RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 6/13 p. 4
  • Mharidzo Dzokuenzanisira

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mharidzo Dzokuenzanisira
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2013
  • Mashoko Akafanana
  • Mharidzo Dzokuenzanisira
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2012
  • Mharidzo Dzokuenzanisira
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2011
  • Mharidzo Dzokuenzanisira
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2014
  • Mharidzo Dzokuenzanisira
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2012
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2013
km 6/13 p. 4

Mharidzo Dzokuenzanisira

Kutanga Zvidzidzo zveBhaibheri paMugovera Wokutanga Muna July

“Anenge munhu wose munharaunda yedu anoda kurarama kwenguva yakareba uye achifara. Saka tingada kuziva mafungiro enyu pamubvunzo uyu: Munofunga kuti nerimwe zuva sayenzi nemishonga zvichaita kuti tikwanise kurarama nokusingaperi here? [Rega apindure.] Onai zviri kutaurwa pano.” Muratidze peji 16 yeNharireyomurindi, yaJuly 1, uye kurukurai mashoko ari pasi pemubvunzo wokutanga uye verengai runenge rugwaro rumwe chete pane aripo. Govera magazini acho, uye ronga kuzodzoka kuti muzokurukura mubvunzo unotevera.

Onai kuti: Mharidzo iyi inofanira kuenzanisirwa pamusangano webasa romumunda womusi waJuly 6.

Nharireyomurindi July 1

“Vakawanda vatinotaura navo vane chitendero chavo. Asi vamwe vavo havachavimbi nechitendero. Ko imiwo munoona sei chitendero? [Rega apindure.] Jesu akatiratidza kuti tingaongorora sei chitendero. [Verenga Ruka 6:44a.] Magazini ino inokurukura zvimwe zvakaipa zviri kuitwa nechitendero. Inopindurawo mubvunzo uyu, Pane chitendero chaungavimba nacho here?”

Awake! July

“Tiri kushanyira vavakidzani vedu tichitaura nezvedambudziko ranetsa, rokudzvinyirirwa. Vamwe vanoedza kuratidzira kuti vapedze udzvinyiriri. Munofunga kuti vanhu vanoratidzira vanokwanisa kuita kuti zvinhu zvichinje here? [Rega apindure.] Onai kuti Bhaibheri rinoti ndiani achakwanisa kuchinja nyika. [Verenga Mateu 6:9, 10.] Magazini ino inopindura mubvunzo uyu, Kuratidzira ndiwo mushonga here?”

Mashoko Akanaka Anobva Kuna Mwari!

“Tiri kushanyira mhuri dzemunharaunda yenyu tichikurukura pfungwa inokurudzira iri muBhaibheri. Vakawanda vatataura navo vari kunetseka kuti nei Mwari ane rudo achibvumira kutambura kwakawanda kudai munyika yose. Munofunga kuti ndicho chaiva chinangwa chaMwari chepakutanga here kuti titambure?” Rega apindure. Zvadaro endai paChidzidzo 5, uye verengai mokurukura ndima mbiri dzokutanga nemagwaro akanyorwa nemabhii akatsveyama. Goverai bhurocha racho uye rongai kuzodzoka kuti mukurukure mubvunzo unotevera une mavara matema-tema.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe