Shandisa Mharidzo Inobudirira
1. Tingadzidzei pamharidzo dzakasiyana-siyana dzaishandiswa nevaKristu vokutanga-tanga?
1 VaKristu vokutanga-tanga vakaparidza mashoko akanaka kuvanhu vemadzinza nezvitendero zvakasiyana-siyana. (VaK. 1:23) Shoko ravaiparidza raiva rimwe chete roUmambo hwaMwari, asi mharidzo dzavo dzaisiyana-siyana zvichienderana nevanhu vavaitaura navo. Somuenzaniso, Petro paakataura nevaJudha vainyatsoremekedza Magwaro, akatanga nokutaura mashoko akataurwa nomuprofita Joeri. (Mab. 2:14-17) Asi ona kuti Pauro akakurukura sei nevaGiriki kubva panyaya iri pana Mabasa 17:22-31. Mazuva ano, vanhu vari mune dzimwe ndima vanoremekedza chaizvo Magwaro uye tinogona kushandisa Bhaibheri takasununguka patinenge tichiparidza paimba neimba mundima iyoyo. Asi tinofanira kungwarira patinenge tichitaura nevanhu vasingafariri Bhaibheri kana kuti zvechitendero kana kuti vanopinda chitendero chisiri chechiKristu.
2. Tingashandisa sei zvichagoverwa kuti tibatsire vanhu vanoremekedza Bhaibheri uyewo vaya vasingariremekedzi?
2 Nyatsoshandisa Zvinobudirira Zvichagoverwa: Zvichagoverwa mugore rino rebasa zvichange zvichichinja pashure pemwedzi miviri yoga yoga uye zvichange zvichisanganisira mabhurocha, magazini nematurakiti. Kunyange kana vanhu vari mundima yedu vasingafariri zveBhaibheri, tinogona kugovera bhuku rine nyaya yavangafarira. Kana munhu akafarira asi tisina kuverenga rugwaro pakushanya kwokutanga kana kuti tisina kutaura zvinotaurwa neBhaibheri, tinogona kudzoka tiine chinangwa chokubatsira saimba kuti ave nokutenda muMusiki uye muShoko rake rakafemerwa. Asiwo, kana tichiparidza mundima ine vanhu vanoremekedza Bhaibheri, tinogona kushandisa mabhuku uye mharidzo zvinoenderana nevanhu vacho. Tinogona kugovera bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei? kana kuti bhurocha raTeerera Mwari kana raTeerera Mwari Urarame Nokusingaperi chero nguva, pasinei nokuti chii chiri kugoverwa mumwedzi iwoyo. Chinonyanya kukosha ndechokuti tishandise mharidzo inobudirira.
3. Sei zvinganzi mwoyo yevanhu vari mundima yedu yakafanana neivhu?
3 Gadzirira Ivhu: Mwoyo womunhu wakafanana neivhu. (Ruka 8:15) Rimwe ivhu rinoda kuitwa zvakawanda kuti mbeu dzechokwadi cheBhaibheri dzidzike midzi uye dzikure. VaKristu vokutanga-tanga vakabudirira kudyara mumhando dzakasiyana-siyana dzeivhu, zvikaita kuti vafare uye vagutsikane. (Mab. 13:48, 52) Isuwo tinogona kubudirira kana tikaziva mharidzo dzokushandisa.