RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wp21 nha. 2 pp. 13-15
  • Nyika Itsva Yava Pedyo!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nyika Itsva Yava Pedyo!
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2021
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Hurumende imwe chete ichatonga nyika yese
  • Vanhu vese vachange vakabatana
  • Mamiriro ekunze akanaka, vanhu vachigarisana nemhuka
  • Utano hwakanaka nezvekudya zvakawanda
  • Vanhu vachagara murunyararo, pasina chekutya
  • Pekugara pakanaka uye basa rinogutsa
  • Dzidzo yakanakisa kupfuura dzese
  • Upenyu husina magumo
  • Ndechipi Chiri Chinangwa chaMwari Nokuda Kwapasi?
    Mwari Anodei Kwatiri?
  • Upenyu Munyika Itsva Ino Rugare
    Upenyu Munyika Itsva Ino Rugare
  • Upenyu Hune Donzo Rakaisvonaka
    Chii Chiri Donzo Roupenyu? Unogona Sei Kuriwana?
  • Nyika Itsva yaMwari Ine Rugare—Unogona Kurarama Mairi
    Dzidza Kumudzidzisi Mukuru
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2021
wp21 nha. 2 pp. 13-15
Mhuri iri muParadhiso yakasimudzira maoko shamwari dzavo.

Gadzirira iye zvino kuzorarama munyika itsva yava pedyo

Nyika Itsva Yava Pedyo!

Mwari akasika nyika kuti vanhu vakarurama vagare pairi nekusingaperi. (Pisarema 37:29) Akaisa vanhu vekutanga, Adhamu naEvha, mumunda wakanaka weEdheni, achibva ati ivo nevana vavo vaurime nekuuchengeta.—Genesisi 1:28; 2:15.

Iye zvino nyika haisi Paradhiso sezvaidiwa naMwari. Asi Mwari haana kuchinja zvaaida. Saka achaita sei kuti nyika ive Paradhiso? Sezvataona munyaya dzapfuura, Mwari haasi kuzoparadza nyika chaiyo chaiyo. Asi achaita kuti vanhu vakarurama vagare pairi. Mwari paachazadzisa chinangwa chake, upenyu huchange hwakaita sei panyika?

Hurumende imwe chete ichatonga nyika yese

Munguva pfupi, hurumende yaMwari painenge yava kutonga vanhu vese, panyika pachava nemufaro vanhu vachigara vaine rugare, vachiita basa rakanaka uye rinogutsa. Mwari akagadza Jesu Kristu kuti atonge panyika. Jesu akasiyana nevatungamiriri vepanyika, pakuti iye achaita zvakanakira vanhu vese. Utongi hwake huchange huchiratidza kuti ane rudo uye kuti ndiMambo ane mwoyo wakanaka, ane tsitsi uye anobata vanhu vese zvakaenzana.—Isaya 11:4.

Vanhu vese vachange vakabatana

Shamwari dziri muParadhiso dzichidya pamwe chete.

Vanhu vanenge vava kugara panyika vachange vakabatana, pasinei nekusiyana kwerudzi rwavo kana kuti dzinza. (Zvakazarurwa 7:9, 10) Vese vachange vachida Mwari uye vachidanana. Uyewo vachashanda pamwe chete kuti vazadzise chinangwa chaMwari chekuti nyika ive Paradhiso.—Pisarema 115:16.

Mamiriro ekunze akanaka, vanhu vachigarisana nemhuka

Umambo hwaMwari pahuchatanga kutonga, Musiki achaita kuti mamiriro ekunze agare akanaka nguva dzese. (Pisarema 24:1, 2) Jesu paaiva panyika, akaratidza simba raMwari nekunyaradza kwaakaita dutu raiva nesimba. (Mako 4:39, 41) Kana Jesu ava kutonga panenge pasisina zvekutyira kuti pangangoitika njodzi dzinoitika dzega. Kana Umambo hwaMwari hwava kutonga vanhu vachagarisana nemhuka uyewo havazosvibisi nyika.—Hosiya 2:18.

Utano hwakanaka nezvekudya zvakawanda

Munhu wese achange aine utano hwakanaka, pasina kurwara, kuchembera kana kufa. (Isaya 35:5, 6) Vanhu vachange vachirarama munyika yakanaka, yakachena seyairaramwa naAdhamu naEvha mumunda weEdheni. Sezvainge zvakaita muEdheni, panyika pachava nezvekudya zvakawanda uye hapana achafa nenzara. (Genesisi 2:9) Sezvaingoita vanhu vaMwari vekare vaIsraeri, vanhu vachange vari muParadhiso ‘vachadya vachiguta.’—Revhitiko 26:4, 5.

Zvekudya zvakasiyana-siyana.

Vanhu vachagara murunyararo, pasina chekutya

MuUmambo hwaMwari, vanhu vese vachagara murunyararo, vachibatana zvakanaka. Kuchange kusisina hondo, udzvinyiriri, uye hapana achatamburira kuti awane zvekurarama nazvo. Bhaibheri rinotivimbisa kuti: “Mumwe nemumwe achagara pasi pemuzambiringa wake nepasi pemuonde wake, uye hapana achaita kuti vatye.”—Mika 4:3, 4.

Pekugara pakanaka uye basa rinogutsa

Mhuri imwe neimwe ichange iine musha wayo vasingatyiri kuti vangazobviswa uye basa ratichange tichiita richange richigutsa. Ndizvo zvinotaurwa neBhaibheri parinoti vaya vachagara munyika itsva yaMwari “havazoshandi zvakaoma pasina.”—Isaya 65:21-23.

Dzidzo yakanakisa kupfuura dzese

Bhaibheri rinoti: “Nyika ichazara nekuziva Jehovha.” (Isaya 11:9) Vanhu vachararama muParadhiso vachadzidziswa neMusiki wavo Jehovha, ane uchenjeri hwakadzama, uye vachadzidzawo nezvezvinhu zvakanaka zvaakasika. Havazoshandisi ruzivo rwavo kugadzira zvombo kana kuti kuda kukuvadza vamwe. (Isaya 2:4) Asi vachadzidza kuti vangagarisana sei murunyararo, vachiita kuti nyika irambe yakanaka.—Pisarema 37:11.

Upenyu husina magumo

Mwari akashanda nesimba kugadzira nyika kuti ive yakanaka kuti tinakidzwe neupenyu zuva rega rega. Anoda kuti vanhu vararame panyika nekusingaperi. (Pisarema 37:29; Isaya 45:18) Kuti izvozvo zvizoitika, “achaparadza rufu zvachose.” (Isaya 25:8) Bhaibheri rinoti: “Hapazovi nerufu, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa.” (Zvakazarurwa 21:4) Mwari achapa vanhu vese vachapona paachaparadza nyika ino nevaya vachamutswa kubva kuvakafa mukana wekurarama nekusingaperi.—Johani 5:28, 29; Mabasa 24:15.

Vanhu vari kumbundirana nehama neshamwari dzavo dzamutswa.

Mamiriyoni evanhu mazuva ano ari kutogadzirira kuzorarama munyika itsva yava pedyo. Kunyange zvazvo vari vanhu vanokanganisa, vari kuedza kurarama upenyu hunoenderana nezvinodiwa naMwari kuvanhu vachararama munyika yake itsva. Vari kuzviita sei? Vari kudzidza nezvaJehovha Mwari naJesu Kristu waakatuma.—Johani 17:3.

Dzidza kuti zvii zvaungaita kuti upone pachaparadzwa nyika ino yakaipa worarama munyika itsva yava pedyo kuuya. Ita kosi yeBhaibheri nemumwe weZvapupu zvaJehovha muchishandisa bhuku rinonzi Rarama Nekusingaperi Uchifara! Kosi iyi haibhadhariswi.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe