Isita Inorevei Kwauri?
YAVA 8:30 mumadekwana. Murima rechechi yava namakore 300 muchamhembe meAfrica, madhikoni 20 akapfeka nguvo chena ari kutaura uye ari kuridza ngoma dzawo. Kunhuhwira kwezvinonhuwira kunopararira kuchibva mubisiro. Zvino boka ravaprista rinokumbanira chinoitika chacho, vachirava Bhaibheri muchiGeez, mutauro wekare womuitiro wokunamata. Vanamati vanoteerera. Vashomanene bedzi vaavo varipo vanonzwisisa mashoko acho. Muitiro wacho unopfuurira kutozosvikira panguva yetatu mumangwanani.
MuGuta reVatican papa anoita Misa chaiyo. Vateereri vake nokuda kwouyu musangano wechienzi vanoumbwa neboka rakakwana ravezvokudyidzana kwenyika reVatican, pamwe chete namazana amakadhinari, mabhishopi, vaprista, uye manun nezviuru zvavachakairi vorudzidziso.
Mhiri kweAtlantic, muGuta reNew York, mapurisa akamisa mhinganidzo kuti adzivise motokari kupinda muna Fifth Avenue yakaisvonaka. Kufamba kwavagari vomuNew York vakapfeka zvakanaka—varume vakapfeka ngowani namabhachi ane mwise uye vakadzi vakapfeka ngowani dzinopenya—vachifamba nomumugwagwa wakanaka murushingairo.
Chii chiri chinoitika? Kuchengetwa kweIsita. Munyika yose, kuna vanhu vanoita uku kuchengeta mururemekedzo rukuru. Vamwe vakakuidza kuti mambokadzi wemitambo uye festum festorum—chiLatin nokuda kwo“mutambo wemitambo.”
Inokosha Sei Kwauri?
Unofungeiko pamusoro peIsita? Unoziva here chikonzero nei ichichengetwa? Vazhinji havazivi. Nzvero yakaitwa muBritain yakazivisa kuti 1 mumaBriton 3 ari ose haasati achiziva chikonzero nokuda kweIsita. Bva, muBritain, pamwe chete nomune dzimwe nzvimbo munyika, Isita inoramba iri kuchengeta kunokosha zvikurusa kworudzidziso rwechiKristudhomu.
Mukuwirirana neThe New Encyclopædia Britannica, Isita ndiwo “mutambo mukuru weChristian Church Year, kuchengeta Rumuko rwaJesu Kristu pazuva rechitatu pashure poKuroverwa kwake.” Bhuku rinonzi Easter—Its Story and Meaning rinotsanangura kuti Isita ndiwo “mutambo mukurusa muChristian Year, unochengetwa nomufaro mukurusa, nokuti unopikira rumuko rwakafanana kuna vose vakagamuchira Kutenda kwaKristu.” Unorangarira zvakakomba kuchengetwa kweIsita nenzira iyeyo here? Unodavira zvomenemene kuti Isita ine chimwe chinhu chine chokuita nekariro dzako nokuda kwoupenyu munguva yemberi here?
Vazhinji havarangariri Isita noruremekedzo rwakadaro. Richitsinhira pamusoro pokuitwa kweIsita kuti ive yokutengeserana, rimwe pepanhau rakaiidza kuti “The Greatest Story Ever Sold.” Rakawedzera, kuti: “Isita, horidhe inokosha zvikurusa yechiKristu, yazova horidhe hurusa yechipiri nokuda kwokupiwa kwezvipo, vagadziri vemidhori vanodaro.” Hurusa, chokwadika, ndiyo Krisimisa, uye vamwe vakuru vakuru vechechi vanorangarira kuti kuitwa kwokuti Isita ive yenyika kwakatevera mutoo wokuitwa kweKrisimisa kuva yenyika.
Nokuda kwomwaka weIsita wa 1989, somuenzaniso, vagadziri vamabhisikiti muUnited States vakagadzirira kutengesa kwakachachamara kwamamirioni $4075. Ndiwo mwaka mukurusa wechipiri wamabhisikiti muUnited States pashure peKrisimisa. Imwe kambani inobudisa anopfuura marudzi ane zana amasiwiti akafanana navanatsuro veIsita.
Mukuwirirana neThe Detroit News, Jack Santino, purofesa wengano netsika dzakakurumbira paYunivhesiti yeBowling Green State muOhio, akabvuma kuti kuitwa kweIsita kuva yenyika ‘“kwakafanana” nenzanga yanhasi yakabatikana neyakakombamira kukutenga nokutengesa zvinhu zvomushandisi.’ Pepanhau rakawedzera kuti “mabanzi [eIsita]—kwete rumuko—azova chinangwa cheIsita.”
Inongova Bedzi Imwe Horidhe
MuNorthern Hemisphere, Isita inozivisa mavambo echirimo uye inowanzova pamwe chete nezororo revhiki rimwe rezvikoro namakoreji. Naizvozvo kwakunobvira, vechiduku vazhinji vanodirana kunzvimbo dzine mwaka unodziya nokuda kwemitambo yakaipa youpengo mumahombekombe egungwa. Vamwe vanorangarira mwaka weIsita somugumo bedzi womwaka wokutserendendeka—banza ravo rokupedzisira rokufarikanya mitserendende.
MuNorway, uko inenge 88 muzana yavagari vemo vari vechechi yehurumende yeLutheran Evangelical, inenge bedzi 14 muzana yaavo vakanzverwa mufundo yazvino uno vakataura kuti vaizorangarira kuenda havo kuchechi paIsita. Inenge 75 muzana yakabvuma kuti ivo havasati vachasitongorangarirazve Isita sehoridhe yorudzidziso. Vakataura kuti vaizosva havo vaenda kundoita mutserendende.
Kuna vazhinji, zvimwe zvezviratidzo zvinokosha zveIsita zvazova zviratidzo zvezvinoitika zvinovaraidza. Zai, somuenzaniso, zvimwe ndicho chiratidzo chakakurumbira zvikurusa cheIsita munyika zhinji. Chiratidzo chezai ndechorudzidziso zvikuru. Sezvinofungidzirwa, rumuko rwaJesu Kristu runomirirwa noupenyu hutsva hunobuda muzai rinoratidzika kuva risina upenyu. Nokudaro, tsika yokushongedza mazai namavara anoyevedza nemitaro rutivi runokosha rwokuchengetwa kweIsita.
Asi kuna vamwe, ukoshi hukuru hwezai reIsita ndehwokuvaraidza vana. Mune rimwe taundi mutambo wokutsvaka zai reIsita ravanzwa navamwe pachechi yomunzvimbomo unoguma nokurwisana kwokukandirana mazai! “Kuvana,” anocherekedza kudaro Robert J. Myers mubhuku rake rinonzi Celebrations, “Isita inoreva mufaro, zvikatyamadzo, uye zvimwe mabhisikiti namasiwiti zvakakwana zvokuti zvinogara kutozosvikira zuva rapamberi peZuva raVasande!”
Murondedzero, Isita inopfuurira kuva nenzvimbo yakakurisa pakati pamahoridhe orudzidziso echiKristudhomu. Zvisinei, mukushandisa kunoratidzika sokunge kuti vanhu vazhinji-zhinji vanoiraingarira seyoukoshi huduku, seimwewo zvayo horidhe. Zvakadiniko newe? Isita inorevei kwauri? Usati wapindura uyu mubvunzo, zvisinei, haufaniri here kubvunza, kuti: ‘Isita inorevei kuna Mwari? Ko kuchengeta kunomufadza here? MaKristu anodikanirwa zvomenemene here kuchengeta Isita?’
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 4]
Zviratidzo zveIsita zvazova zviratidzo zvezvinoitika zvinovaraidza