Mharidzo Dzokuenzanisira
Kutanga Zvidzidzo zveBhaibheri Mugovera Wokutanga Muna May
“Munoona chitendero sechinhu chinobatanidza vanhu uye chinoita kuti vave norudo here kana kuti chinoita kuti vanhu vasabatana uye vavengane? [Rega apindure.] Regai ndikuratidzei chimwe chinhu chinonakidza nezvenyaya iyi.” Ipa saimba Nharireyomurindi yaMay 1, mokurukura mose zviri pasi pekamusoro kokutanga kari papeji 16 uye rugwaro runenge rumwe chete. Govera magazini acho, uye ronga kuzodzoka uye kurukurai mubvunzo unotevera.
Nharireyomurindi May 1
“Vamwe vanofunga kuti chitendero nezvematongerwo enyika hazvifaniri kusanganiswa. Munotiwo kudii nazvo? [Rega apindure.] Cherechedzai muone kuti Jesu akaita sei apo vanhu vaida kumubata kuti aite zvematongerwo enyika. [Verenga Johani 6:15.] Magazini iyi inotsanangura kuti nemhaka yei Jesu akaita zvaakaita uye inoratidza chinhu chinokosha chinofanira kuitwa nevaKristu kubatsira nharaunda yavanogara.”
Awake! May
“Anenge munhu wose atiri kutaura naye pane imwe nguva akamboitirwa zvakaipa. Munofunga kuti chii chingaita kuti izvi zvipere? [Rega apindure.] Cherechedzai muone uprofita nezvamambo achabvisa zvinhu izvi. [Verenga Pisarema 72:11-14.] Magazini iyi inoratidza zvinovimbiswa neBhaibheri nezveramangwana risina kuitirwa zvakaipa.”