswa neVadzidzi veBhaibheri pakuparidza mashoko akanaka? (2) Zviziviso zvipi zvinokosha zvakapiwa pamagungano akaitwa muna 1931 uye muna 1935? (3) Mashoko api anokosha akanga ari muNharireyomurindi yaNovember 1, 1939? (4) Rondedzera zvakaitika paMadison Square Garden apo Hama Rutherford vaipa hurukuro yaiti “Hurumende uye Rugare.” (5) Ipfungwa ipi yakabuda pahurukuro yakapiwa naHama Knorr yaiti “Runyararo—Rucharamba Ruriko Here?” (6) Muna 1942, urongwa hupi hwakaitwa neZvapupu zvaJehovha kuti basa rokuparidza rikure? (7) Tsanangura dzimwe nyaya dzine chokuita neZvapupu dzakaendeswa kumatare muUnited States, Canada, uye Greece. (8) Chikoro cheGiriyedhi chakabatsira sei pakuita basa rokuparidzira? (9) Ibasa ripi rinokosha rakatanga muna 1946, uye nechikonzero chei? (10) Zvii zvakaitwa neZvapupu zvaJehovha kuitira kuti mararamiro azvo aenderane nezvinodzidziswa neBhaibheri? (11) Tsanangura zvimwe zvezvinhu zvakachinja mumakore okuma1970 zvakaitwa kuitira kuti sangano rienderane nezvinodzidziswa neBhaibheri. (12) Vhidhiyo iyi yasimbisa sei kunzwisisa kwaunoita kuti rino ndiro sangano raJehovha uye ndiye ari kuritungamirira? (13) Vhidhiyo iyi yasimbisa sei chido chako chakasimba chekuramba uchiparidza uchishingaira pasinei nezvipingamupinyi? (14) Tingashandisa sei vhidhiyo iyi kuti tibatsire veukama, vatinodzidza navo Bhaibheri, uye vamwe?
Zvinhu zvinoitika pazuva rimwe nerimwe zvinenge zvichitowedzera zvinhu zvine chokuita nenhoroondo yeZvapupu zvaJehovha. Nhoroondo iyi ichati kudii nezvezvatiri kuita pabasa rokuparidza? Sezvakangoitwa nehama dzedu kare, isuwo ngatishingairei kuita kuti ‘chiedza chipenye’!—2 VaK. 4:6.