RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 3/14 p. 3
  • Shandisa Magazini Ekare Zvakanaka

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Shandisa Magazini Ekare Zvakanaka
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2014
  • Mashoko Akafanana
  • Shandisa Zvakanakisisa Magazini Edu
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
  • Govera Magazini Muushumiri Hwako
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
  • Magazini Anozivisa Umambo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
  • “Govera Magazini Yekare Kana Kuti Bhurocha Rine Nyaya Inofadza Saimba”
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2011
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2014
km 3/14 p. 3

Shandisa Magazini Ekare Zvakanaka

Sezvo magazini ekare asingagoni kubatsira chero ani zvake kana akachengetwa kana kuti akaraswa, tinofanira kuedza kuagovera. Magazini imwe chete inogona kuita kuti mumwe munhu afarire chokwadi, yoita kuti atange kudana zita raJehovha. (VaR. 10:13, 14) Pasi apa pane mazano okushandisa kwatingaita zvakanaka magazini ekare.

  • Pamunenge muchiparidza mundima dzisingawanzoshandwa, munogona kusiya magazini imwe chete paisingaonekwi nevanenge vachipfuura kana mashaya vanhu pamba pacho.

  • Kana muchiparidza munzvimbo dzinomira vanhu vakawanda, dzakadai sechiteshi chemabhazi kana kuti chezvitima, bvunzai vanhu kana vangada chokuverenga, varatidzei magazini ekare uye vaudzei kuti vasarudze avangada.

  • Pamunenge muchishanyira nzvimbo dzinochengetwa vakwegura, zvipatara kana dzimwewo nzvimbo dzakada kudaro dziri mundima yeungano yenyu, siyai magazini ekare mashoma munzvimbo inomirira vanhu. Zvinowanzova zvakanaka kuti mutange makumbira munhu anenge achitarisira nzvimbo yacho kana aripo. Kana mukaona munzvimbo yacho makatoiswa magazini edu, musasiya mamwezve.

  • Pamunenge muchigadzirira kudzokera kunoona vanhu vanofarira, fungai nezvenyaya dzingafarirwa nemunhu mumwe nemumwe wamuri kuronga kushanyira. Ane mhuri here? Anofarira zvokushanya here? Anofarira zvegadheni here? Tarisai mumagazini ekare moona kana muine nyaya yaangafarira kuverenga, uye muratidzei pamunomushanyirazve.

  • Pamunowana munhu anofarira ari pamba pashure pokumushaya kakawanda, muratidzei mamwe magazini ekare aasina kuwana.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe