Zvapupu zvekuCook Islands zvichikoka vanhu kumisangano
Mharidzo Dzekuenzanisira
NHARIREYOMURINDI
Mubvunzo: Ngirozi dziriko here?
Rugwaro: Pis 103:20
Zvekutaura: Magazini iyi inotiudza zvinotaurwa neBhaibheri nezvengirozi uye kuti dzinotibatsira sei.
DZIDZISA CHOKWADI
Mubvunzo: Zvinotaurwa neBhaibheri panyaya dzesainzi ndezvechokwadi here?
Rugwaro: Isa 40:22
Chokwadi: Bhaibheri parinotaura nezvesainzi, rinotaura chokwadi.
PEPA REKUKOKA MUNHU KUMISANGANO (inv)
Zvekutaura: Ndiri kukukokai kuti muzonzwa hurukuro yeBhaibheri uye hapabhadharwi mari. Ichaitirwa kwatinonamatira kuImba yoUmambo. [Mupe pepa rekumukoka, womuudza kune Imba yoUmambo, nenguva dzichaitwa musangano uye musoro wehurukuro yavose.]
Mubvunzo: Makambosvika paImba yoUmambo here? [Kana aine nguva, muratidze vhidhiyo inonzi Chii Chinoitwa paImba yoUmambo?]
NYORAWO MHARIDZO YAKO
Nyorawo mharidzo yako pachako yomuushumiri uchitevedzera mharidzo yokuenzanisira iri pamusoro apa.