Nzira Iyo Vanachiremba Vanogonana Nayo neAIDS
NGOZI yokubatira AIDS kupfurikidza neropa yaparira vamwe vanachiremba vokuvhiya kushandisa icho The New York Times inoidza kuti “chipfeko chakakwana chitsva chavanachiremba vokuvhiya nokuda kwenhambo yeAIDS.” Kuna chiremba wokuvhiya chipfeko chakakwana ichocho chinobatanidza “magamubhutsu, fasikoti refu zvikuru risingapindi mvura, magirovhosi maviri, zvidziviriro zvamaoko zvisingapindi mvura namagogoro ameso.” Uye nokuda kwokuvhiya chaiko kuzere neropa, inodaro Times, “ngowani ine chidziviriro chinoputira chiso.”
Nomutoo unokosha, kunenge kukupera kwa 1990, Nzvimbo Dzokudzorwa Kwehosha dzakataura kuti pazvirwere zveAIDS 153 000 zvakashumwa, 637 vaiva vanachiremba, 42 vaiva vanachiremba vokuvhiya, 156 vanachiremba vamazino nevezvoutsanana, uye vane 1 199 vaiva vakoti.
AIDS yakatanga kuzivikanwa muna 1981. Kwenguva yakati kuti yakanga yakaganhurirwa zvikurukuru kuvarume vanovatana navapindwi muropa nemirimo vaitapurwa nenariti dzejekiseni dzakashatswa. Asi kupararira kwayo pakati pavakadzi kwave kuchikurumidza. World Health, magazini yeWHO (World Health Organization), rakashuma muchinyorwa charo chaNovember-December 1990, kuti: “Chiverengero chavakadzi [munyika yose] chinokarirwa kuva chinorwara neAIDS mukati mamakore maviri anotevera chichapfuura hwerengedzo inowedzera yezvirwere zvose zveAIDS zvakashumwa kuWHO mukati memakore gumi okutanga omurakatira wacho.”
MuUnited States, Nzvimbo dzeMubatanidzwa Dzokudzorwa Kwehosha dzakashuma kuti pakasvika kupera kwa 1990, kwaiva navanhu vane 15 696 vanopfuura zera ramakore 50 okukura vakanga vava nezviratidzo zveAIDS. Ichecho chiverengero chikuru pakuenzanisirwa nezvirwere zvine 2 686 bedzi zveAIDS muvana vari pasi pamakore 13, boka ravanyajambwa veAIDS rakaparidzirwa zvikuru kwazvo.
Ko vakuru vanobatira sei AIDS? Vazhinjisa vanodaro somuuyo wevatano yavane mitezo mimweyo yokubereka. Zvisinei, mukuwirirana neThe New York Times, “inenge 17 muzana yavanyajambwa yakatapurwa noutachiona kupfurikidza nokuisirwa ropa rakashatswa.” Ikoko kunoita chinenge chiverengero chimwe chetecho chezvirwere zveAIDS pakati pavakura nokuda kwokuisirwa ropa sechiverengero chose chezvirwere zveAIDS pakati pavana vari pasi pamakore 13!