RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwfq nyaya 19
  • Sei Zvapupu zvaJehovha Zvisingapembereri Isita?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Sei Zvapupu zvaJehovha Zvisingapembereri Isita?
  • Mibvunzo Inonyanya Kubvunzwa Pamusoro peZvapupu zvaJehovha
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Nhema dzinowanzotaurwa nevanhu
  • Sei Zvapupu zvaJehovha zvisingapembereri Isita?
  • Isita Inorevei Kwauri?
    Mukai!—1992
  • Isita Inorevei Kuna Mwari?
    Mukai!—1992
  • Isita Kana Kuti Chirangaridzo—Unofanira Kuchengeta Chipi?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Bhaibheri Rinoti Chii nezveIsita?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
Ona Zvimwe
Mibvunzo Inonyanya Kubvunzwa Pamusoro peZvapupu zvaJehovha
ijwfq nyaya 19

Sei Zvapupu zvaJehovha Zvisingapembereri Isita?

Nhema dzinowanzotaurwa nevanhu

Nhema: Zvapupu zvaJehovha hazvipembereri Isita nokuti havasi vaKristu.

Chokwadi: Tinotenda kuti Jesu Kristu ndiye Muponesi wedu, uye tinoita zvose zvatinogona ‘kunyatsotevera tsoka dzake.’—1 Petro 2:21; Ruka 2:11.

Nhema: Hamutendi kuti Jesu akamutswa kuvakafa.

Chokwadi: Tinotenda kuti Jesu akamutswa kuvakafa; tinoziva kuti nyaya yokumutswa kwake ndiwo musimboti pakunamata kwevaKristu uye tinonyanya kutaura nezvayo patinenge tichiparidza.—1 VaKorinde 15:3, 4, 12-15.

Nhema: Hamuna basa nazvo kuti vana venyu vanoruzirira vamwe vachinakidzwa nokupemberera Isita.

Chokwadi: Tinoda vana vedu ndokusaka tichishanda nesimba pakuvadzidzisa uye kuvabatsira kuti vagare vachifara.—Tito 2:4.

Sei Zvapupu zvaJehovha zvisingapembereri Isita?

  • Zororo reIsita haribvi muBhaibheri.

  • Jesu akatirayira kuti tiyeuke kufa kwake kwete kumutswa kwake. Tinoita Chirangaridzo gore negore tichiyeuka zuva rekufa kwake kuenderana nezvinotaurwa muBhaibheri.—Ruka 22:19, 20.

  • Chinoita kuti titi kupemberera Isita hakufarirwi naMwari imhaka yokuti tsika dzinoitwa paIsita dzakabva patsika dzechihedheni dzine chokuita nokubereka. Mwari anoda “kuzvipira kwakazara,” uye zvinomugumbura kuona vanhu vachiita tsika dzaasingafariri pakumunamata.—Eksodho 20:5; 1 Madzimambo 18:21.

Tine chokwadi chokuti kusapemberera kwatinoita Isita imhaka yokuti hazvibvi muBhaibheri. Bhaibheri rinokurudzira kuti tishandise “uchenjeri hunobatsira nemano okufunga” panzvimbo pokungoita vanagundamusaira. (Zvirevo 3:21; Mateu 15:3) Kunyange zvazvo tichiudza vamwe zvatinofunga nezveIsita patinenge tabvunzwa, tinoremekedzawo kodzero yemunhu mumwe nomumwe yokusarudza zvaanoda.—1 Petro 3:15.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe