RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 10/12 p. 4
  • Young People Ask—How Can I Make Real Friends?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Young People Ask—How Can I Make Real Friends?
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2012
  • Mashoko Akafanana
  • Mashoko Okufarira!
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
  • Vhidhiyo Inofanira Kufungisiswa
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
  • Sarudza Shamwari Nekuchenjera
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Unogona Kuva Shamwari yaJehovha
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2012
km 10/12 p. 4

Young People Ask—How Can I Make Real Friends?

Jehovha akasika vanhu kuti vashamwaridzane. (Zvir. 17:17; 18:1, 24) Kuti ushamwari hwakadai hunyatsobatsira munhu wose, tinofanira kusarudza shamwari dzedu nokuchenjera. (Zvir. 13:20) Kana wapedza kuona vhidhiyo yaYoung People Ask—How Can I Make Real Friends?, edza kupindura mibvunzo inotevera.

Sumo:

(1) Shamwari yechokwadi yakaita sei?

Zvipingamupinyi Pakutsvaka Shamwari:

(2) Ungaita sei kuti usanzwa sokuti haukwani pane vamwe? (VaF. 2:4) (3) Nei tichifanira kugadzirisa unhu hwedu, uye ndiani angatibatsira kuita izvozvo? (2 VaK. 13:11) (4) Zvii zvatingaita kuti tive nemikana yokuita shamwari dzakawanda?—2 VaK. 6:13.

Kushamwaridzana naMwari:

(5) Zvii zvatingaita kuti tive neushamwari hwepedyo naJehovha, uye nei kuita izvozvo kuri kushandira zviripo? (Pis. 34:8) (6) Kana tikaita kuti Jehovha ave shamwari yedu yepedyo, zvichatibatsira kuti tive neshamwari dzakaita sei?

Shamwari Dzakaipa:

(7) Shamwari dzakaipa ndivanaani? (1 VaK. 15:33) (8) Shamwari dzakaipa dzingaita sei kuti tipedzisire tarasikirwa noukama hwakanaka naJehovha?

Mutambo Wemazuva Ano:

(9) Nyaya yomuBhaibheri yaDhina inotidzidzisei? (Gen. 34:1, 2, 7, 19) (10) Zvii zvaitaurwa naTara achida kuzvitsigira nezvekushamwaridzana kwaaiita nevechiduku vakanga vasiri Zvapupu? (11) Shamwari dzaTara dzokuchikoro dzakamupinza mumatambudziko api? (12) Sei vabereki vaTara vasina kuona dambudziko raiva nemwana wavo, asi vakazomubatsira sei kuti asimbezve pakunamata? (13) Imwe hanzvadzi yaipayona yakaratidza sei kuti yaiva shamwari yechokwadi yaTara? (14) Tara akazojekerwa nei?

Mhedziso:

(15) Wadzidzei kubva pavhidhiyo iyi? (16) Ungashandisa sei vhidhiyo iyi kubatsirawo vamwe?

Dai tikasarudza shamwari dzichatibatsira kuti tirambe tiine ushamwari hunokunda humwe ushamwari hwose—ushamwari naMwari!—Pis. 15:1, 4; Isa. 41:8.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe