Shandisa Magazini Ekare Zvakanaka
Sezvo magazini ekare asingagoni kubatsira chero ani zvake kana akachengetwa kana kuti akaraswa, tinofanira kuedza kuagovera. Magazini imwe chete inogona kuita kuti mumwe munhu afarire chokwadi, yoita kuti atange kudana zita raJehovha. (VaR. 10:13, 14) Pasi apa pane mazano okushandisa kwatingaita zvakanaka magazini ekare.
Pamunenge muchiparidza mundima dzisingawanzoshandwa, munogona kusiya magazini imwe chete paisingaonekwi nevanenge vachipfuura kana mashaya vanhu pamba pacho.
Kana muchiparidza munzvimbo dzinomira vanhu vakawanda, dzakadai sechiteshi chemabhazi kana kuti chezvitima, bvunzai vanhu kana vangada chokuverenga, varatidzei magazini ekare uye vaudzei kuti vasarudze avangada.
Pamunenge muchishanyira nzvimbo dzinochengetwa vakwegura, zvipatara kana dzimwewo nzvimbo dzakada kudaro dziri mundima yeungano yenyu, siyai magazini ekare mashoma munzvimbo inomirira vanhu. Zvinowanzova zvakanaka kuti mutange makumbira munhu anenge achitarisira nzvimbo yacho kana aripo. Kana mukaona munzvimbo yacho makatoiswa magazini edu, musasiya mamwezve.
Pamunenge muchigadzirira kudzokera kunoona vanhu vanofarira, fungai nezvenyaya dzingafarirwa nemunhu mumwe nemumwe wamuri kuronga kushanyira. Ane mhuri here? Anofarira zvokushanya here? Anofarira zvegadheni here? Tarisai mumagazini ekare moona kana muine nyaya yaangafarira kuverenga, uye muratidzei pamunomushanyirazve.
Pamunowana munhu anofarira ari pamba pashure pokumushaya kakawanda, muratidzei mamwe magazini ekare aasina kuwana.