Isita Kana Kuti Chirangaridzo—Unofanira Kuchengeta Chipi?
SEZVO mambakwedza anoparadzira kupenya kwawo pajengachenga pana April 7, mamiriyoni achafarira zuva rawo dzvene zvikurusa regore—Isita. Pane imwe nguva zita racho raishanda kunhambo yamazuva 120 yemabiko nekutsanya iyo yaivamba nezororo rainzi Septuagesima uye yaiguma pane rinonzi Trinity Day. Nhasi zita racho rinoshandiswa kuzita rimwe rokuchengeta kumuka kwaJesu—Svondo yeIsita.
Pamanheru anotangirezvo muvhiki imwe cheteyo, zvisinei, mamwe mamiriyoni achasangana kuti achengete Chirangaridzo chorufu rwaKristu, chinozivikanwawo seChirairo chaShe. Kuchengeta uko Jesu amene akavamba pausiku hwake hwokupedzisira pasi pano. Ipapo akaudza vadzidzi vake, kuti: “Itai izvi, mugondirangarira.”—Ruka 22:19.
Unofanira kuchengeta chipi?
Mavambo eIsita
Zita rokuti Isita, rinoshandiswa munyika dzakawanda, hariwanwi muBhaibheri. Bhuku rinonzi Medieval Holidays and Festivals rinotiudza kuti “zororo racho rakatumidzwa zita raMwarikadzi wechihedheni weMambakwedza uye weChirimo, Eostre.” Uye ndiani akanga ari mwarikadzi uyu? “Eostre akanga ari uyo, maererano nengano, akazarura masuo aValhalla kuti agamuchire Baldur, aidanwa kuti Mwari Muchena, nemhaka yokuchena kwake uyewo Mwari Zuva, nemhaka yokuti huma yake yaigovera chiedza kurudzi rwomunhu,” rinopindura kudaro The American Book of Days. Rinowedzera, kuti: “Hapana panikiro yokuti Chechi mumazuva ayo apakuvamba yakagamuchira tsika dzekare dzechihedheni ndokupa revo yechiKristu kwadziri. Sezvo mutambo waEostre wakanga uri wokuchengeta kumutsidzirwa kwoupenyu muchirimo kwakanga kuri nyore kukuita kuchengetwa kwokumuka muvakafa kwaJesu, ane evhangeri yavaiparidza.”
Kugamuchira uku kunotsanangura nzira iyo mune dzimwe nyika tsika dzeIsita, dzakadai semazai eIsita, tsuro yeIsita, uye mabhanzi anopisa ane muchinjikwa, yakavamba nayo. Pamusoro petsika dzekuita mabhanzi anopisa ane muchinjikwa, “napamusoro pawo pakatsvukira panopenyerera pakatarwa ne. . . muchinjikwa,” bhuku rinonzi Easter and Its Customs rinoti: “Muchinjikwa wakanga uri chiratidzo chechihedheni kare chisati chawana revo isingaperi kuzviitiko zveGood Friday yokutanga, uye chingwa nemakeke pane dzimwe nguva zvakanga zvakachitarwa munguva dzakatangira chiKristu.”
Hapana muMagwaro patinowana kududzwa kwezvinhu izvozvi, uyewo hakuna ufakazi hupi nohupi hwokuti vadzidzi vapakuvamba vaJesu vakazvidavira. Kutaura idi, muapostora Petro anotiudza kuti “pangai mukaka womweya, usina kushatiswa, kuti [ti]kure nawo, kuti [ti]goponeswa.” (1 Petro 2:2) Naizvozvo nei chechi dzechiKristudhomu dzakagamuchira sezviri pachena zviratidzo zvakadaro zvechiHedheni ndokuzvipinza muzvitendero zvavo netsika?
Bhuku rinonzi Curiosities of Popular Customs rinopindura, kuti: “Wakanga uri muitiro usingachinji weChechi yapakuvamba kupa revo yechiKristu kumitambo yakadaro yechihedheni iripo sewaisagona kubviswa. Muchiitiko cheIsita kuchinjwa kwacho kwakanga kuri nyore zvikuru. Kufara pakubuda kwezuva romusikirwo, uye pakumuka kwechisiko murufu rwemuchando, zvakava mufaro pakubuda kweZuva rokururama, pakumutswa kwaKristu muguva. Kumwe kwokuchengeta kwechihedheni kwaiitika panenge pana May 1 kwakachinjwawo kuti kuwirirane nokuchengetwa kweIsita.” Panzvimbo pokudzivisa tsika dzakakurumbira dzechihedheni nemiitiro yamapipi, vatungamiriri vorudzidziso vakazvifuratira ndokuzvipa “revo yechiKristu.”
‘Asi pane kuvadziko ipi neipi muna ikoko here?’ ungashamisika kudaro. Vamwe havafungi kudaro. “Apo rudzidziso rwakadai sechiKristu runouya kune rumwe rudzi ruchibva kunze, runogamuchira ndoku‘bhapatidza’ dzimwe tsika idzo dzinobva kumarudzidziso ekare,” akadaro Alan W. Watts, mumwe mufundisi weEpiscopal, mubhuku rake Easter—Its Story and Meaning. “Chinosarudza uye kupinda mukuchengetwa kwemiitiro yerudzi uko kunoratidzika sokunoreva nheyo dzimwe chetedzo dzisingagumi dzinodzidziswa neChechi.” Kuvazhinji, idi rokuti chechi yavo yakatendera kuchengeta uku ndokukubata sokutsvene chikonzero chakakwana chokudzigamuchira. Asi mibvunzo inokosha iri kufuratirwa. Mwari anonzwa sei pamusoro petsika idzi? Akatipa nhungamiro dzipi nedzipi here dzokutevera munhau yacho?
Kuwana Murangariro waMwari
“Zuva reIsita, Mabiko eKumutswa kwaShe Wedu, ndiwo mukurusa wemitambo yose yeChechi yechiKristu,” akadaro Christina Hole mubhuku rake rinonzi Easter and Its Customs. Vamwe vanyori vanobvumirana nazvo. “Hakuna zuva dzvene kana kuti mutambo mugore rechiKristu unogona kuenzaniswa muukoshi neEaster Sunday,” anodaro Robert J. Myers mubhuku rinonzi Celebrations. Ikoko, zvisinei, kunomutsa mimwe mibvunzo. Kana kuchengeta Isita kuchikosha kwazvo, nei kusina murayiro wakananga muBhaibheri wokuita saizvozvo? Kune chinyorwa chipi nechipi here chavadzidzi vapakuvamba vaJesu vachichengeta Easter Sunday?
Hakusati kuri kuti Bhaibheri rinokundikana kupa nhungamiro pamusoro pezvinofanira kana kuti zvisingafaniri kuchengetwa. Mwari akanga akananga zvikuru muna ikoku kurudzi rwakare rwaIsraeri, uye sezvataurwa pakuvamba, mirayiridzo yakajeka yakapiwa vaKristu kuti vapfuurire kuchengeta Chirangaridzo chorufu rwaKristu. (1 VaKorinte 11:23-26; VaKorose 2:16, 17) Chimwe chinyorwa chapakuvamba cheThe Encyclopædia Britannica chinotiudza, kuti: “Hapana chinoratidza kuchengetwa kwemutambo weIsita muTestamende Itsva, kana kuti mumanyoro avanyori vavaapostora. Utsvene hwenguva chaidzo hwakanga huri pfungwa yaisava mundangariro dzavaKristu vokutanga. . . . Ishe kana kuti vaapostora vake havana kurayira kuchengetwa kwaiyoyi kana kuti mumwe mutambo upi neupi.”
Vamwe vanonzwa kuti kufadza kwemitambo yakadaro nemufarwa yainounza kururamiswa kwakakwana kwokuchengetwa kwayo. Tinogona kudzidza, zvisinei, muchakaitika apo vaIsraeri vakagamuchira mumwe muitiro worudzidziso weEgipita ndokuudanazve kuti “mutambo. . . kuna Jehovha.” Ivowo “vakagara pasi, vakadya nokunwa” uye “vakasimuka, vakatamba.” Asi zviito zvavo zvakatsamwisa Jehovha Mwari zvikuru, uye akavaranga zvakakomba.—Eksodho 32:1-10, 25-28, 35.
Shoko raMwari rakajeka zvikuru. Hapagoni kuva nokugoverana pakati pe“chiedza” chezvitendero zvechokwadi ne“rima” renyika yaSatani; hapagoni kuva neku“nzwana” pakati paKristu nekunamata kwechihedheni. Tinoudzwa, kuti: “Budai pakati pavo, muzviraure, ndizvo zvinotaura Ishe, musabata chinhu chine tsvina; ini ndichakugamuchirai.”—2 VaKorinte 6:14-18.
Sezvo kuchengetwa kweChirangaridzo bedzi—kwete Isita—kuchirayirwa muBhaibheri nokuda kwavaKristu, chinofanira kuchengetwa. Naizvozvo tinogona sei kuchichengeta zvakafanira?
[Mufananidzo uri papeji 5]
“Mutambo . . . kuna Jehovha” wavaIsraeri wakatsamwisa Mwari zvikuru
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 2]
Cover: M. Thonig/H. Armstrong Roberts